ShonaTeam 2 Samuel « 1 »

Dhavhidhi anochema Sauro naJonatani

1 Zvino zvakaitika shure kwekufa kwaSauro, Dhavhidhi paaiva adzoka pakurova vaAmareki, Dhavhidhi ndokugara mazuva maviri paZikiragi.

2 Zvakaitikawo nezuva retatu, kuti tarira, kwakasvika munhu kubva kumusasa, kubva kuna Sauro, ane nhumbi dzake dzakabvaruka, ane mavhu mumusoro wake. Zvino zvakaitika pakusvika kwake kuna Dhavhidhi, kuti wakawira pavhu, ndokumunamata.

3 Zvino Dhavhidhi wakati kwaari: Unobvepi? Iye ndokuti kwaari: Ndapukunyuka kubva kumusasa waIsraeri.

4 Dhavhidhi ndokuti kwaari: Yakadii nyaya? Ndiudze hako. Iye ndokuti: Vanhu vatiza pahondo, uyewo vazhinji vevanhu vawa uye vafa, uyewo Sauro nemwanakomana wake Jonatani vafa.

5 Dhavhidhi ndokuti kujaya rakamuudza: Waziva sei kuti Sauro naJonatani mwanakomana wake vafa?

6 Zvino jaya raiva ramuudza rakati: Ndakati ndichingosvikawo zvangu pagomo reGiribhoa, zvino tarira, Sauro wakasendama papfumo rake, zvino tarira, ngoro nevatasvi vemabhiza vaiva vakamunamatira.

7 Paakatarisa shure wakandiona ndokudana kwandiri. Zvino ndakati: Ndiri pano.

8 Zvino wakati kwandiri: Ndiwe ani? Zvino ndakati kwaari: Ndiri muAmareki.

9 Zvino wakati kwandiri: Mira hako pamusoro pangu undiuraye, nokuti marwadzo makuru andibata, nokuti upenyu hwangu huchizere mandiri.

10 Naizvozvo ndakamira pamusoro pake ndokumuuraya, nokuti ndaiva ndichiziva kuti haangararami shure kwekuwa kwake. Zvino ndakatora korona yaiva pamusoro wake, neruketani rwaiva paruoko rwake, ndokuuya nazvo pano kuna ishe wangu.

11 Zvino Dhavhidhi wakabata nguvo dzake ndokudzibvarura; saizvozvo nevarume vose vaiva naye.

12 Zvino vakaungudza nekuchema misodzi nekutsanya kusvika madekwani pamusoro paSauro nepamusoro paJonatani mwanakomana wake nepamusoro pevanhu vaJehovha nepamusoro peimba yaIsraeri nokuti vaiva vawa nemunondo.

13 Zvino Dhavhidhi wakati kujaya rakamuudza: Unobvepi? Iro ndokuti: Ndiri mwanakomana wemutorwa, muAmareki.

14 Dhavhidhi ndokuti kwaari: Sei usina kutya kutandavadza ruoko rwako kuparadza muzodzwa waJehovha?

15 Dhavhidhi ndokudana rimwe remajaya ndokuti: Swedera, umuwire. Iye ndokumurova kusvika afa.

16 Dhavhidhi ndokuti kwaari: Ropa rako ngarive pamusoro pemusoro wako, nokuti muromo wako wakupupurira, uchiti: Ini ndakauraya muzodzwa waJehovha.

17 Dhavhidhi ndokuungudza mariro awa nekuda kwaSauro uye nekuda kwaJonatani mwanakomana wake.

18 Ipapo wakati zvidzidziswe vana vaJudha 'Uta'. Tarira zvakanyorwa mubhuku raJashari.

19 Runako rwaIsraeri rwaurawa panzvimbo dzako dzakakwirira! Vane simba vakawa sei!

20 Musazvitaura paGati, musazviparidza panzira dzeAshikeroni; zvimwe vakunda vevaFirisitia vangafara, zvimwe vangapembera vakunda vevasina kudzingiswa.

21Imwi makomo eGiribhoa, kurege kuva nedova kana mvura pamusoro penyu, kana minda yezvipo. Nokuti nhovo yemhare yakasemeswapo, nhovo yaSauro, isina kuzodzwa nemafuta.

22 Kubva paropa revakaurawa, pamafuta evane simba, uta hwaJonatani hahuna kudzokera. Uye munondo waSauro hauna kudzokera usina chinhu.

23 Sauro naJonatani vaiva vadikanwa uye vakanaka paupenyu hwavo; nepakufa kwavo havana kuparadzaniswa; vaikurumidza kupfuura makondo, vaiva nesimba kupfuura shumba.

24Imwi vakunda vaIsraeri, chemerai Sauro, wakakufukidzai nezvitsvuku nemufaro, wakaisa zvishongo zvegoridhe pazvipfeko zvenyu.

25 Vakawa sei vane simba pakati pehondo! Jonatani wakaurawa panzvimbo dzako dzakakwirira.

26 Ndinoshungurudzika newe, munin'ina wangu Jonatani; wanga uchifadza kwazvo kwandiri; rudo rwako kwandiri rwaishamisa rwuchipfuura rudo rwevakadzi.

27 Vane simba vakawa sei! Zvakaparara nezvombo zvehondo!