ShonaTeam 2 Samuel « 13 »

Kutadza kwaAmunoni

13Zvino zvakaitika shure kweizvi kuti Abhusaromu mwanakomana waDhavhidhi waiva ane hanzvadzi yakanaka, zita rake raiva Tamari. Zvino Amunoni mwanakomana waDhavhidhi wakamuda.

2 Zvino Amunoni wakatambudzika kusvika arwara nekuda kwaTamari hanzvadzi yake; nokuti waiva ari mhandara, uye zvairema mumeso aAmunoni kumuitira chinhu.

3 Asi Amunoni waiva ane shamwari, zita rayo raiva Jonadhabhu mwanakomana waShimea mukoma waDhavhidhi. Zvino Jonadhabhu waiva ari munhu waiva nemano kwazvo.

4 Iye ndokuti kwaari: Sei iwe, mwanakomana wamambo, uchionda zvakadai mangwanani nemangwanani? Haundiudzi here? Amunoni ndokuti kwaari: Ndinoda Tamari, hanzvadzi yemunin'ina wangu Abhusaromu.

5 Jonadhabhu ndokuti kwaari: Rara pamubhedha wako, ugozviita murwere; zvino baba vako pavanosvika kuzokuona, uti kwavari: Regai henyu hanzvadzi yangu Tamari auye andipe zvekudya kuti ndidye, uye agadzire zvekudya pamberi pemeso angu, kuti ndione ndigodya paruoko rwake.

6 Amunoni ndokurara pasi, akazviita murwere. Zvino mambo wakati asvika kumuona, Amunoni wakati kuna mambo: Regai henyu Tamari, hanzvadzi yangu auye agoita makeke maviri pamberi pemeso angu, kuti ndidye paruoko rwake.

7 Zvino Dhavhidhi wakatuma shoko kumusha kuna Tamari achiti: Enda ikozvino kumba kwaAmunoni hanzvadzi yako ugomugadzirira zvekudya.

8 Naizvozvo Tamari wakaenda kumba kwehanzvadzi yake Amunoni, iye waiva arere pasi. Zvino wakatora mukanyiwa ndokuukanya, ndokuita makeke pamberi pemeso ake, ndokubika makeke.

9 Zvino wakatora gango ndokudurura pamberi pake; asi iye wakaramba kudya. Amunoni ndokuti: Budisa vanhu vose kwandiri. Zvino vakabuda, munhu wose kubva kwaari.

10 Amunoni ndokuti kuna Tamari: Unza zvekudya mukamuri, kuti ndidye paruoko rwako. Tamari ndokutora makeke aaiva aita ndokuunza mukamuri kuna Amunoni hanzvadzi yake.

11 Wakati aswededza kwaari kuti adye, iye ndokumubata, ndokuti kwaari: Uya urare neni, hanzvadzi yangu.

12 Iye ndokuti kwaari: Kwete, hanzvadzi yangu, usandimanikidza; nokuti zvakadaro hazviitwi kwaIsraeri; usaita upenzi uhu.

13 Neni ndichaisepi chinyadzo changu? Newe uchava seumwe wematununu kwaIsraeri. Zvino ikozvino, taura hako kuna mambo; nokuti haangandinyimi kwauri.

14 Asi haana kuda kuteerera kuinzwi rake, asi wakamukurira simba, wakamumanikidza, ndokurara naye.

15 Zvino Amunoni akamuvenga neruvengo rukuru kwazvo; zvekuti ruvengo rwaakamuvenga narwo rwaiva rukuru pane rudo rwaakamuda narwo. Amunoni ndokuti kwaari: Muka, uende.

16 Iye ndokuti kwaari: Hakuna zvikonzero; kuipa uku kwekundidzinga kukuru kupfuura kumwe kwawaita kwandiri. Asi haana kuda kumuteerera.

17 Zvino wakadana muranda wake waimushandira, ndokuti: Budisira panze uyu ikozvino abve kwandiri ugoisa chihuri pamukova shure kwake.

18 Zvino iye waiva akapfeka nguvo yemavara-mavara, nokuti vakunda vamambo vaiva mhandara vaidzipfeka nguvo. Muranda ndokumubudisa panze, ndokuisa chihuri pamukova shure kwake.

19 Zvino Tamari wakaisa madota mumusoro wake, ndokubvarura nguvo yake yemavara-mavara yaaiva akapfeka, ndokuisa ruoko rwake mumusoro wake, ndokuenda akafamba achichema.

