ShonaTeam 1 Samuel « 20 »

Dhavhidhi naJonatani vanoita sungano

20Zvino Dhavhidhi wakatiza kubva paNaioti paRama, ndokusvika ndokuti pamberi paJonatani: Ndaitei? Chitadzo changu chii, uye chivi changu chii pamberi pababa vako kuti vatsvake mweya wangu?

2 Iye ndokuti kwaari: Ngazvive kure, haungafi; tarira, baba vangu havangaiti chinhu chikuru kana chinhu chidiki vakasachiratidza munzeve dzangu; zvino baba vangu vangandivanzirei chinhu ichi? Hazvisi izvo.

3 Zvino Dhavhidhi wakapikazve ndokuti: Baba vako vanoziva zvekuziva kuti ndakawana nyasha pameso ako; naizvozvo vanoti: Jonatani ngaarege kuziva izvi, zvimwe angarwadziwa; asi zvirokwazvo, naJehovha mupenyu, uye nemweya weupenyu wako mupenyu, kunongova nenhabwe pakati pangu nerufu.

4 Jonatani ndokuti kuna Dhavhidhi: Izvo zvinoreva mweya weupenyu wako, ndichakuitira izvozvo.

5 Dhavhidhi ndokuti kuna Jonatani: Tarira, mangwana kugara kwemwedzi, zvino ini ndakafanira kugara zvekugara pakudya namambo; asi ndirege ndiende ndinovanda musango kusvika ava madekwani echitatu.

6 Kana baba vako vakandishaya zvekundishaya, uchati: Dhavhidhi wakandikumbira kwazvo kuti amhanyire Bheterehemu guta rekwake; nokuti kune chibairoko chegore negore chinoitirwa mhuri yose.

7 Kana vakataura seizvi: Zvakanaka; muranda wako achava nerugare; asi kana vakatsamwa zvekutsamwa, ziva kuti chakaipa chakanangiwa naivo.

8 Naizvozvo itira muranda wako tsitsi; nokuti waunza muranda wako musungano yaJehovha newe; asi kana kune chitadzo kwandiri, ndiuraye iwe; nokuti uchandiisirei kuna baba vako?

9 Jonatani ndokuti: Ngazvive kure neni. Nokuti dai ndaiziva zvekuziva kuti chakaipa chakanangwa nababa vangu kuti chikuwire, handisaikuudza izvozvo here?

10 Dhavhidhi ndokuti kuna Jonatani: Ndiani achandiudza, ko kana baba vako vakupindura nehasha?

11 Jonatani ndokuti kuna Dhavhidhi: Uya, zvino ngatibude tiende kusango. Zvino vakabuda vari vaviri kuenda kusango.

12 Zvino Jonatani wakati kuna Dhavhidhi: Jehovha Mwari waIsraeri, pandinenge ndabvunzurudza baba vangu nenguva inenge ino mangwana kana kuswera mangwana, kana, tarira, zvakanaka kuna Dhavhidhi, kana ndisingakutumiri kwamuri nenguva iyo ndikazviratidza munzeve dzenyu,

13 Jehovha ngaaite saizvozvo kuna Jonatani uye naizvozvo aitezve, kana kuipa pamusoro pako kwakanaka kuna baba vangu, ndichakuratidza munzeve dzako, ndichakurega uende kuti uende nerugare; uye Jehovha ave newe, sezvaaiva nababa vangu.

14 Haungandiitiri here tsitsi dzaJehovha kunyange kana ndichiri mupenyu, kuti ndisafa?

15 Asi haungaguri tsitsi dzako kubva kune veimba yangu nekusingaperi; uye kwete Jehovha paanenge agura vavengi vaDhavhidhi, umwe neumwe abve pachiso chenyika.

16 Naizvozvo Jonatani wakaita sungano neimba yaDhavhidhi, achiti: Jehovha ngaakutsvake paruoko rwevavengi vaDhavhidhi.

17 Jonatani ndokuwedzera kupikisa Dhavhidhi, nokuti waimuda, nokuti wakamuda nerudo rwemweya weupenyu wake.

18 Zvino Jonatani ndokuti kwaari: Mangwana kugara kwemwedzi, uye uchashaikwa, nokuti chigaro chako chichava chisina chinhu.

19 Kana wagara mazuva matatu, zvirokwazvo uchakurumidza kuburuka ugouya kunzvimbo iya pawakavanda nemusi wenyaya iyo; uye uchagara pabwe Ezeri.

20 Zvino ini ndichapotsera miseve mitatu kurutivi, sendinofura chiratidzo chakatimikwa.

21 Zvino, tarira, ndichatuma mukomana, ndichiti: Enda unotsvaka miseve. Kana ndikatongoti kumukomana: Tarira miseve iri nechekuno kwako, itore, uuye, nokuti kune rugare kwauri, uye hakuna mhosva, naJehovha mupenyu.

