ShonaTeam 2 Samuel « 14 »

14Zvino Joabhu mwanakomana waZeruya wakaziva kuti moyo wamambo waiva kuna Abhusaromu.

2 Joabhu ndokutuma kuTekowa, ndokutorako mukadzi waiva akangwara, ndokuti kwaari: Uzviite hako semuchemi, uye upfeke hako nguvo yemariro, uye usazvizora mafuta, asi uzviite semukadzi wachema wakafa mazuva mazhinji awa.

3 Zvino uchapinda kuna mambo ugotaura kwaari zvichienderana neshoko iri. Joabhu ndokuisa mashoko mumuromo make.

4 Zvino mukadzi weTekowa wakataura kuna mambo, akawira pasi nechiso chake, ndokukotama, ndokuti: Ponesai, mambo!

5 Mambo ndokuti kwaari: Unei? Iye ndokuti: Zvirokwazvo, ndiri mukadzi chirikadzi, uye murume wangu wakafa.

6 Zvino murandakadzi wenyu waiva ane vanakomana vaviri. Zvino ivo vaviri vakarwa kusango uye paiva pasina mununuri pakati pavo; umwe ndokurova umwe ndokumuuraya.

7 Zvino tarirai, mhuri yose yamukira murandakadzi wenyu, ndokuti: Ipa uyo wakarova munin'ina wake, kuti timuuraye nekuda kweupenyu hwemunin'ina wake waakauraya; zvino tichauraya mudyi wenhakawo. Naizvozvo vachadzima zimbe rangu rakasara, kuti vasasiira murume wangu zita kana wakasara pachiso chenyika.

8 Mambo ndokuti kumukadzi: Enda kumba kwako, uye ini ndicharaira maererano newe.

9 Mukadzi weTekowa ndokuti kuna mambo: Ishe wangu, mambo, mhosva ngaive pamusoro pangu nepamusoro peimba yababa vangu, asi mambo nechigaro cheushe chake ngazvive zvisina mhosva.

10 Mambo ndokuti: Uyo anotaura kwauri, uuye naye kwandiri, uye haangakugunzvizve zvekare.

11 Iye ndokuti: Mambo ngaarangarire hake Jehovha Mwari wenyu, kuti mutsivi weropa arege kuramba achiparadza, zvimwe vangaparadza mwanakomana wangu. Iye ndokuti: NaJehovha mupenyu, hakungawiri pasi ruvhudzi rumwe rwemwanakomana wako.

12 Zvino mukadzi wakati: Murandakadzi wenyu ngaataure hake shoko kuna ishe wangu mambo. Iye ndokuti: Taura.

13 Mukadzi ndokuti: Zvino makarangarirei zvakadai pavanhu vaMwari? Mambo paanotaura shoko iri seane mhosva, pakuti mambo haana kudzosa wakadzingwa wake.

14 Nokuti tinofanira kufa, takaita semvura yakateukira pasi, isingaunganidzwi. Asi Mwari haabvisi upenyu, asi anofunga mazano kuti wakadzingwa haangarasiwi kwaari.

15 Naizvozvo ikozvino ndauya kuti ndizotaura shoko iri kuna ishe wangu mambo, nokuti vanhu vakandityisa; murandakadzi wenyu ndokuti: Ndichataura ikozvino kuna mambo; zvimwe mambo achaita shoko remurandakadzi wake.

16 Nokuti mambo achanzwa kununura murandakadzi wake kubva muruoko rwemunhu anoda kuparadza ini pamwe nemwanakomana wangu panhaka yaMwari.

17 Zvino murandakadzi wenyu wakati: Shoko rashe wangu, mambo ngarive rekunyaradza; nokuti semutumwa waMwari, wakadaro ishe wangu, mambo, kuziva zvakanaka nezvakaipa; naizvozvo Jehovha Mwari wenyu ngaave nemwi.

18 Zvino mambo wakapindura ndokuti kumukadzi: Usandivanzira hako shoko randichabvunza kwauri. Mukadzi ndokuti: Ishe wangu, mambo, ngaataure hake.

19 Mambo ndokuti: Ruoko rwaJoabhu rwunewe here pazvose izvi? Mukadzi ndokupindura ndokuti: Neupenyu hwemweya weupenyu wenyu, ishe wangu mambo, zvirokwazvo hakuna angaenda kurudyi kana kuruboshwe kubva pazvose ishe wangu mambo zvaataura; nokuti muranda wenyu Joabhu, iye wakandiraira, ndiye wakaisa mashoko awa ose mumuromo wemurandakadzi wenyu.

20 Muranda wenyu Joabhu waita chinhu ichi kuti ashandure chimiro chenyaya. Zvino ishe wangu wakachenjera zvinoenderana neuchenjeri hwemutumwa waMwari, kuziva zvose zviri panyika.

21 Mambo ndokuti kuna Joabhu: Tarira hako, ndaita chinhu ichi; naizvozvo enda udzose jaya Abhusaromu.

22 Zvino Joabhu wakawira pasi nechiso chake, ndokukotama, ndokuvonga mambo. Joabhu ndokuti: Nhasi muranda wenyu anoziva kuti ndakawana nyasha pameso enyu, ishe wangu, mambo, pakuti mambo waita shoko remuranda wake.

23 Zvino Joabhu wakasimuka ndokuenda kuGeshuri ndokuunza Abhusaromu muJerusarema.

24 Mambo ndokuti: Ngaatsaukire kumba kwake, uye ngaarege kuona chiso changu. Naizvozvo Abhusaromu wakatsaukira kumba kwake uye haana kuona chiso chamambo.

25 Zvino kwaIsraeri wose kwaiva kusina munhu wairumbidzwa kwazvo pakunaka saAbhusaromu. Paiva pasina gwapa paari kubva pachitsiko chetsoka yake kusvika kunhongonya yake.

26 Zvino paaigera musoro wake - nokuti zvaiitika pakupera kwegore rimwe nerimwe kuti waigera, nokuti vhudzi raimuremera, naizvozvo wairigera - waiyerawo vhudzi remusoro wake, mashekeri mazana maviri pachiyero chamambo.

27 Zvino kwakaberekerwa Abhusaromu vanakomana vatatu, nemwanasikana umwe, uye zita rake raiva Tamari; iye waiva mukadzi waiva akanaka pakuonekwa.

28 Naizvozvo Abhusaromu wakagara makore maviri azere paJerusarema, asi haana kuona chiso chamambo.

29 Abhusaromu ndokutuma shoko kuna Joabhu, kuti amutume kuna mambo; asi haana kuda kuuya kwaari; akatumazve rwechipiri; asi haana kuda kuuya.

30 Zvino wakati kuvaranda vake: Onai, dunhu raJoabhu riri pedo nerangu, uye ane bhari ikoko; endai munoripisa nemoto. Varanda vaAbhusaromu ndokupisa dunhu nemoto.

31 Joabhu ndokusimuka ndokuenda kuna Abhusaromu kumba, ndokuti kwaari: Varanda vako vapisirei dunhu riri rangu nemoto?

32 Abhusaromu ndokuti kuna Joabhu: Tarira, ndakatuma shoko kwauri, ndichiti: Uya pano ndikutume kuna mambo kuti: Ndakabvirei Geshuri? Zvaiva zviri nani dai ndichingovako; naizvozvo ikozvino, rega ndione chiso chamambo; uye kana kune mhosva kwandiri, ngaandiuraye.

33 Naizvozvo Joabhu wakauya kuna mambo ndokumuudza. Wakati adana Abhusaromu, wakauya kuna mambo, ndokumukotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo; mambo ndokutsvoda Abhusaromu.