ShonaTeam 1 Samuel « 25 »

Kufa kwaSamueri, Nabhari naAbhigairi

25Zvino Samueri wakafa; uye Israeri wose wakaungana ndokumuchema, ndokumuviga mumba make paRama. Dhavhidhi ndokusimuka, ndokuburukira kurenje reParani.

2 Zvino kwaiva nemurume paMaoni uye basa rake raiva paKarimeri; uye murume uyu waiva mukuru kwazvo, uye waiva nemakwai zvuru zvitatu, nembudzi churu. Zvino waiveura makwai ake paKarimeri.

3 Zvino zita remurume uyu raiva Nabhari, uye zita remukadzi wake raiva Abhigairi; uye mukadzi waiva nekunzwisisa kwakanaka nechimiro chakanaka; asi murume waiva akaoma ane zviito zvakaipa; uye waiva wekwaKarebhi.

4 Zvino Dhavhidhi wakanzwa kurenje kuti Nabhari anoveura makwai ake.

5 Dhavhidhi ndokutuma majaya gumi; Dhavhidhi ndokuti kumajaya: Kwirai kuKarimeri, muende kuna Nabhari mumubvunze mufaro muzita rangu.

6 Zvino muchataura seizvi: Mufaro ngauve kwauri, uye rugare ngaruve newe, uye rugare ngaruve neimba yenyu, uye rugare ngaruve pazvinhu zvose zvamunazvo.

7 Zvino ikozvino ndanzwa kuti mune vaveuri; zvino vafudzi vamunavo vaiva nesu; hatina kuvakuvadza, uye havana kushaya chinhu mazuva ose avaiva paKarimeri.

8 Bvunzai majaya enyu, uye vakuudzei; zvino majaya ngaawane nyasha pameso enyu, nokuti tasvika nezuva rakanaka; ipai henyu varanda venyu nemwanakomana wenyu Dhavhidhi ruoko rwenyu zvaruchawana.

9 Majaya aDhavhidhi paakasvika, akataura kuna Nabhari zvichienderana nemashoko iwawo ose muzita raDhavhidhi, ndokuzorora.

10 Zvino Nabhari wakapindura varanda vaDhavhidhi ndokuti: Ndiyani Dhavhidhi? Uye ndiyani mwanakomana waJese? Nhasi varanda vazhinji vanotiza umwe neumwe tenzi wake.

11 Zvino ndingatora chingwa changu, nemvura yangu, nenyama yangu yandakauraira vaveuri vangu, ndizvipe kuvarume vandisingazivi kuti vanobva kupi here?

12 Naizvozvo majaya aDhavhidhi akatendeukira panzira yawo, ndokudzoka, ndokusvika, ndokumuudza zvinoenderana nemashoko awa ose.

13 Dhavhidhi ndokuti kuvarume vake: Sungirai muchiuno umwe neumwe munondo wake. Zvino vakasungira muchiuno umwe neumwe munondo wake; naDhavhidhiwo wakasungira muchiuno munondo wake; zvino kwakakwira shure kwaDhavhidhi varume vanenge mazana mana; uye mazana maviri vakasara panhumbi.

14 Asi jaya rimwe pamajaya rakaudza Abhigairi mukadzi waNabhari richiti: Tarirai, Dhavhidhi wakatuma nhume kubva kurenje kukwazisa tenzi wedu; ivo ndokuvasveveredza.

15 Asi varume avo vakatinakira kwazvo, uye hatina kukuvadzwa kana kushaiwa chinhu mazuva ose atakafambidzana navo pataiva kusango.

16 Vaiva rusvingo kwatiri zvose usiku nemasikati mazuva ose ataiva navo tichifudza makwai.

17 Naizvozvo ikozvino zivai uye onai zvamuchaita, nokuti zvakaipa zvarongerwa tenzi wedu nevose veimba yake; nokuti iye mwanakomana waBheriari, kuti hakuna angataura naye.

18 Zvino Abhigairi wakakurumidza ndokutora zvingwa mazana maviri nematende maviri ewaini, nemakwai mashanu akagadzirwa, nezviyero zvishanu zvezviyo zvakakangwa, nemasumbu emazambiringa akaoma zana, nemapundu emaonde mazana maviri, ndokuisa pamusoro pembongoro.

19 Zvino wakati kumajaya ake: Pfuurirai mberi kwangu, tarirai, ndinokuteverai. Asi haana kuudza murume wake Nabhari.

20 Zvino zvakaitika achakatasva mbongoro, oburukira panzvimbo yakavanda yegomo, zvino tarira, Dhavhidhi nevarume vake vanoburuka kumuchingamidza; iye ndokusangana navo.

21 Zvino Dhavhidhi waiva ati: Zvirokwazvo, ndaichengeta pasina zvose uyu zvaaiva nazvo murenje, kuti hakuna kurasika chinhu pazvose zvaaiva nazvo; zvino anondidzosera zvakaipa panzvimbo yezvakanaka.

22 Mwari ngaaite saizvozvo kuvavengi vaDhavhidhi, awedzere saizvozvo, kana ndikasiya umwe kwavari vose vaanavo anowetera pamadziro kusvika mangwanani.

23 Abhigairi paakaona Dhavhidhi wakakurumidza kuburuka pambongoro ndokuwira pasi nechiso chake pamberi paDhavhidhi ndokukotamira pasi.

