ShonaTeam 1 Samuel « 19 »

Jonatani anoreverera Dhavhidhi kuna Sauro

19Zvino Sauro wakataura kuna Jonatani mwanakomana wake nekuvaranda vake vose kuti vauraye Dhavhidhi. Asi Jonatani mwanakomana waSauro wakafarira Dhavhidhi kwazvo.

2 Jonatani ndokuudza Dhavhidhi achiti: Sauro baba vangu vanotsvaka kukuuraya; naizvozvo zvino, chenjerera hako mangwana, uye ugare pakavanda, uvande.

3 Zvino ini ndichabuda ndokumira parutivi rwababa vangu musango mauri. Zvino ini ndichataurirana nababa vangu pamusoro pako; uye zvandichaona ndichakuudzawo.

4 Zvino Jonatani wakataura zvakanaka pamusoro paDhavhidhi kuna Sauro baba vake, ndokuti kwavari: Mambo ngaarege kutadzira muranda wake kurwisa Dhavhidhi, nokuti haana kukutadzirai imwi, uye nokuti mabasa ake akarurama zvikuru kwamuri.

5 Nokuti wakaisa upenyu hwake muruoko rwake, ndokuuraya muFirisitia; Jehovha ndokuitira Israeri wose ruponeso rukuru; makaona uye makafara. Zvino munotadzirirei ropa risina mhosva, kuuraya Dhavhidhi pasina chikonzero?

6 Zvino Sauro wakateerera kuinzwi raJonatani, Sauro ndokupika achiti: NaJehovha mupenyu, haangaurawi.

7 Zvino Jonatani wakadana Dhavhidhi, Jonatani ndokumuudza mashoko ose awa. Jonatani ndokuunza Dhavhidhi kuna Sauro; zvino akava pamberi pake sazuro namarimwezuro.

Sauro anoedzazve kuuraya Dhavhidhi

8 Zvino kwakavazve nehondo; Dhavhidhi ndokubuda ndokurwa nevaFirisitia. Zvino wakavarova nekurova kukuru kusvika vatiza pachiso chake.

9 Zvino mweya wakaipa waJehovha wakava pamusoro paSauro agere mumba make, uye pfumo rake riri muruoko rwake; Dhavhidhi ndokuridza neruoko rwake.

10 Zvino Sauro wakatsvaka kubaira Dhavhidhi nemumadziro nepfumo; asi wakapukunyuka pakuonekwa naSauro, iye ndokubaira pfumo nemumadziro; Dhavhidhi ndokutiza, ndokupukunyuka usiku uhwo.

11 Zvino Sauro wakatuma nhume kumba kwaDhavhidhi kumurinda nekumuuraya mangwanani. Mikari mukadzi wake ndokuudza Dhavhidhi achiti: Kana ukasaponesa upenyu hwako usiku huno, uchaurawa mangwana.

12 Naizvozvo Mikari wakaburusa Dhavhidhi nepahwindo; zvino akaenda, ndokutiza, ndokupukunyuka.

13 Zvino Mikari wakatora chifananidzo ndokuisa pamubhedha, ndokuisa mutsago wemvere dzembudzi panzvimbo yemusoro wake, ndokufukidza nemucheka.

14 Sauro paakatuma nhume kutora Dhavhidhi, iye ndokuti: Anorwara.

15 Sauro ndokutuma nhume kuzoona Dhavhidhi achiti: Mukwidzei kwandiri ari mumubhedha kuti aurayiwe.

16 Nhume padzakapinda, zvino tarira, chifananidzo chiri mumubhedha uye mutsago wemvere dzembudzi panzvimbo yemusoro wake.

17 Zvino Sauro wakati kuna Mikari: Wandinyengedzerei kudai, ndokurega muvengi wangu achienda, zvino wapukunyuka? Mikari ndokuti kuna Sauro: Iye wakati kwandiri: Ndirege ndiende; ndichakuurayirei?

18 Saizvozvo Dhavhidhi wakatiza, ndokupukunyuka, ndokusvika kuna Samueri kuRama, ndokumuudza zvose Sauro zvaakaita kwaari. Zvino iye naSamueri ndokuenda ndokugara paNaioti.

19 Zvino zvakaudzwa Sauro zvichinzi: Tarirai, Dhavhidhi ari paNaioti paRama.

20 Sauro ndokutuma nhume kunotora Dhavhidhi; pavakaona boka revaporofita vachiporofita, naSamueri amire ari mutungamiriri pamusoro pavo, Mweya waMwari ndokuva pamusoro penhume dzaSauro, zvino vakaporofita naivowo.

21 Pakaudzwa Sauro, wakatuma dzimwe nhume; naidzo dzikaporofitawo. Zvino Sauro wakatumazve nhume rwechitatu, naidzo dzikaporofitawo.

22 Naiye wakaendawo kuRama, ndokusvika patsime guru riri paSeku, ndokubvunza ndokuti: Vana Samueri naDhavhidhi varipi? Zvikanzi: Tarirai, paNaioti paRama.

23 Zvino wakaendako kuNaioti paRama, zvino Mweya waMwari wakava pamusoro pakewo, akafamba achifamba achiporofita kusvika asvika paNaioti paRama.

24 Naiyewo wakakurura nguvo dzake, naiye wakaporofita pamberi paSamueri, ndokurara pasi akashama zuva iro rose neusiku ihwo hwose. Saka vachiti: Sauro naiye ari pakati pevaporofita here?