ShonaTeam 2 Samuel « 3 »

3Zvino kwaiva nehondo refu pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi; asi Dhavhidhi wakaramba achisimba, asi veimba yaSauro vakaramba vachishaiwa simba.

Vana vaDhavhidhi

2 Zvino kwakaberekerwa Dhavhidhi vanakomana paHebhuroni; dangwe rake raiva Amunoni waAhinowamu mukadzi muJezireeri;

3 newechipiri wake waiva Kireabhi waAbhigairi mukadzi waNabhari muKarimeri; newechitatu waiva Abhusaromu mwanakomana waMaaka mukunda waTarimai, mambo weGeshuri;

4 newechina waiva Adhonia mwanakomana waHagiti; newechishanu waiva Shefatia mwanakomana waAbhiatari;

5 newechitanhatu waiva Itireami waEgira mukadzi waDhavhidhi. Ava vakaberekerwa Dhavhidhi paHebhuroni.

Abhineri anourawa naJoabhu

6 Zvino zvakaitika pachine hondo pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi kuti Abhineri wakazvisimbisa paimba yaSauro.

7 Zvino Sauro waiva ane murongo, wainzi Rizipa mukunda waAya; Ishibhosheti ndokuti kuna Abhineri: Wapindirei kumurongo wababa vangu?

8 Abhineri ndokutsamwa kwazvo nemashoko aIshibhosheti, ndokuti: Ndiri musoro wembwa iri yaJudha here? Nhasi ndinoitira tsitsi imba yaSauro baba vako, vanin'ina vake, neshamwari dzake, uye handina kukuisa paruoko rwaDhavhidhi; kuti undipe mhosva nhasi pamusoro pemukadzi uyu.

9 Mwari ngaaite saizvozvo kuna Abhineri, awedzere achidaro kwaari, zvirokwazvo, Jehovha sezvaakapika kuna Dhavhidhi, zvirokwazvo ndichaita saizvozvo kwaari;

10 kupfuudza ushe kubva paimba yaSauro, nekumisa chigaro cheushe chaDhavhidhi pamusoro paIsraeri uye pamusoro paJudha, kubva paDhani kusvika paBheeri-Shebha.

11 Zvino haana kugona kupindurazve Abhineri shoko, nokuti waimutya.

12 Zvino Abhineri wakatuma nhume kuna Dhavhidhi pachinzvimbo chake achiti: Nyika ndeyani? Achiti: Ita sungano yako neni, uye tarira, ruoko rwangu rwuchava newe, kuuisa Israeri wose kwauri.

13 Zvino wakati: Zvakanaka, ini ndichaita sungano newe; asi ndinokumbira chinhu chimwe kwauri, chinova chekuti haungaoni chiso changu, kunze kwekuti waunza Mikari mukunda waSauro kutanga, paunouya kuzoona chiso changu.

14 Zvino Dhavhidhi wakatuma nhume kuna Ishibhosheti mwanakomana waSauro achiti: Ndipe Mikari mukadzi wangu, wandakazvipfimbira nezvikanda zvepamberi zana zvevaFirisitia.

15 Zvino Ishibhosheti wakatuma nhume ndokumutora kumurume, kuna Paritieri mwanakomana waRaishi.

16 Zvino murume wake wakaenda naye, achifamba achichema shure kwake kusvika paBhahurimu. Abhineri ndokuti kwaari: Enda, dzokera; zvino akadzokera.

17 Zvino Abhineri wakava nekurangana nevakuru vaIsraeri achiti: Maitsvaka Dhavhidhi zuro namarimwezuro kuti ave mambo pamusoro penyu.

18 Zvino ikozvino zviitei, nokuti Jehovha wakataura pamusoro paDhavhidhi achiti: Neruoko rwemuranda wangu Dhavhidhi ndichaponesa vanhu vangu Israeri paruoko rwevaFirisitia, neparuoko rwevavengi vavo vose.

19 Abhineri ndokutaurawo munzeve dzaBhenjamini; Abhineri ndokuenda kunotaurawo munzeve dzaDhavhidhi muHebhuroni zvose zvaiva zvakanaka pameso paIsraeri nepameso eimba yose yaBhenjamini.

20 Naizvozvo Abhineri wakasvika kuna Dhavhidhi paHebhuroni ane varume makumi maviri. Zvino Dhavhidhi wakaitira Abhineri nevanhu vaaiva navo mabiko.

