ShonaTeam 2 Samuel « 10 »

Dhavhidhi anokunda vaAmoni nevaSiriya

10Zvino zvakaitika shure kweizvi kuti mambo wevana vaAmoni wakafa; Hanuni mwanakomana wake ndokutonga pachinzvimbo chake.

2 Zvino Dhavhidhi wakati: Ndichamuitira ngoni Hanuni mwanakomana waNahashi, baba vake sezvavakandiitira ngoni. Dhavhidhi ndokutuma neruoko rwevaranda vake kunomunyaradza pamusoro pababa vake. Varanda vaDhavhidhi ndokusvika munyika yevana vaAmoni.

3 Zvino machinda evana vaAmoni akati kuna Hanuni ishe wavo: Dhavhidhi anokudza baba venyu pameso enyu here zvaatuma vanyaradzi kwamuri? Dhavhidhi haana kutuma varanda vake kwamuri kunzvera guta nekurishora nekuriputsa here?

4 Naizvozvo Hanuni wakabata varanda vaDhavhidhi, akaveura hafu yendebvu dzavo, ndokugura nguvo dzavo nepakati kusvika kumagaro avo, ndokuvaendesa.

5 Pavakaudza Dhavhidhi, iye wakatuma kunovachingamidza, nokuti varume vainyara kwazvo. Mambo ndokuti: Garai muJeriko kusvika ndebvu dzenyu dzabuka, mugodzoka.

6 Vana vaAmoni pavakaona kuti vanhuhwa pamberi paDhavhidhi, vana vaAmoni vakatuma ndokuhaya vaSiriya veBheti-Rehobhu, uye vaSiriya veZobha, varume vaifamba nemakumbo zvuru makumi maviri, namambo weMaaka, varume churu, nevanhu veTobhi, zvuru gumi nezviviri.

7 Zvino Dhavhidhi azvinzwa wakatuma Joabhu nehondo yose yevane simba.

8 Zvino vana vaAmoni vakabuda, ndokurongedza hondo pamukova wesuwo; uye vaSiriya veZobha neveRehobhu nevanhu veTobhi neMaaka vaiva vega pasango.

9 Joabhu paakaona kuti hondo yemberi yaiva yakatarisa kwaari mberi neshure, wakasarudza pane vose vakasarudzwa kwaIsraeri, ndokurongedza kurwisa vaSiriya.

10 Uye vakasara pavanhu wakavapa muruoko rwaAbhishai munin'ina wake kuti avarongedzere kurwisa vana vaAmoni.

11 Zvino wakati: Kana vaSiriya vakava nesimba kundipfuura, ipapo iwe uchava rubatsiro rwangu; asi kana vana vaAmoni vakava nesimba kukupfuura, ipapo ndichauya kukununura.

12 Tsunga, uye ngatizvisimbise nekuda kwevanhu vekwedu uye nekuda kwemaguta aMwari wedu; zvino Jehovha ngaaite zvakanaka pameso ake.

13 Zvino Joabhu wakaswedera, nevanhu vaiva naye, kuhondo kurwisana nevaSiriya; ivo ndokutiza pamberi pake.

14 Vana vaAmoni pavakaona kuti vaSiriya vatiza, naivo vakatiza pamberi paAbhishai ndokupinda muguta. Joabhu ndokudzoka kubva kuvana vaAmoni, ndokuuya kuJerusarema.

15 Zvino vaSiriya vaona kuti varohwa pamberi paIsraeri, ndokuungana pamwe chete.

16 Zvino Hadhadhezeri wakatuma nhume ndokubudisa vaSiriya vaiva mhiri kwerwizi, ivo ndokusvika paHeramu, naShobhaki mukuru wehondo yaHadhadhezeri mberi kwavo.

17 Pazvakaudzwa Dhavhidhi, wakaunganidza Israeri wose, ndokuyambuka Joridhani, ndokusvika paHeramu. VaSiriya ndokuzvirongedzera kurwisa Dhavhidhi, ndokurwa naye.

18 Zvino vaSiriya vakatiza pamberi paIsraeri; Dhavhidhi ndokuuraya kuvaSiriya ngoro mazana manomwe, nevatasvi vemabhiza zvuru makumi mana; uye Shobhaki mukuru wehondo yavo wakamurova, ndokufirapo.

19 Madzimambo ose aiva varanda vaHadhadhezeri, paakaona kuti varohwa pamberi paIsraeri, vakaita ruyanano naIsraeri, ndokuvashandira. Naizvozvo vaSiriya vakatya kununurazve vana vaAmoni.