22 Asi kana ndikataura seizvi kumukomana: Tarira, miseve iri mberi kwako, enda, nokuti Jehovha wakurega uchienda.

23 Zvino maererano nenyaya yatataura ini newe, tarira, Jehovha ari pakati pako neni kusvika rinhi narinhi.

24 Naizvozvo Dhavhidhi wakanovanda musango; pakugara kwemwedzi mambo akagara pakudya kuti adye.

25 Mambo ndokugara pachigaro chake sepanguva dzose pachigaro pamadziro, Jonatani ndokusimuka, uye Abhineri wakagara parutivi rwaSauro; asi nzvimbo yaDhavhidhi yaiva isina chinhu.

26 Asi Sauro haana kutaura chinhu nezuva iroro; nokuti wakati: Chimwe chinhu chamuwira, haana kuchena, zvirokwazvo haana kuchena.

27 Zvino zvakaitika chifume, zuva rechipiri rekugara kwemwedzi, kuti chigaro chaDhavhidhi chakashaiwa chinhu; Sauro ndokuti kuna Jonatani mwanakomana wake: Mwanakomana waJese waregerei kuuya kuzvekudya kunyange zuro kana nhasi?

28 Jonatani ndokupindura Sauro achiti: Dhavhidhi wakakumbira kwazvo kwandiri kuti aende kuBheterehemu.

29 Uye wakati: Nditenderewo ndiende, nokuti vemhuri yedu vane chibairo muguta; uye mukoma wangu pachake wakandiraira kuvapo. Zvino ikozvino kana ndawana tsitsi pameso ako, rega hako ndiende kuti ndinoona hama dzangu. Naizvozvo haana kuuya kutafura yamambo.

30 Ipapo kutsamwa kwaSauro kwakapfutira Jonatani, ndokuti kwaari: Mwanakomana wemukadzi wakatsauka wakapanduka, handizivi kanhi kuti wakasarudza mwanakomana waJese chive chinyadzo chako uye chive chinyadzo chekushama kwamai vako?

31 Nokuti mazuva ose mwanakomana waJese achiri mupenyu panyika, haungamiri iwe neumambo hwako. Naizvozvo zvino tuma umuunze kwandiri, nokuti iye mwanakomana werufu.

32 Jonatani ndokupindura Sauro baba vake, ndokuti kwavari: Achaurairwei? Waitei?

33 Sauro ndokupotsera pfumo kwaari kumubaya. Naizvozvo Jonatani wakaziva kuti zvakanangwa nababa vake kuuraya Dhavhidhi.

34 Naizvozvo Jonatani wakasimuka patafura pakupfuta kwekutsamwa, uye haana kudya zvekudya nezuva repiri rekugara kwemwedzi; nokuti wakava neshungu pamusoro paDhavhidhi, nokuti baba vake vakamunyadzisa.

35 Zvino zvakaitika mangwanani kuti Jonatani wakabuda kuenda kusango nenguva yakatarwa naDhavhidhi, nemukomana mudiki anaye.

36 Zvino wakati kumukomana wake: Mhanya, tsvaka hako miseve yandinopotsera. Mukomana paaimhanya, iye wakapotsera museve mberi kwake.

37 Mukomana wakati achisvika panzvimbo yemuseve Jonatani waakapotsera, Jonatani wakadanidzira shure kwemukomana, ndokuti: Museve hausi mberi kwako here?

38 Jonatani wakadanidzirazve shure kwemukomana achiti: Kasira, kurumidza, usamira. Mukomana waJonatani ndokunonga museve, ndokuuya kuna tenzi wake.

39 Asi mukomana haana kuziva chinhu; Jonatani naDhavhidhi ndivo vega vakaziva shoko iro.

40 Zvino Jonatani wakapa mukomana waiva anaye zvombo zvake, ndokuti kwaari: Enda, uzvitakurire kuguta.

41 Mukomana paakangoenda, Dhavhidhi wakasimuka kubva panzvimbo akananga kuchamhembe, ndokuwira pasi nechiso chake, ndokukotama katatu, zvino vakatsvodana, vakachema misodzi vose, kusvika Dhavhidhi anyanyisa.

42 Jonatani ndokuti kuna Dhavhidhi: Enda nerugare, sezvo tapika tiri vaviri nezita raJehovha tichiti: Jehovha ngaave pakati pangu newe uye pakati pembeu yangu nembeu yako nekusingaperi. Iye ndokusimuka ndokubva, Jonatani ndokuenda muguta.