ShonaTeam 2 Samuel « 12 »

Dhavhidhi anochema zvivi zvake

12Zvino Jehovha wakatuma Natani kuna Dhavhidhi. Iye ndokusvika kwaari, ndokuti kwaari: Kwaiva nevarume vaviri muguta rimwe; umwe akafuma, asi umwe murombo.

2 Mufumi waiva nemakwai nemombe zhinji kwazvo.

3 Asi murombo waiva asina chinhu zvachose kunze kwegwayana rimwe resheche raaiva atenga, ndokurirera; iro ndokukura kwaari uye pamwe nevana vake; rakadya pamusuva wake, nekunwa pamukombe wake, nekurara pachifuva chake, uye rakava semukunda kwaari.

4 Mufambi wakati achisvika kumufumi, iye akarega kutora kumakwai ake kana pamombe dzake, kugadzirira mupfuuri waiva asvika kwaari; asi wakatora gwayana remurombo ndokurigadzirira munhu waiva asvika kwaari.

5 Zvino kutsamwa kwaDhavhidhi kwakapfutira munhu uyu kwazvo, ndokuti kuna Natani: NaJehovha mupenyu, munhu wakaita izvi mwanakomana werufu.

6 Uye acharipira gwayana nemana, nekuda kwekuti wakaita chinhu ichi, uye nekuda kwekuti haana kuva netsitsi.

7 Zvino Natani wakati kuna Dhavhidhi: Ndiwe munhu uyo! Ndizvo zvinoreva Jehovha Mwari pamusoro paIsraeri: Ini ndakakuzodza kuva mambo pamusoro paIsraeri, uye ini ndakakununura paruoko rwaSauro.

8 Zvino ndakakupa imba yatenzi vako, nevakadzi vatenzi vako pachipfuva chako, uye ndakakupa imba yaIsraeri neyaJudha; uye dai zvaiva zvidiki ndaikuwedzera zvakadai nezvakadai.

9 Wazvidzirei shoko raJehovha nokuita zvakaipa pameso ake? Wauraya Uriya muHiti nemunondo, uye watora mukadzi wake kuva mukadzi wako, naiye wamuuraya nemunondo wevana vaAmoni.

10 Zvino ikozvino munondo haungabvi paimba yako kusvika rinhi narinhi; nokuti wakandizvidza, ndokutora mukadzi waUriya muHiti kuti ave mukadzi wako.

11 Ndizvo zvinoreva Jehovha: Tarira, ndichakumutsira zvakaipa kubva mumba mako, uye ndichatora vakadzi vako pameso ako ndigopa muvakidzani wako, uye acharara nevakadzi vako pameso ezuva iri.

12 Nokuti iwe wakazviita pachivande, asi ini ndichaita chinhu ichi pamberi paIsraeri wose, uye pamberi pezuva.

13 Zvino Dhavhidhi akati kuna Natani: Ndatadzira Jehovha. Natani ndokuti kuna Dhavhidhi: Jehovha wabvisawo chivi chako; haungafi.

14 Zvakadaro, nokuti waita kuti vavengi vaJehovha vazvidze zvekuzvidza nechinhu ichi, mwanakomanawo wawaberekerwa achafa zvekufa.

15 Zvino Natani wakaenda kumba kwake. Jehovha ndokurova mwana mukadzi waUriya waakaberekera Dhavhidhi, akarwara kwazvo.

16 Naizvozvo Dhavhidhi wakakumbira mwana kuna Mwari; Dhavhidhi wakatsanya mutsanyo, ndokupinda, ndokurara pavhu usiku hwose.

17 Zvino vakuru veimba yake vakasimuka ndokuenda kwaari kumumutsa pavhu; asi haana kuda, uye haana kudya zvekudya navo.

18 Zvino zvakaitika pazuva rechinomwe kuti mwana wakafa. Zvino varanda vaDhavhidhi vakatya kumuudza kuti mwana wafa; nokuti vakati: Tarirai, mwana achiri mupenyu, takataura kwaari, asi haana kuteerera kuinzwi redu; zvino tichamuudza sei kuti mwana wafa; angazvikuvadza.

19 Dhavhidhi paakaona kuti varanda vake vanozevezerana, Dhavhidhi wakaziva kuti mwana wafa; naizvozvo Dhavhidhi wakati kuvaranda vake: Mwana wafa here? Ivo ndokuti: Wafa.

20 Zvino Dhavhidhi wakasimuka kubva pavhu, ndokushamba, ndokuzora mafuta, ndokuchinja nguvo yake, ndokupinda muimba yaJehovha, ndokushumira; ndokuenda kumba kwake, ndokukumbira; ivo ndokuisa zvekudya pamberi pake, iye ndokudya.

21 Varanda vake ndokuti kwaari: Chii chinhu ichi chamaita? Nekuda kwemwana mupenyu makatsanya uye makachema, asi mwana afa masimuka mukadya zvekudya.

22 Iye ndokuti: Mwana achiri mupenyu ndakatsanya ndokuchema, nokuti ndakati: Ndiani anoziva, Jehovha angandinzwira tsitsi, mwana ndokurarama.

23 Asi ikozvino wafa, ndichatsanyirei? Ndinogona kumudzosazve here? Ndichaenda kwaari, asi iye haangadzoki kwandiri.

24 Zvino Dhavhidhi wakanyaradza Bhati-Shebha mukadzi wake, ndokupinda kwaari, ndokurara naye; iye ndokubereka mwanakomana, iye ndokutumidza zita rake Soromoni. Jehovha ndokumuda.

25 Zvino wakatuma neruoko rwaNatani muporofita, ndokutumidza zita rake Jedhidhia, nekuda kwaJehovha.

26 Zvino Joabhu wakarwisana neRabha revana vaAmoni, ndokutapa guta ramambo.

27 Joabhu ndokutuma nhume kuna Dhavhidhi, ndokuti: Ndarwisa Rabha, uye ndatapa guta remvura.

28 Zvino ikozvino, unganidzai vakasara vevanhu, mudzike musasa pakatarisana neguta, mugoritapa; zvimwe ini ndingatapa guta, zita rangu rigodanwa pamusoro paro.

29 Zvino Dhavhidhi wakaunganidza vanhu vose, ndokuenda kuRabha, ndokurirwisa, ndokuritapa.

30 Zvino wakatora korona yamambo wavo kubva mumusoro wake; uye kurema kwayo kwaiva tarenda regoridhe neibwe rinokosha. Zvino yakava mumusoro waDhavhidhi. Wakabudisa zvakapambiwa zveguta zvizhinji kwazvo.

31 Wakabudisawo vanhu vaivamo ndokuisa pasi pemasaha, nemidziyo yekuchekesa yematare, nemasanhu ematare, ndokuvapfuudza mumatope ezvitinha. Zvino wakaita saizvozvo nemaguta ose evana vaAmoni. Dhavhidhi nevanhu vose vakadzokera kuJerusarema.