ShonaTeam 1 Samuel « 29 »

Dhavhidhi anodzingwa nevaFirisitia pakurwa

29Zvino vaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo dzose paAfeki, asi vaIsraeri vakavaka musasa patsime riri paJezireeri.

2 Zvino madzishe evaFirisitia aipfuura akaita mazana mazana uye zvuru zvuru, naDhavhidhi nevarume vake vaipfuura shure naAkishi.

3 Zvino machinda evaFirisitia akati: VaHebheru ava chii? Akishi ndokuti kumachinda evaFirisitia: Uyu haasi Dhavhidhi, muranda waSauro mambo waIsraeri, wanga aneni mazuva ano kana makore ano here? Uye handina kuwana chinhu kwaari kubva pazuva rekuwa kwake kusvika nhasi.

4 Asi machinda evaFirisitia akamutsamwira; machinda evaFirisitia ndokuti kwaari: Dzosera munhu uyu adzokere kunzvimbo yake kwawakamuisa, uye ngaarege kuburuka pamwe nesu kuhondo, kuti asava muvengi wedu muhondo. Nokuti uyu angazviita anodiwa sei kuna ishe wake? Hazvisi nemisoro yevanhu ava here?

5 Uyu haasi Dhavhidhi wavaibvumirana pamusoro pake mukutamba vachiti: Sauro wakauraya zvuru zvake, asi Dhavhidhi makumi ezvuru ake?

6 Zvino Akishi wakadana Dhavhidhi ndokuti kwaari: NaJehovha mupenyu, zvirokwazvo iwe wakarurama, nekubuda kwako nekupinda kwako neni mumusasa kwakanaka pameso angu, nokuti handina kuwana chakaipa kwauri kubva pazuva rawakasvika kwandiri kusvika zuva rino; asi hauna kunaka pameso emadzishe.

7 Naizvozvo ikozvino dzokera ugoenda nerugare, kuti urege kuita chakaipa pameso emadzishe evaFirisitia.

8 Zvino Dhavhidhi wakati kuna Akishi: Asi ndaitei? Uye makawanei kumuranda wenyu kubva pazuva randakava pamberi penyu kusvika nhasi, kuti handingaendi ndigonorwa nevavengi vashe wangu mambo?

9 Zvino Akishi wakapindura ndokuti kuna Dhavhidhi: Ndakaziva kuti wakanaka pameso angu semutumwa waMwari; koga machinda evaFirisitia ati: Haangakwiri nesu kuhondo.

10 Naizvozvo zvino chimuka mangwanani-ngwanani pamwe nevaranda vashe wako vakauya newe; zvino kana mamuka mangwanani-ngwanani kwachena kwamuri, muende.

11 Naizvozvo Dhavhidhi wakamuka mangwanani, iye nevanhu vake, kuenda mangwanani, kuti vadzokere kunyika yevaFirisitia. VaFirisitia ndokukwira kuJezireeri.