ShonaTeam 1 Samuel « 27 »

Dhavhidhi anoenda kunogara kuvaFirisitia

27Zvino Dhavhidhi wakati mumoyo make: Ikozvino ndichaparara rimwe zuva neruoko rwaSauro. Hakuna chinhu chiri nani kwandiri kupfuura ndipukunyukire zvekupukunyukira kunyika yevaFirisitia; uye Sauro achaora moyo pamusoro pangu kunditsvakazve kumuganhu wose waIsraeri; saizvozvo ndichapukunyuka paruoko rwake.

2 Zvino Dhavhidhi wakasimuka ndokuyambuka, iye nevarume mazana matanhatu vaiva naye, kuenda kuna Akishi mwanakomana waMaoki, mambo weGati.

3 Dhavhidhi ndokugara naAkishi paGati, iye nevarume vake, umwe neumwe neimba yake, Dhavhidhi nevakadzi vake vaviri, Ahinowamu mukadzi muJezireeri, naAbhigairi mukadzi muKarimeri, mukadzi waNabhari.

4 Zvino zvakaudzwa Sauro kuti Dhavhidhi watizira kuGati; uye akasazomutsvakazve.

5 Zvino Dhavhidhi wakati kuna Akishi: Kana ikozvino ndawana nyasha pameso enyu, ngavandipe nzvimbo pane rimwe remaguta emaruwa kuti ndigarepo; nokuti muranda wenyu angagarirei muguta ramambo pamwe nemwi?

6 Zvino Akishi wakamupa nezuva iro Zikiragi; naizvozvo Zikiragi nderemadzimambo aJudha kusvika nhasi.

7 Zvino uwandu hwemazuva Dhavhidhi hwaakagara panyika yevaFirisitia hwaiva gore nemwedzi mina.

8 Zvino Dhavhidhi nevarume vake vakakwira ndokupamba vaGeshuri nevaGirizi nevaAmareki; nokuti ivo vaiva vagari venyika iyo kare, paunenge uchienda kuShuri kusvikawo kunyika yeEgipita.

9 Zvino Dhavhidhi wakarova nyika iyo, uye haana kusiya mupenyu, munhurume kana munhukadzi; ndokutora makwai nemombe nembongoro nemakamera nenguvo; ndokudzoka, ndokusvika kuna Akishi.

10 Akishi ndokuti: Manopamba kupi nhasi? Dhavhidhi ndokuti: Nechekuchamhembe kwaJudha, uye nechekuchamhembe kwevaJerameeri, uye nechekuchamhembe kwevaKeni.

11 Dhavhidhi haana kusiya mupenyu, munhurume kana munhukadzi, kuuya navo paGati achiti: Zvimwe vangareva nezvedu vachiti: Dhavhidhi wakaita saizvozvo. Uye tsika yake yaiva yakadaro mazuva ose aakagara munyika yevaFirisitia.

12 Zvino Akishi wakatenda Dhavhidhi achiti: Wazviita chinosemesa kwazvo kuvanhu vekwake kwaIsraeri; naizvozvo achava muranda wangu nekusingaperi.