21 Abhineri ndokuti kuna Dhavhidhi: Ndichasimuka ndigoenda, ndigounganidzira Israeri wose ishe wangu mambo, kuti vaite sungano nemwi, uye kuti mutonge pamusoro pezvose moyo wenyu zvaunoshuva. Dhavhidhi ndokuendesa Abhineri, iye ndokuenda nerugare.

22 Zvino tarira, varanda vaDhavhidhi naJoabhu vakasvika kubva pakupamba, ivo ndokuunza pamwe navo zvakapambiwa zvizhinji; asi Abhineri waiva asipo pana Dhavhidhi paHebhuroni, nokuti waiva amuendesa, iye ndokuenda nerugare.

23 Joabhu nehondo yose yaiva naye vakati vasvika, ivo ndokuudza Joabhu vachiti: Abhineri mwanakomana waNeri wakasvika kuna mambo, iye ndokumuendesa, iye ndokuenda nerugare.

24 Zvino Joabhu wakaenda kuna mambo ndokuti: Maitei? Tarirai, Abhineri wakasvika kwamuri. Makamuendeserei, zvino waenda zvekuenda?

25 Munoziva Abhineri mwanakomana waNeri kuti wakauya kuzokunyengerai nekuziva kubuda kwenyu nekupinda kwenyu, nekuziva zvose zvamunoita.

26 Joabhu paaiva abuda kubva kuna Dhavhidhi wakatuma nhume kutevera Abhineri, idzo ndokumudzosa patsime reSira; asi Dhavhidhi waiva asingazivi.

27 Abhineri paaiva adzoka kuHebhuroni, Joabhu wakamutora parutivi pakati pesuwo kutaura naye chinyararire, ndokumurovapo pasi mudumbu kusvika afa, nekuda kweropa remunin'ina wake Asaheri.

28 Pashure Dhavhidhi paaiva anzwa wakati: Ini neushe hwangu hatina mhosva pamberi paJehovha kusvika rinhi narinhi pamusoro peropa raAbhineri mwanakomana waNeri.

29 Ngazvigare pamusoro waJoabhu nepamusoro peimba yose yababa vake. Ngakurege kugurwa kubva paimba yaJoabhu ane kuyerera kana ane maperembudzi kana anodonzva kana anowa nemunondo kana anoshaiwa zvekudya.

30 Naizvozvo Joabhu naAbhishai munin'ina wake vakauraya Abhineri, nokuti waiva auraya munin'ina wavo Asaheri paGibhiyoni pahondo.

31 Zvino Dhavhidhi wakati kuna Joabhu nekuvanhu vose vaiva naye: Bvarurai nguvo dzenyu, musunge masaga pazviuno zvenyu, uye mucheme pamberi paAbhineri. Mambo Dhavhidhi ndokutevera hwanyanza.

32 Zvino vakaviga Abhineri paHebhuroni, mambo ndokusimudza inzwi rake ndokuchema paguva raAbhineri; nevanhu vose vakachema.

33 Mambo ndokuungudzira Abhineri, ndokuti: Abhineri afa sekufa kwebenzi here?

34 Maoko ako aiva asina kusungwa, nemakumbo ako aiva asina kupinzwa mumatare; iwe wakafa sekufa kwemunhu pamberi pevana vezvakaipa. Vanhu vose vakamuchemazve.

35 Zvino vanhu vose vakauya kuzoita kuti Dhavhidhi adye zvekudya achiri masikati; asi Dhavhidhi wakapika achiti: Mwari ngaaite saizvozvo kwandiri awedzere saizvozvo, kana ndikaravira chingwa kana chimwe zvacho zuva risati ravira.

36 Vanhu vose ndokucherekedza, uye zvakava zvakanaka pameso avo, sezvo chipi nechipi mambo chaanoita chakanaka pameso evanhu vose.

37 Nokuti vanhu vose naIsraeri wose vakaziva nezuva iro kuti zvaiva zvisiri zvamambo kuuraya Abhineri mwanakomana waNeri.

38 Zvino mambo wakati kuvaranda vake: Hamuzivi here kuti nhasi kwawa muchinda uye mukuru kwaIsraeri?

39 Neni nhasi handina simba uye ndiri mambo wakazodzwa; nevarume ava vanakomana vaZeruya vakaoma kundikunda. Jehovha achatsiva muiti wechakaipa zvinoenderana neuipi hwake.