ShonaTeam 1 Samuel « 24 »

Dhavhidhi anoramba kuuraya Sauro

24Zvino zvakaitika Sauro paakadzoka pakutevera vaFirisitia, kuti vakamuudza vachiti: Tarirai, Dhavhidhi uri murenje reEni-Gedhi.

2 Sauro ndokutora varume zvuru zvitatu vakasarudzwa kubva kuna Israeri wose, ndokuenda kunotsvaka Dhavhidhi nevarume vake pamusoro pemabwe engururu.

3 Zvino wakasvika pamatanga emakwai panzira paiva nebako. Sauro ndokupinda kufukidza tsoka dzake. Zvino Dhavhidhi nevarume vake vaiva vagere mumakamuri ebako.

4 Varume vaDhavhidhi ndokuti kwaari: Tarirai, zuva Jehovha raakati kwamuri: Tarira, ndichapa muvengi wako muruoko rwako, kuti umuitire sezvakanaka pameso ako. Dhavhidhi ndokusimuka, ndokugura chivande mupendero wenguvo yaiva yaSauro.

5 Zvino zvakaitika shure kweizvi kuti hana yaDhavhidhi yakamurova, nechikonzero chekuti waiva agura mupendero waiva waSauro.

6 Zvino wakati kuvarume vake: Ngazvive kure neni naJehovha, ndirege kuitira ishe wangu, muzodzwa waJehovha, chinhu ichi, kutandavadzira ruoko rwangu kumurwisa, zvaari muzodzwa waJehovha.

7 Naizvozvo Dhavhidhi wakatsemura varume vake nemashoko iwawo, uye haana kuvatendera kumukira Sauro. Sauro ndokusimuka akabuda mubako, ndokuenda nenzira.

8 Dhavhidhi wakasimukawo pashure, ndokubuda mubako, ndokudanidzira shure kwaSauro achiti: Ishe wangu mambo! Sauro wakati achitarira shure kwake, Dhavhidhi wakakotamira pasi nechiso, ndokutyora muzura.

9 Dhavhidhi ndokuti kuna Sauro: Munoteererei mashoko evanhu vachiti: Tarira, Dhavhidhi anotsvaka kukuvadzwa kwenyu?

10 Tarirai, zuva rino meso enyu aona kuti Jehovha wakupai nhasi muruoko rwangu mubako; uye vareva kukuurayai, asi ndakunzwirai tsitsi ndokuti: Handingatambanudzi ruoko rwangu kurwisa ishe wangu, nokuti ndiye muzodzwa waJehovha.

11 Uyezve, baba vangu, onai, hongu onai mupendero wenguvo yenyu muruoko rwangu; nokuti pakucheka kwangu mupendero wenguvo yenyu, uye kuti handina kukuurayai, zivai uye onai kuti hakuna chakaipa kana kudarika muruoko rwangu, uye handina kukutadzirai; zvakadaro munovandira mweya weupenyu wangu kuutora.

12 Jehovha ngaatonge pakati pangu nemwi; uye Jehovha ngaanditsive kwamuri; asi ruoko rwangu harungakurwisii.

13 Sezvinoreva tsumo yevekare: Kune vakaipa kunobuda zvakaipa; asi ruoko rwangu harungakurwisii.

14 Mambo waIsraeri wakabuda kutevera ani? Munodzingana nani? Shure kweimbwa yakafa, shure kwerutata rumwe.

15 Naizvozvo Jehovha ngaave mutongi, uye atonge pakati pangu nemwi, aone, uye areverere mhosva yangu, uye andinunure paruoko rwenyu.

16 Zvino zvakaitika Dhavhidhi paakapedza kutaura mashoko iwawo kuna Sauro, kuti Sauro wakati: Inzwi rako iri here, mwanakomana wangu Dhavhidhi? Sauro ndokusimudza inzwi rake, ndokuchema misodzi.

17 Zvino wakati kuna Dhavhidhi: Iwe wakarurama kundipfuura, nokuti iwe wandipa mubairo wezvakanaka, asi ini ndakupa mubairo wezvakaipa.

18 Iwe waratidza nhasi kuti wandiitira zvakanaka, nokuti Jehovha paandivharira muruoko rwako, hauna kundiuraya.

19 Nokuti kana munhu awana muvengi wake, angamurege akaenda nenzira yakanaka here? Naizvozvo Jehovha ngaakuripire zvakanaka nezvawakandiitira nhasi.

20 Zvino ikozvino tarira, ndinoziva kuti uchava mambo zvirokwazvo, uye umambo hwaIsraeri huchasimbiswa muruoko rwako.

21 Naizvozvo pika zvino kwandiri naJehovha kuti haungaguri mbeu yangu shure kwangu, uye kuti haungaparadzi zita rangu mumba mababa vangu.

22 Dhavhidhi ndokupika kuna Sauro. Sauro ndokuenda kumba kwake, asi Dhavhidhi nevarume vake vakakwira kunhare.