ShonaTeam 2 Samuel « 9 »

Dhavhidhi anochengeta Mefibhosheti mwanakomana waSauro

9Zvino Dhavhidhi wakati: Kuchine umwe wakasara weimba yaSauro kuti ndimuitire tsitsi nekuda kwaJonatani here?

2 Zvino imba yaSauro yaiva nemuranda wezita raiva Zibha. Pavaiva vamudanira kuna Dhavhidhi, mambo ndokuti kwaari: Ndiwe Zibha here? Iye ndokuti: Muranda wenyu ndiye.

3 Zvino mambo wakati: Hakuchina munhu here weimba yaSauro, wandingaitira tsitsi dzaMwari? Zibha ndokuti kuna mambo: Kuchine mwanakomana waJonatani akaremara tsoka dziri mbiri.

4 Mambo ndokuti kwaari: Aripi? Zibha ndokuti kuna mambo: Tarirai, ari mumba maMakiri mwanakomana waAmieri kuRhodhebhari.

5 Zvino mambo Dhavhidhi wakatuma nhume akandomutora kubva mumba maMakiri mwanakomana waAmieri kuRhodhebhari.

6 Mefibhosheti mwanakomana waJonatani mwanakomana waSauro paakasvika kuna Dhavhidhi wakawa nechiso chake, ndokumukotamira. Dhavhidhi ndokuti: Mefibhosheti! Iye ndokuti: Tarirai, muranda wenyu.

7 Dhavhidhi ndokuti kwaari: Usatya, nokuti zvirokwazvo ndichakuitira tsitsi nekuda kwaJonatani baba vako, uye ndichakudzosera nyika yose yaSauro baba vako; uye iwe uchadya chingwa patafura yangu nguva dzose.

8 Zvino iye wakakotama ndokuti: Muranda wenyu chii kuti mutarise imbwa yakafa yakaita seni.

9 Zvino mambo wakadana Zibha muranda waSauro ndokuti kwaari: Zvose zvaiva zvaSauro nezveimba yake yose ndakazvipa mwanakomana watenzi wako.

10 Zvino iwe uchamurimira ivhu, iwe nevanakomana vako nevaranda vako, uye muchaunza mbesa kuti mwanakomana watenzi wako ave nezvekudya zvaangadya; asi Mefibhosheti mwanakomana watenzi wako achagara achidya zvekudya patafura yangu. Zvino Zibha waiva nevanakomana gumi nevashanu nevaranda makumi maviri.

11 Zvino Zibha wakati kuna mambo: Zvichienderana nezvose ishe wangu, mambo, zvaaraira muranda wake, muranda wenyu achaita saizvozvo. Kana ari Mefibhosheti, mambo anoti: Achadya patafura yangu seumwe wevanakomana vamambo.

12 Zvino Mefibhosheti waiva nemwanakomana mudiki, zita rake raiva Mika. Uye vose vaiva vagere mumba maZibha, vakava varanda vaMefibhosheti.

13 Zvino Mefibhosheti wakagara paJerusarema, nokuti waidya patafura yamambo nguva dzose; waiva akaremara tsoka dzake dziri mbiri.