ShonaTeam 2 Samuel « 6 »

Dhavhidhi anoisa areka kuJerusarema

6Zvino Dhavhidhi wakaunganidzazve vose vakasarudzwa kwaIsraeri, zvuru makumi matatu.

2 Dhavhidhi ndokusimuka ndokuenda nevanhu vose vaiva naye kubva paBhaari-Judha, kuti vakwidze areka yaMwari ibvepo, parakadanwa zita, zita raJehovha wehondo agere pakati pemakerubhi pamusoro payo.

3 Zvino vakatasvisa areka yaMwari pangoro itsva, vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu yaiva pachikomo. Zvino Uza naAhiyo vanakomana vaAbhinadhabhu vakachaira ngoro itsva.

4 Zvino vakaisimudza kubva paimba yaAbhinadhabhu yaiva pachikomo, pamwe neareka yaMwari; Ahiyo ndokuenda mberi kweareka.

5 Zvino Dhavhidhi neimba yose yaIsraeri vakaridza pamberi paJehovha nemarudzi ose ezviridzwa zvematanda emusipiresi, uye nembira, uye nemitengeranwa, uye nengoma, uye nematare anoridzwa, uye nemakandira.

6 Vakati vachisvika paburiro raNakoni, Uza ndokutambanudzira ruoko kuareka yaMwari, akaibata, nokuti nzombe dzaiva dzagumburwa.

7 Kutsamwa kwaJehovha ndokupfutira Uza, Mwari ndokumurova ipapo nekuda kwechitadzo; iye ndokufirapo paareka yaMwari.

8 Zvino Dhavhidhi wakatsamwa nokuti Jehovha wakapoyera Uza nerupoyo; ndokutumidza nzvimbo iyo Perezi-Uza kusvika nhasi.

9 Zvino Dhavhidhi wakatya Jehovha nezuva iro ndokuti: Areka yaJehovha ichauya sei kwandiri?

10 Naizvozvo Dhavhidhi haana kuda kupfuudza areka yaJehovha kwaari muguta raDhavhidhi; asi Dhavhidhi wakaitsausira kumba kwaObhedhi-Edhomu muGiti.

11 Areka yaJehovha ndokuramba iri mumba maObhedhi-Edhomu muGiti mwedzi mitatu; Jehovha ndokuropafadza Obhedhi-Edhomu neimba yake yose.

12 Zvino kwakaudzwa mambo Dhavhidhi kuchinzi: Jehovha wakaropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvake nekuda kweareka yaMwari. Naizvozvo Dhavhidhi wakaenda ndokukwidza areka yaMwari kuibvisa kumba kwaObhedhi-Edhomu, kuiisa kuguta raDhavhidhi nemufaro.

13 Zvino zvakaitika, vaiva vakatakura areka yaJehovha pavakafamba nhambwe nhanhatu, kuti wakabaya nzombe nechakakodzwa.

14 Dhavhidhi ndokutamba pamberi paJehovha nesimba rese; uye Dhavhidhi waiva akasunga chiuno neefodhi* yemucheka wakapfava.

15 Saizvozvo Dhavhidhi neimba yose yaIsraeri vakakwidza areka yaJehovha nemupururu uye nekurira kwehwamanda.

16 Zvino zvakaitika, areka yaJehovha payakasvika muguta raDhavhidhi, kuti Mikari mukunda waSauro wakatarira nepahwindo, ndokuona mambo Dhavhidhi achipembera nekutamba pamberi paJehovha, akamuzvidza mumoyo make.

17 Zvino vakapinza areka yaJehovha, ndokuiisa panzvimbo yayo pakati petende Dhavhidhi raaiva aidzikira; Dhavhidhi ndokupa zvipo zvinopiswa pamberi paJehovha, nezvipo zvekuyananisa.

18 Dhavhidhi wakati apedza kubaira chipo chinopiswa nezvipo zvekuyananisa, wakaropafadza vanhu nezita raJehovha wehondo.

19 Zvino wakagovera vanhu vose, chaunga chose chaIsraeri, kubva kumurume kusvika kumukadzi, kune umwe neumwe bundu rechingwa, nenhindi yenyama, nechingwa chemazambiringa akaomeswa. Zvino vanhu vose vakaenda, umwe neumwe kumba kwake.

20 Dhavhidhi akadzoka kuzoropafadza imba yake. Mikari mukunda waSauro ndokubuda kuzochingamidza Dhavhidhi, ndokuti: Wakudzwa sei mambo waIsraeri nhasi, achizvifukura nhasi pamberi pemeso evarandakadzi vevaranda vake seumwe wevasina maturo achizvifukura zvekuzvifukura!

21 Dhavhidhi ndokuti kuna Mikari: Pamberi paJehovha wakandisarudza pachinzvimbo chababa vako, nepachinzvimbo cheimba yake yose, kuti andiite mutungamiriri pamusoro pevanhu vaJehovha, pamusoro paIsraeri; naizvozvo ndichatamba pamberi paJehovha.

22 Uye ndichazvidzika kupfuura izvi, ndideredzwe pameso pangu; asi pamwe nevarandakadzi vawareva, ndichakudzwa pamwe navo.

23 Zvino Mikari mukunda waSauro waiva asina vana kusvika zuva rekufa kwake.