ShonaTeam 1 Samuel « 21 »

Dhavhidhi anotizira Nobhi kuna Akishi paGati

21Zvino Dhavhidhi wakauya kuNobhi kuna Ahimereki mupristi; Ahimereki ndokudedera pakusangana naDhavhidhi; ndokuti kwaari: Sei iwe uri wega, uye kusina munhu anewe?

2 Dhavhidhi ndokuti kuna Ahimereki mupristi: Mambo wakandiraira basa, uye wakati kwandiri: Ngakurege kuva nemunhu anoziva chinhu chipi nechipi chebasa randinokutuma naro, nerandinokuraira. Uye majaya ndaazivisa zvenzvimbo yakadai neyakadai.

3 Zvino ikozvino, chii chiri pasi peruoko rwako? Ipai muruoko rwangu zvingwa zvishanu, kana zvingawanikwa.

4 Mupristi ndokupindura Dhavhidhi ndokuti: Hapana chingwa chakajairika pasi peruoko rwangu, asi pane chingwa chitsvene; koga kana majaya akazvichengeta pavakadzi.

5 Dhavhidhi ndokupindura mupristi ndokuti kwaari: Zvirokwazvo vakadzi vakadzivirirwa kwatiri mazuva angava matatu pakubuda kwangu; uye nhumbi dzemajaya itsvene, asi neimwe nzira chingwa chakajairika, uye pamusoro peizvi, nokuti nhasi chaitwa chitsvene panhumbi.

6 Naizvozvo mupristi wakamupa chingwa chitsvene, nokuti paiva pasina chingwa ipapo, kunze kwechingwa chekuratidza, chaiva chabviswa pamberi paJehovha, kuti kuiswe chingwa chinopisa nezuva rekubviswa kwacho.

7 Zvino kwaiva ipapo neumwe wevaranda vaSauro nezuva iroro akabatirirwa pamberi paJehovha, zvino zita rake raiva Dhoegi muEdhomu, mukuru wevafudzi vaiva vaSauro.

8 Dhavhidhi ndokuti kuna Ahimereki: Kuti pano hapana pfumo kana munondo pasi peruoko rwako here? Nokuti zviri zviviri munondo wangu nezvombo zvangu handina kuzvitora muruoko rwangu, nokuti basa ramambo nderekukurumidza.

9 Mupristi ndokuti: Munondo waGoriati muFirisitia wawakauraya mumupata weEra, tarira, wakaputirwa mumucheka seri kweefodhi; kana uchida kutora iwo, tora, nokuti hapana umwe kunze kweiwoyo pano. Dhavhidhi ndokuti: Hakuna wakadaro, ndipe iwo.

10 Zvino Dhavhidhi wakasimuka ndokutiza nezuva iro kubva pachiso chaSauro, akaenda kuna Akishi mambo weGati.

11 Zvino varanda vaAkishi vakati kwaari: Uyu haasi Dhavhidhi mambo wenyika here? Havana kuimba umwe kune umwe pamusoro pake mukutamba here vachiti: Sauro wakauraya zvuru zvake, asi Dhavhidhi makumi ezvuru zvake?

12 Dhavhidhi ndokuisa mashoko awa mumoyo make, ndokutya kwazvo Akishi mambo weGati.

13 Zvino wakashandura kuzvibata kwake pamberi pemeso avo, ndokuedzesera kuva benzi paruoko rwavo, akakwara-kwara pamagonhi esuwo, akarega mate ake achisiririka pandebvu dzake.

14 Zvino Akishi wakati kuvaranda vake: Tarirai, munoona kuti munhu uyu ibenzi; mamuunzirei kwandiri?

15 Ndinoshaiwa mapenzi kanhi, zvamaunza uyu kuti apenge pamberi pangu? Uyu achapinda mumba mangu here?