24 Zvino wakawira patsoka dzake ndokuti: Kuipa uku ngakuve pamusoro pangu ini, ishe wangu, uye murandakadzi wenyu ngaataure hake munzeve dzenyu, uye inzwai mashoko emurandakadzi wenyu.

25 Ishe wangu ngaarege hake kuisa moyo wake kumunhu uyu waBheriari, iye Nabhari; nokuti sezita rake wakadaro: Nabhari ndiro zita rake, uye upenzi huri kwaari; asi ini murandakadzi wenyu handina kuona majaya ashe wangu amakatuma.

26 Naizvozvo zvino, ishe wangu, naJehovha mupenyu, uye nemweya weupenyu wenyu mupenyu, zvaari Jehovha wakakumisai kuuya neropa nekuzvitsivira neruoko rwenyu, naizvozvo zvino vavengi venyu ngavaite saNabhari, nevanotsvaka zvakaipa kuna ishe wangu.

27 Zvino ikozvino ropafadzo iyi murandakadzi wenyu waiunza kuna ishe wangu ngaipiwe kumajaya anofamba pano neapo patsoka dzashe wangu.

28 Kanganwirai henyu kudarika kwemurandakadzi wenyu, nokuti zvirokwazvo Jehovha uchaitira ishe wangu imba yakasimba, nokuti ishe wangu anorwa hondo dzaJehovha, uye chakaipa hachina kuwanikwa kwamuri kubva pamazuva enyu.

29 Kunyange kuchisimuka munhu kukudzingirirai uye kutsvaka mweya weupenyu wenyu, asi mweya weupenyu washe wangu uchasungirirwa muchisote chevapenyu pamwe naJehovha Mwari wenyu, asi mweya yeupenyu yevavengi venyu achaipotsera kubva pakati pemhango yemuchifuramabwe cherwonzi.

30 Zvino zvichaitika apo Jehovha aitira ishe wangu zvinoenderana nezvose zvakanaka zvaakataura pamusoro penyu, uye akugadzai kuva mutungamiriri pamusoro paIsraeri,

31 kuti ichi chisava kwamuri chigumbuso kana kugumbuswa kwemoyo kuna ishe wangu, kana kuti makateura ropa pasina, kana kuti ishe wangu wakazvitsivira; Jehovha paanenge aitira ishe wangu zvakanaka, rangariraiwo murandakadzi wenyu.

32 Dhavhidhi ndokuti kuna Abhigairi: Ngaakudzwe Jehovha Mwari waIsraeri, iye wakutuma nhasi kuzondichingamidza.

33 Uye kunzwisisa kwenyu ngakukudzwe uye kudzwa iwe wandidzivirira kubva pakuuya neropa, nekuzvitsivira neruoko rwangu.

34 Nokuti zvirokwazvo, naJehovha Mwari waIsraeri mupenyu, iye wakandidzivirira kubva pakukuitira zvakaipa, nokuti dai usina kukurumidza kuuya kundichingamidza, zvirokwazvo kwanga kusingasari umwe anowetera pamadziro kuna Nabhari kusvika pakuchena kwemangwanani.

35 Zvino Dhavhidhi wakagamuchira muruoko rwake zvaaiva amuvigira; ndokuti kwaari: Kwira nerugare kumba kwako; tarira, ndateerera kuinzwi rako, uye ndagamuchira chiso chako.

36 Zvino Abhigairi wakasvika kuna Nabhari, zvino tarira, waiva nemabiko mumba make, semabiko amambo; uye moyo waNabhari wakafara mukati make, nokuti waiva akadhakwa kupfuurikidza; naizvozvo haana kumuudza chinhu, chidiki kana chikuru, kusvika pakuchena kwemangwanani.

37 Zvino zvakaitika mangwanani waini payaiva yabuda kuna Nabhari, kuti mukadzi wake wakamuudza mashoko iwawo, moyo wake ndokufa mukati make, ndokuva sebwe.

38 Zvino zvakaitika mazuva anenge gumi apera kuti Jehovha wakarova Nabhari, iye ndokufa.

39 Dhavhidhi wakati anzwa kuti Nabhari wafa, akati: Jehovha ngaakudzwe wakamiririra nyaya yekuzvidzwa kwangu paruoko rwaNabhari uye wakadzivisa muranda wake pane zvakaipa; nokuti Jehovha wadzosera kuipa kwaNabhari pamusoro pemusoro wake. Zvino Dhavhidhi wakatuma nhume ndokutaura naAbhigairi kuti amutore ave mukadzi wake.

40 Varanda vaDhavhidhi pavakasvika kuna Abhigairi paKarimeri, vakataura kwaari vachiti: Dhavhidhi watituma kwauri kukutora uve mukadzi wake.

41 Zvino akasimuka ndokukotamira pasi nechiso, ndokuti: Tarirai, murandakadzi wenyu ngaave nhapwa kushamba tsoka dzevaranda vashe wangu.

42 Abhigairi ndokukurumidza ndokusimuka ndokutasva mbongoro, nevasikana vake vashanu vakaenda patsoka dzake; ndokutevera nhume dzaDhavhidhi, ndokuva mukadzi wake.

43 Dhavhidhi akatorawo Ahinowamu weJezireeri; naivo vari vaviri vakava vakadzi vake.

44 Zvino Sauro waiva apa Mikari mwanasikana wake, mukadzi waDhavhidhi, kunaPariti mwanakomana waRaishi waiva weGarimi.