ShonaTeam 2 Samuel « 2 »

Dhavhidhi anoitwa mambo waJudha, naIshibhosheti mambo waIsraeri

2Zvino zvakaitika shure kweizvi, kuti Dhavhidhi wakabvunza Jehovha achiti: Ndingakwira kune rimwe remaguta aJudha here? Jehovha ndokuti kwaari: Kwira. Dhavhidhi ndokuti: Ndikwire kupi? Iye ndokuti: KuHebhuroni.

2 Naizvozvo Dhavhidhi wakakwirako, nevakadzi vake vaviriwo, Ahinowamu mukadzi muJezireeri, naAbhigairi mukadzi waNabhari muKarimeri.

3 Dhavhidhi ndokukwidzawo varume vake vaiva naye, umwe neumwe neveimba yake, ndokugara pamaguta eHebhuroni.

4 Zvino varume vaJudha vakauya ndokuzodzapo Dhavhidhi kuva mambo pamusoro peimba yaJudha. Zvino vakaudza Dhavhidhi vachiti: Varume veJabheshi-Giriyadhi ndivo vakaviga Sauro.

5 Dhavhidhi ndokutuma nhume kuvarume veJabheshi-Giriyadhi, ndokuti kwavari: Muropafadzwe naJehovha, zvamakaitira ishe wenyu Sauro tsitsi idzi, mukamuviga.

6 Zvino ikozvino Jehovha ngaakuitirei tsitsi nechokwadi. Ini neni ndichakuitirai zvakanaka izvi, nokuti makaita chinhu ichi.

7 Zvino ikozvino maoko edu ngaasimbe, uye muve veumhare; nokuti Sauro tenzi wenyu wafa, uyewo veimba yaJudha vandizodza kuva mambo pamusoro pavo.

8 Asi Abhineri mwanakomana waNeri, mukuru wehondo waiva waSauro, wakatora Ishibhosheti mwanakomana waSauro ndokumuyambusira kuMahanayimu;

9 ndokumuita mambo pamusoro peGiriyadhi nepamusoro pevaAshuri nepamusoro peJezireeri nepamusoro paEfuremu nepamusoro paBhenjamini nepamusoro paIsraeri wose.

10 Ishibhosheti mwanakomana waSauro waiva mwanakomana wemakore makumi mana paakava mambo pamusoro paIsraeri, ndokutonga makore maviri. Asi veimba yaJudha vakatevera Dhavhidhi.

11 Zvino uwandu hwemazuva Dhavhidhi hwaaiva mambo muHebhuroni pamusoro peimba yaJudha hwaiva makore manomwe nemwedzi mitanhatu.

12 Zvino Abhineri mwanakomana waNeri wakabuda, nevaranda vaIshibhosheti mwanakomana waSauro, kubva Mahanayimu kuenda kuGibhiyoni.

13 NaJoabhu mwanakomana waZeruya nevaranda vaDhavhidhi vakabuda, ndokusangana pamwe navo padziva reGibhiyoni. Zvino vakagara, ava kuno kwedziva, neavo uko kwedziva.

14 Abhineri ndokuti kuna Joabhu: Majaya ngaasimuke hawo uye atambe pamberi pedu. Joabhu ndokuti: Ngaasimuke.

15 Zvino kwakasimuka ndokupfuura pauwandu gumi nevaviri kwaBhenjamini nekwaIshibhosheti mwanakomana waSauro, uye gumi nevaviri vevaranda vaDhavhidhi.

16 Zvino vakabata umwe neumwe musoro weumwe uye munondo wake ndokubaya parutivi rweumwe; naizvozvo vakawira pasi pamwe. Naizvozvo nzvimbo iyo yakatumidzwa Herikati-Haruzimi, iri paGibhiyoni.

17 Zvino kwakava nehondo inorwadza zvikuru zuva iro. Abhineri nevarume vaIsraeri ndokurohwa pamberi pevaranda vaDhavhidhi.

18 Zvino kwaiva nevanakomana vatatu vaZeruya ipapo: Joabhu naAbhishai naAsaheri; uye Asaheri waiva mhepo seimwe yechengu iri musango.

19 Zvino Asaheri wakadzingirira shure Abhineri; zvino pakufamba iye haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe pakuteverera Abhineri.

20 Zvino Abhineri wakacheuka ndokuti: Ndiwe Asaheri here? Iye ndokuti: Ndini.

21 Zvino Abhineri wakati kwaari: Tsaukira iwe kurudyi rwako kana kuruboshwe rwako, uzvibatire rimwe remajaya, ugozvitorera zvombo zvaro. Asi Asaheri haana kuda kutsauka pakumuteverera.

22 Abhineri ndokutizve zvekare kuna Asaheri: Tsauka iwe pakunditeverera; ndichakurovererei muvhu? Uye ndichasimudzira sei chiso changu kuna Joabhu mukoma wako?

23 Asi wakaramba kutsauka; naizvozvo Abhineri wakamurova neshure kwepfumo mudumbu, kusvika pfumo rabuda neseri kwake; zvino akawira pasi ipapo, ndokufira panzvimbo iyo. Zvino zvakaitika kuti vose vakasvika panzvimbo paiva pawira Asaheri akafa, vakamira.

24 Asi Joabhu naAbhishai vakadzingirira shure Abhineri, zuva ndokuvira ivo vachisvika kuchikomo cheAma, chiri pamberi peGiya panzira yerenje reGibhiyoni.

25 Zvino vana vaBhenjamini vakaungana shure kwaAbhineri ndokuva boka rimwe, ndokumira panhongonya yechikomo.

26 Zvino Abhineri wakadanidzira kuna Joabhu ndokuti: Munondo uchadya rinhi narinhi here? Hauzivi here kuti kuchava kuvava pakupedzisira? Kusvika rinhi usingavaudzi vanhu kuti vadzoke pakuteverera hama dzavo?

27 Joabhu ndokuti: NaMwari mupenyu, kunze kwekuti dai wataura, zvirokwazvo zvino kubva mangwanani vanhu vangadai vakwira umwe neumwe achibva pakuteverera hama yake.

28 Naizvozvo Joabhu wakaridza hwamanda, vanhu vose ndokumira, ndokurega kuzodzingirirazve shure Israeri, ndokurega kurwazve zvekare.

29 Zvino Abhineri nevarume vake vakafamba vachigura nemumapani usiku uhwo hwose, ndokuyambuka Joridhani, ndokugura neBhitironi yose, ndokusvika paMahanayimu.

30 Zvino Joabhu wakadzoka pakuteverera Abhineri; paaiva aunganidza vanhu vose, kwakashayikwa pavaranda vaDhavhidhi varume gumi nevapfumbamwe naAsaheri.

31 Asi varanda vaDhavhidhi vaiva vakarova varume mazana matatu nemakumi matanhatu vevaBhenjamini nevevarume vaAbhineri vakafa.

32 Zvino vakasimudza Asaheri, ndokumuviga muguva rababa vake raiva paBheterehemu. Joabhu nevarume vake ndokufamba usiku hwose, ndokuedza vava paHebhuroni.