ShonaTeam 1 Samuel « 31

Kufa kwaSauro nekukundwa kwevaIsraeri paGiribhoa

31Zvino vaFirisitia vakarwa naIsraeri; varume vaIsraeri ndokutiza pamberi pevaFirisitia, vakawa vafa pagomo reGiribhoa.

2 VaFirisitia ndokunamatira pana Sauro nepavanakomana vake. VaFirisitia ndokuuraya Jonatani naAbhinadhabi naMariki-Shua vanakomana vaSauro.

3 Zvino hondo yakaomera Sauro; vafuri ndokumuwana, varume veuta; zvino akarwadziswa zvikuru nevafuri.

4 Zvino Sauro wakati kumutakuri wezvombo zvake: Vhomora munondo wako ugondibaya nawo, zvimwe ava vasina kudzingiswa vangasvika vakandibaya, vakandibata nemutoo wakaipa. Asi mutakuri wezvombo zvake haana kutenda, nokuti wakatya zvikuru. Naizvozvo Sauro wakatora munondo ndokuwira pamusoro pawo.

5 Mutakuri wezvombo zvake paakaona kuti Sauro wafa, naiye wakawira pamusoro pemunondo wake, ndokufa pamwe naye.

6 Sauro ndokufa, nevanakomana vake vatatu, nemutakuri wezvombo zvake, nevarume vake vose, nezuva iro pamwe chete.

7 Zvino varume vekwaIsraeri vaiva mhiri kwemupata nevaiva mhiri kwaJoridhani vachiona kuti varume vekwaIsraeri vatiza uye kuti Sauro nevanakomana vake vaiva vafa, vakasiya maguta, vakatiza. VaFirisitia vakasvika vakagara maari.

8 Zvino zvakaitika chifume vaFirisitia pavakasvika kuzokumura vakaurawa, kuti vakawana Sauro nevanakomana vake vatatu vawa mugomo reGiribhoa.

9 Zvino vakagura musoro wake, ndokukumura zvombo zvake, ndokutumira kunyika yevaFirisitia kumativi ose, kuparidza shoko kuimba yezvifananidzo zvavo, nekuvanhu.

10 Zvino vakaisa zvombo zvake muimba yaAshitaroti, vakaroverera chitunha chake pamadziro eBheti-Shani.

11 Vagari veJabheshi-Giriyadhi pavakanzwa vaFirisitia zvavaiva vaitira Sauro,

12 varume vose veumhare vakasimuka, ndokufamba usiku hwose, ndokutora chitunha chaSauro nezvitunha zvevanakomana vake pamadziro eBheti-Shani, ndokuuya kuJabheshi ndokuzvipisirapo.

13 Zvino vakatora mapfupa avo ndokuaviga pazasi pemutamarisiki paJabheshi, ndokutsanya mazuva manomwe.