ShonaTeam 1 Samuel « 28 »

Sauro anobvunzira kumukadzi muuki paEndori

28Zvino zvakaitika pamazuva iwawo kuti vaFirisitia vakaunganidzira hondo mauto avo kuti varwe naIsraeri. Akishi ndokuti kuna Dhavhidhi: Ziva zvekuziva kuti uchabudira hondo pamwe neni, iwe nevarume vako.

2 Dhavhidhi ndokuti kuna Akishi: Zvirokwazvo, imwi muchaziva kuti muranda wenyu angaitei. Akishi ndokuti kuna Dhavhidhi: Naizvozvo ndichakuisa uve muchengeti wemusoro wangu mazuva ose.

3 Zvino Samueri waiva afa; uye Israeri wose wakamuchema, ndokumuviga paRama, muguta rakewo. Uye Sauro waiva abvisa panyika masvikiro nevauki.

4 Zvino vaFirisitia vakaungana ndokusvika ndokuvaka musasa paShunemi. Sauro ndokuunganidza Israeri wose ndokuvaka musasa paGiribhoa.

5 Sauro paakaona musasa wevaFirisitia, wakatya, moyo wake ndokudedera kwazvo.

6 Sauro paakabvunza Jehovha, Jehovha haana kumupindura, kunyange pazviroto, kana neUrimi, kana nevaporofita.

7 Zvino Sauro wakati kuvaranda vake: Nditsvakirei mukadzi anosvikirwa kuti ndiende kwaari ndinomubvunza. Varanda vake ndokuti kwaari: Tarirai, kune mukadzi anosvikirwa paEndori.

8 Sauro ndokuzvivanza chimiro, ndokupfeka dzimwe nguvo, ndokuenda, iye nevarume vaviri vanaye. Zvino vakasvika kumukadzi usiku, iye ndokuti: Ndiukire henyu nesvikiro, undikwidzire wandichakuudza.

9 Mukadzi ndokuti kwaari: Tarira, iwe unoziva Sauro zvaakaita, kuti wakaparadza masvikiro nevauki kubva panyika. Zvino unoisirei upenyu hwangu musungo kundiuraya?

10 Zvino Sauro wakapika kwaari naJehovha achiti: NaJehovha mupenyu, hakungavi nekurangwa kuchaitika kwauri pachinhu ichi.

11 Zvino mukadzi akati: Ndiyani wandichakukwidzira? Iye ndokuti: Ndikwidzire Samueri.

12 Mukadzi paakaona Samueri, ndokudanidzira nenzwi guru. Mukadzi ndokutaura kuna Sauro achiti: Mandinyengererei? Nokuti ndimwi Sauro.

13 Mambo ndokuti kwaari: Usatya; asi waonei? Mukadzi ndokuti kuna Sauro: Ndinoona vana vamwari vachikwira kubva panyika.

14 Iye ndokuti kwaari: Chakadii chimiro chake? Mukadzi ndokuti: Mutana anokwira uye wakapfeka nguvo. Sauro paakaziva kuti ndiSamueri, wakakotama nechiso pasi, akanamata.

15 Samueri ndokuti kuna Sauro: Wanditambudzirei nekundikwidza? Sauro ndokupindura achiti: Ndinotambudzika kwazvo; nokuti vaFirisitia vanorwa neni, naMwari wabva kwandiri, uye haachandipindurizve, kunyange neruoko rwevaporofita, kana nezviroto; naizvozvo ndakudanai kuti mundizivise kuti ndiitei.

16 Samueri ndokuti: Zvino unondibvunzirei, Jehovha zvaakabva kwauri, ndokuva muvengi wako?

17 Uye Jehovha wakazviitira sezvaakataura neruoko rwangu; nokuti Jehovha wakabvarura ushe kubva paruoko rwako, akahupa wekwako, Dhavhidhi.

18 Nokuti hauna kuteerera inzwi raJehovha, hauna kuita kutsamwa kwake kunotyisa pamusoro paAmareki; naizvozvo Jehovha wakakuitira chinhu ichi nhasi.

19 Uye Jehovha achaisawo Israeri pamwe newe muruoko rwevaFirisitia. Zvino mangwana iwe nevanakomana vako muchava kwandiri; Jehovha uchaisawo musasa waIsraeri muruoko rwevaFirisitia.

20 Zvino pakarepo Sauro wakawira pasi neurefu hwake hwose, ndokuvhunduka zvikuru nekuda kwemashoko aSamueri; uye kwaiva kusina simba maari, nokuti waiva asina kudya zvekudya zuva rose neusiku hwose.

21 Zvino mukadzi wakauya kuna Sauro, ndokuona kuti anotambudzika zvikuru, ndokuti kwaari: Tarirai, murandakadzi wenyu wateerera inzwi renyu, ndikaisa mweya wangu muruoko rwangu, uye ndateerera mashoko enyu amataura kwandiri.

22 Zvino ikozvino, imwi teereraiwo henyu inzwi remurandakadzi wenyu, ndigoisa pamberi penyu chimedu chechingwa kuti mudye, kuti pave nesimba mamuri kana moenda nenzira yenyu.

23 Asi wakaramba, ndokuti: Handingadyi. Asi varanda vake pamwe nemukadzi vakamumanikidza. Zvino wakateerera kuinzwi ravo. Zvino wakasimuka pasi ndokugara pamubhedha.

24 Zvino mukadzi waiva nemhuru yakakora mumba; ndokukurumidza ndokuibaya ndokutora upfu ndokukanya ndokubheka chingwa chisina kuviriswa nahwo;

25 ndokuswededza pamberi paSauro nepamberi pevaranda vake. Zvino vakadya ndokusimuka ndokuenda usiku ihwohwo.