ShonaTeam 1 Samuel « 23 »

Dhavhidhi anorwira Keira, ndokundogara kurenje

23Zvino vakaudza Dhavhidhi vachiti: Tarirai, vaFirisitia vanorwisana neKeira, uye vanopamba maburiro.

2 Dhavhidhi ndokubvunza kuna Jehovha achiti: Ndoenda ndinorova vaFirisitia avo here? Jehovha ndokuti kuna Dhavhidhi: Enda undorova vaFirisitia ugoponesa Keira.

3 Zvino varume vaDhavhidhi vakati kwaari: Tarirai, tinotya pano paJudha; zvikuru sei kana tichienda kuKeira kurwisana nehondo dzakarongwa dzevaFirisitia.

4 Zvino Dhavhidhi wakadzokororazve kubvunza kuna Jehovha, Jehovha ndokumupindura ndokuti: Simuka ugoburukira kuKeira, nokuti ndichapa vaFirisitia muruoko rwako.

5 Dhavhidhi nevarume vake ndokuenda kuKeira, ndokurwa nevaFirisitia ndokutinha mombe dzavo, ndokuvarova nekurova kukuru. Naizvozvo Dhavhidhi wakaponesa vagari veKeira.

6 Zvino zvakaitika Abhiatari mwanakomana waAhimereki paakatizira kuna Dhavhidhi kuKeira, kuti wakaburuka ane efodhi muruoko rwake.

7 Zvino zvakaudzwa Sauro kuti Dhavhidhi wapinda muKeira. Sauro ndokuti: Mwari wamuisa muruoko rwangu, nokuti wazaririrwa nekupinda muguta rine masuwo nezvipfigiso.

8 Sauro ndokudanira vanhu vose kuhondo, kuburukira kuKeira, kukomba Dhavhidhi nevarume vake.

9 Zvino Dhavhidhi wakaziva kuti Sauro anomuitira zano rakaipa pachivande ndokuti kuna Abhiatari mupristi: Unza pano efodhi.

10 Zvino Dhavhidhi wakati: Jehovha, Mwari waIsraeri, muranda wenyu wakanzwa zvekunzwa kuti Sauro unotsvaka kuuya kuKeira kuzoparadza guta nekuda kwangu.

11 Vagari veKeira vachandipa muruoko rwake here? Sauro achaburuka here sezvakanzwa muranda wenyu? Jehovha, Mwari waIsraeri, udzai henyu muranda wenyu. Jehovha ndokuti: Achaburuka.

12 Dhavhidhi ndokuti: Varume veKeira vachandiisa nevarume vangu muruoko rwaSauro here? Jehovha ndokuti: Vachakuisa.

13 Zvino Dhavhidhi nevarume vake, varume vanenge mazana matanhatu, vakabuda kubva paKeira, vakafamba-famba kuenda kwavangaenda. Zvino kwakaudzwa Sauro kuti Dhavhidhi wapukunyuka paKeira, iye ndokurega kubuda.

14 Dhavhidhi ndokugara murenje mudzinhare, ndokugara mugomo murenje reZifi. Sauro ndokumutsvaka mazuva ose, asi Mwari haana kumupa muruoko rwake.

15 Zvino Dhavhidhi wakaona kuti Sauro wabuda kutsvaka upenyu hwake; Dhavhidhi waiva murenje reZifi musango.

16 Zvino Jonatani mwanakomana waSauro wakasimuka ndokuenda kuna Dhavhidhi musango, ndokusimbisa ruoko rwake muna Mwari.

17 Zvino wakati kwaari: Usatya, nokuti ruoko rwaSauro baba vangu harungakuwani, uye iwe uchava mambo pamusoro paIsraeri, neni ndichava wechipiri kwauri; uyewo baba vangu Sauro vanoziva saizvozvo.

18 Zvino ivo vaviri vakaita sungano pamberi paJehovha; Dhavhidhi ndokugara musango; Jonatani ndokuenda kumba kwake.

19 Zvino vaZifi vakakwira kuna Sauro kuGibhiya vachiti: Dhavhidhi haana kuvanda kwatiri mudzinhare musango panhongonya yeHakira riri kuchamhembe kweJeshimoni here?

20 Naizvozvo ikozvino, nechido chose chemweya weupenyu wenyu chekuburuka, mambo, burukai; uye zviri kwatiri kumupa muruoko rwamambo.

21 Sauro ndokuti: Ropafadzwai imwi naJehovha, nokuti munondinzwira tsitsi.

22 Endai henyu, muve muchigadzirira, muzive uye muone nzvimbo yake, pane rutsoka rwake, ndiani wakamuonapo, nokuti ndakaudzwa kuti wakaita nekunyengera kwazvo.

23 Zvino onai uye zivai nzvimbo dzose dzekuvanda apo anovanda, mugodzoka kwandiri nechokwadi, zvino ndichaenda nemwi; uye zvichaitika kana ari munyika iyo kuti ndichamutsvakisisa pakati pezvuru zvose zvaJudha.

24 Zvino vakasimuka ndokuenda kuZifi mberi kwaSauro. Asi Dhavhidhi nevarume vake vaiva murenje reMaoni mubani kuchamhembe kweJeshimoni.

25 Sauro nevarume vake ndokuenda kunomutsvaka. Zvino vakaudza Dhavhidhi; iye ndokuburukira kubwe, ndokugara murenje reMaoni. Zvino Sauro wakanzwa ndokudzingirira Dhavhidhi kurenje reMaoni.

26 Zvino Sauro wakaenda nedivi rino regomo, uye Dhavhidhi nevarume vake nedivi iro regomo; Dhavhidhi ndokukurumidza kuenda kubva pachiso chaSauro; nokuti Sauro nevarume vake vakakomba Dhavhidhi nevarume vake kuvabata.

27 Asi kwakasvika nhume kuna Sauro ichiti: Kurumidzai muuye, nokuti vaFirisitia vapamba nyika.

28 Naizvozvo Sauro wakadzoka pakudzingirira Dhavhidhi, ndokuenda kunorwisa vaFirisitia. Naizvozvo vatumidza nzvimbo iyo Sera-Hamarekoti.

29 Dhavhidhi ndokukwira kubvapo, ndokugara munhare dzeEni-Gedhi.