ShonaTeam 1 Samuel « 22 »

Dhavhidhi anotizira kubako reAdhurami

22Naizvozvo Dhavhidhi wakabvapo akapukunyukira kubako reAdhurami. Hama dzake nevose veimba yababa vake pavakanzwa, vakaburukirako kwaari.

2 Zvino kwakaungana kwaari munhu umwe neumwe waiva pakumanikidzwa, nemunhu umwe neumwe waiva nechikwereti, nemunhu umwe neumwe waiva neshungu pamweya weupenyu, zvino akava mukuru pamusoro pavo; pakava pamwe naye varume vanenge mazana mana.

3 Zvino Dhavhidhi wakabvapo kuenda kuMizipa kwaMoabhu; ndokuti kuna mambo waMoabhu: Regai henyu baba vangu namai vangu vabude nemwi, kusvika ndaziva Mwari zvaachandiitira.

4 Zvino wakavaunza mberi kwamambo waMoabhu, zvino vakagara naye mazuva ose Dhavhidhi aaiva munhare.

5 Zvino muporofita Gadhi wakati kuna Dhavhidhi: Usagara munhare, enda, uye iwe pinda munyika yaJudha. Dhavhidhi ndokuenda ndokupinda mudondo reHereti.

Sauro anoraira kuti vanhu vose veNobhi vaurawe

6 Zvino Sauro wakanzwa kuti Dhavhidhi wazikanwa pamwe nevarume vaiva naye; Sauro waiva agere paGibhiya muzasi memutamarisiki paRama, ane pfumo rake muruoko rwake, nevaranda vake vose vaiva vamire naye.

7 Zvino Sauro wakati kuvaranda vake vaiva vamire naye: Inzwai henyu, imwi VaBhenjamini: Kuti mwanakomana waJese uchakupai mose minda neminda yemizambiringa? Akuisei mose muve vakuru vezvuru nevakuru vemazana?

8 Zvamandirangana mose, uye hakuna anondizarura nzeve yangu pamusoro pemwanakomana wangu achisungana nemwanakomana waJese; hakuna umwe kwamuri anondinzwira tsitsi, nekuzarura nzeve yangu, kuti mwanakomana wangu wakandimutsira muranda wangu kuti ave muvandiri wangu sezuva rino.

9 Zvino Dhoegi muEdhomu wakapindura, waiva amire nevaranda vaSauro, ndokuti: Ndakaona mwanakomana waJese achiuya paNobhi kuna Ahimereki mwanakomana waAitubhi.

10 Iye ndokumubvunzira kuna Jehovha, ndokumupa mbuva; nemunondo waGoriati muFirisitia wakamupa.

11 Mambo ndokutuma kunodana Ahimereki mupristi mwanakomana waAhitubhi, neimba yose yababa vake vapristi vaiva paNobhi; vose ndokuuya kuna mambo.

12 Zvino Sauro wakati: Inzwa hako, iwe mwanakomana waAhitubhi. Iye ndokuti: Tarirai ndiri pano, ishe wangu.

13 Sauro ndokuti kwaari: Mandiranganirei, iwe nemwanakomana waJese, zvawakamupa chingwa nemunondo, nekumubvunzira kuna Mwari, kuti andimukire kuva muvandiri wangu sezuva rino?

14 Zvino Ahimereki wakapindura mambo ndokuti: Uye ndiani pakati pevaranda venyu vose wakatendeka saDhavhidhi, uye mukwasha wamambo anoenderera mberi pakukuteererai, uye anokudzwa mumba menyu?

15 Ndatanga nhasi here kumubvunzira kuna Mwari? Ngazvive kure neni! Mambo ngaarege kuisa nyaya kumuranda wake nekuimba yose yababa vangu; nokuti muranda haana kuziva chinhu cheizvi zvose, zvidiki kana zvikuru.

16 Mambo ndokuti: Uchafa zvekufa Ahimereki, iwe neimba yose yababa vako.

17 Mambo ndokuti kuvamhanyi vaiva vamire naye: Tendeukai muuraye vapristi vaJehovha, nokuti ruoko rwavowo rwuna Dhavhidhi, uye nokuti vakaziva kuti watiza asi havana kumuzaririra munzeve yangu. Asi varanda vamambo havana kuda kutambanudzira ruoko rwavo kurwisa vapristi vaJehovha.

18 Zvino mambo wakati kuna Dhoegi: Tendeuka iwe, urwise vapristi. Dhoegi muEdhomu ndokutendeuka, iye ndokurwisa vapristi, ndokuuraya nezuva iro vanhu makumi masere nevashanu vaiva vakatakura efodhi yemucheka.

19 Uye Nobhi guta revapristi wakarirova nekwakapinza kwemunondo, kubva kumurume kusvika kumukadzi, kubva kumwana kusvika kune anoyamwa, nemombe, nembongoro, nemakwai, nekwakapinza kwemunondo.

20 Zvino kwakapukunyuka umwe wevanakomana vaAhimereki mwanakomana waAhitubhi, uye zita rake raiva Abhiatari; ndokutiza kutevera Dhavhidhi.

21 Zvino Abhiatari wakaudza Dhavhidhi kuti Sauro wauraya vapristi vaJehovha.

22 Dhavhidhi ndokuti kuna Abhiatari: Ndakaziva nezuva riya Dhoegi muEdhomu paaivapo kuti zvirokwazvo achanoudza Sauro. Ndini ndakonzera kufa kwemweya wose weimba yababa vako.

23 Gara neni, usatya; nokuti uyo anotsvaka mweya wangu anotsvaka mweya wako; asi uchachengetedzeka pamwe neni.