ShonaTeam 1 Samuel « 26 »

Dhavhidhi anorambazve kuuraya Sauro

26Zvino VaZifi vakauya kuna Sauro paGibhiya vachiti: Dhavhidhi haasi wakavanda pachikomo cheHakira mberi kweJeshimoni here?

2 Zvino Sauro wakasimuka ndokuburukira kurenje reZifi ane varume vakasarudzwa vekwaIsraeri zvuru zvitatu, kuti atsvake Dhavhidhi murenje reZifi.

3 Zvino Sauro wakavaka musasa pachikomo cheHakira, chiri mberi kweJeshimoni panzira. Asi Dhavhidhi wakagara murenje, ndokuona kuti Sauro anomutevera murenje.

4 Zvino Dhavhidhi wakatuma vashori kuti azive kuti Sauro wasvika zvirokwazvo.

5 Zvino Dhavhidhi wakasimuka ndokusvika panzvimbo Sauro paaiva avaka musasa; Dhavhidhi ndokuona nzvimbo Sauro paaiva arere, naAbhineri mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yake. Zvino Sauro waiva arere pamudungwe wengoro, uye rudzi rwaiva rwavaka musasa rwakamukomba.

6 Zvino Dhavhidhi wakapindura ndokutaura kuna Ahimereki muHiti nekuna Abhishai mwanakomana waZeruya munin'ina waJoabhu achiti: Ndiani achaburuka neni kuna Sauro kumusasa? Abhishai ndokuti: Ini ndichaburuka nemwi.

7 Naizvozvo Dhavhidhi naAbhishai vakasvika kuvanhu usiku; zvino tarira, Sauro waiva arere hope pamudungwe wengoro, uye pfumo rake raiva rakabayirwa muvhu kumutsamhiro wake; naAbhineri nevanhu vaiva vakarara vakamukomba.

8 Zvino Abhishai wakati kuna Dhavhidhi: Mwari wakavharira muvengi wenyu muruoko rwenyu nhasi; naizvozvo zvino regai henyu ndimurovere muvhuwo pamwe nepfumo, uye handingapamhi kwaari.

9 Zvino Dhavhidhi wakati kuna Abhishai: Usamuparadza, nokuti ndiani angatandavadzira ruoko rwake kumuzodzwa waJehovha akasava nemhosva?

10 Dhavhidhi wakatizve: NaJehovha mupenyu, asi Jehovha achamurova, zvimwe zuva rake richasvika kuti afe, zvimwe achaburukira kuhondo akaparadzwa.

11 Ngazvive kure neni, naJehovha, kutandavadzira ruoko rwangu kurwisa muzodzwa waJehovha; asi zvino tora hako pfumo riri kumutsamhiro wake, nechirongo chemvura, isu tiende.

12 Zvino Dhavhidhi wakatora pfumo nechirongo chemvura kuzvibvisa kumutsamhiro waSauro, ivo vakaenda. Zvino hakuna wakaona, hakuna wakaziva, hakuna wakamuka, nokuti vose vaiva varere, nokuti hope dzinorema dzaJehovha dzaiva dzavawira.

13 Zvino Dhavhidhi wakayambukira mhiri, ndokumira panhongonya yechikomo kure; paiva nechinhabwe chikuru pakati pavo.

14 Zvino Dhavhidhi wakadanidzira kuvanhu nekuna Abhineri mwanakomana waNeri achiti: Haupinduri here Abhineri? Abhineri ndokupindura ndokuti: Ndiwe ani unodanidzira kuna mambo?

15 Dhavhidhi ndokuti kuna Abhineri: Hausi murume here? Uye ndiani wakaita sewe kwaIsraeri? Zvino waregerei kurinda ishe wako mambo? Nokuti kwasvika umwe wevanhu kuparadza mambo, ishe wako.

16 Ichi chinhu hachina kunaka chawaita. NaJehovha mupenyu, muri vanakomana verufu, nokuti hamuna kurinda ishe wenyu, muzodzwa waJehovha. Zvino ikozvino ona kuti pfumo ramambo nechirongo chemvura changa chiri kumutsamhiro wake zviripi?

17 Sauro ndokuziva inzwi raDhavhidhi, ndokuti: Inzwi rako here iri, mwanakomana wangu Dhavhidhi? Dhavhidhi ndokuti: Inzwi rangu, ishe wangu, mambo.

18 Akatiwo: Ishe wangu anodzingirirei shure muranda wake? Nokuti ndakaitei? Uye kuipai kuri muruoko rwangu?

19 Naizvozvo zvino, ishe wangu mambo ngaanzwe hake mashoko emuranda wake. Kana Jehovha akakumutsai kundirwisa, ngaagamuchire chipo; asi kana vari vana vevanhu, ngavatukwe pamberi paJehovha, nokuti vandidzinga nhasi kuti ndisazvisanganisa nenhaka yaJehovha, vachiti: Enda, unoshumira vamwe vamwari.

20 Naizvozvo zvino, ropa rangu ngarirege kuwira pasi kubva pamberi pechiso chaJehovha; nokuti mambo waIsraeri wabuda kutsvaka rutata rumwe, seanodzingirira chikwari mumakomo.

21 Sauro ndokuti: Ndatadza, dzoka, mwanakomana wangu Dhavhidhi, nokuti handichakuitirizve zvakaipa, nokuti mweya weupenyu wangu wanga wakakosha pameso ako nhasi; tarira, ndaita neupenzi, ndatadza zvikuru kwazvo.

22 Zvino Dhavhidhi wakapindura ndokuti: Tarirai, pfumo ramambo! Zvino umwe wemajaya ngaayambukire aritore.

23 Jehovha anotsivira umwe neumwe kururama kwake nekutendeka kwake; nokuti Jehovha wanga akupai muruoko rwangu nhasi, asi handina kuda kutandavadzira ruoko rwangu kumuzodzwa waJehovha.

24 Zvino tarirai, sezvo mweya wenyu wava mukuru pameso angu nhasi, saizvozvo mweya wangu ngauve mukuru pameso paJehovha, ngaandinunure pakutambudzika kose.

25 Zvino Sauro wakati kuna Dhavhidhi: Wakaropafadzwa iwe, mwanakomana wangu Dhavhidhi; uchaitawo zvikuru, newe uchakunda zvekukunda. Dhavhidhi ndokuenda nenzira yake; Sauro ndokudzokera kunzvimbo yake.