20 Zvino Abhusaromu hanzvadzi yake wakati kwaari: Amunoni hanzvadzi yako wanga anewe here? Naizvozvo, nyarara hako, hanzvadzi yangu; iye ihanzvadzi yako; usaisa moyo wako pachinhu ichi. Naizvozvo Tamari wakagara ari ega mumba maAbhusaromu hanzvadzi yake.

21 Mambo Dhavhidhi wakati anzwa izvi zvinhu zvose, akatsamwa kwazvo.

22 Asi Abhusaromu haana kutaura chakaipa kana chakanaka kuna Amunoni; nokuti Abhusaromu wakavenga Amunoni, nokuti wakamanikidza hanzvadzi yake Tamari.

23 Zvino zvakaitika shure kwemakore maviri akazara kuti Abhusaromu waiva ane vaveuri vemakwai paBhaari-Hazori riri parutivi paEfuremu; Abhusaromu ndokukoka vanakomana vose vamambo.

24 Abhusaromu ndokuuya kuna mambo, ndokuti: Tarirai ikozvino, muranda wenyu ane vaveuri vemakwai. Regai henyu mambo nevaranda vake vaende nemuranda wenyu.

25 Mambo ndokuti kuna Abhusaromu: Kwete, mwanakomana wangu, rega tirege kuenda tose, zvimwe tive mutoro kwauri. Akamumanikidza, asi haana kutenda kuenda, asi wakamuropafadza.

26 Zvino Abhusaromu wakati: Kana zvisina kudaro, regai henyu Amunoni mukoma wangu aende nesu. Mambo ndokuti kwaari: Anoenderei newe?

27 Asi Abhusaromu wakamumanikidza, iye ndokuendesa Amunoni nevanakomana vose vamambo.

28 Zvino Abhusaromu waiva araira varanda vake achiti: Tarirai henyu, kana moyo waAmunoni wofara newaini, pandichati kwamuri: Rovai Amunoni! Zvino muurayei, musatya; ini handina kukurairai here? Tsungai uye ivai vanakomana veumhare.

29 Zvino varanda vaAbhusaromu vakaitira Amunoni Abhusaromu sezvaaiva araira. Vanakomana vose vamambo ndokusimuka, umwe neumwe ndokutasva nyurusi rake ndokutiza.

30 Zvino zvakaitika vachiri munzira, kuti shoko rakasvika kuna Dhavhidhi richiti: Abhusaromu wauraya vanakomana vose vamambo, uye hakuna umwe wavo wasara.

31 Zvino mambo wakasimuka, ndokubvarura nguvo dzake, ndokurara pavhu; nevaranda vake vose vakamirapo nguvo dzakabvarurwa.

32 Zvino Jonadhabhu mwanakomana waShimea mukoma waDhavhidhi wakapindura ndokuti: Ishe wangu ngaarege kuti vauraya majaya ose, vanakomana vamambo; nokuti Amunoni ega ndiye wafa, nokuti nemuromo waAbhusaromu kwakatemwa kubva pazuva rekumanikidza kwake hanzvadzi yake Tamari.

33 Naizvozvo zvino ishe wangu mambo ngaarege kuisa shoko iri mumoyo make kuti vanakomana vose vamambo vafa, nokuti ndiAmunoni ega wafa.

34 Abhusaromu ndokutiza. Zvino jaya raiva rakarinda ndokusimudza meso aro, ndokuona, zvino tarira, vanhu vazhinji vaiuya kubva kunzira shure kwaro kurutivi rwegomo.

35 Jonadhabhu ndokuti kuna mambo: Tarirai, vanakomana vamambo vanouya; seshoko remuranda wenyu, zvakadaro.

36 Zvino zvakaitika pakupedza kwake kutaura, kuti tarira, vanakomana vamambo vakasvika, ndokusimudza inzwi ravo, ndokuchema; namambowo nevaranda vake vose vakachema nekuchema kukuru kwazvo.

37 Asi Abhusaromu wakatiza, akaenda kuna Tarimai mwanakomana waAmihudhi mambo weGeshuri. Dhavhidhi ndokuchema mwanakomana wake mazuva ose.

38 Naizvozvo Abhusaromu wakatiza ndokuenda kuGeshuri; akavako makore matatu.

39Mweya weupenyu waDhavhidhi mambo ukashuva kubuda kuna Abhusaromu, nokuti waiva anyaradzwa pamusoro paAmunoni, zvaaiva afa.