ShonaTeam 1 Samuel « 17 »

Dhavhidhi anouraya Goriati

17Zvino vaFirisitia vakaunganidzira varwi vavo hondo, ndokuungana paSoko raiva raJudha, ndokuvaka misasa pakati peSoko naAzeka paEfesi-Damimi.

2 Sauro nevarume vaIsraeri vakaunganawo, ndokuvaka misasa pamupata weEra, ndokuronga hondo kurwa nevaFirisitia.

3 VaFirisitia vaiva vamire pagomo kurutivi rwuno, uye vaIsraeri vaiva vamire pagomo kurutivi urwo; uye mupata waiva pakati pavo.

4 Zvino kwakabuda mhare kubva kumisasa yevaFirisitia, zita rake raiva Goriati, weGati; urefu hwake hwaiva makubhiti matanhatu nechanza.

5 Zvino kwaiva nengowani yendarira pamusoro wake, uye waiva akapfeka jazi reutare raiva nemakwanda, uye uremu hwejazi reutare hwaiva mashekeri zvuru zvishanu zvendarira.

6 Waiva nezvidzitiro zvendarira pamakumbo ake, nemharu yendarira pakati pemafudzi ake.

7 Danda repfumo rake raiva rakafanana nepuranga remuruki; nebanga repfumo rake raiva mashekeri mazana matanhatu ematare; uye mutakuri wenhovo waifamba mberi kwake.

8 Zvino wakamira ndokudanidzira kumauto akarongwa aIsraeri, ndokuti kwavari: Mabudirei kuronga hondo? Handisi muFirisitia, nemwi varanda vaSauro here? Imwi muzvitsaurire murume, aburukire kwandiri.

9 Kana akagona kurwa neni ndokundiuraya, tichava varanda venyu; asi kana ini ndikamukunda ndokumuuraya, muchava varanda vedu, uye muchatishandira.

10 MuFirisitia ndokuti: Ini ndinoshoora mauto akarongwa aIsraeri nhasi. Ndipei murume kuti tirwisane.

11 Sauro naIsraeri wose pavakanzwa mashoko awa emuFirisitia vakavhunduka ndokutya kwazvo.

12 Zvino Dhavhidhi waiva mwanakomana wemuEfurati uyo weBheterehemu-Judha wezita rainzi Jese; iye waiva nevanakomana vasere; uye munhu uyu waifamba ari mutana pakati pevarume pamazuva aSauro.

13 Zvino vanakomana vatatu vakuru vaJese vakaenda vatevera Sauro kuhondo. Zvino mazita evanakomana vake vatatu vakaenda kuhondo aiva: Eriabhu dangwe, iye tevere kwaari Abhinadhabhu, uye wechitatu Shama.

14 Zvino Dhavhidhi ndiye waiva mudikisa; uye vatatu vakuru vakatevera Sauro.

15 Zvino Dhavhidhi waienda achidzoka kubva kuna Sauro, kufudza makwai ababa vake paBheterehemu.

16 Zvino muFirisitia waiswedera mangwanani nemadekwani achizvimisa mazuva makumi mana.

17 Zvino Jese wakati kuna Dhavhidhi mwanakomana wake: Torera hako madzikoma ako efa yezviyo zvakakangwa izvi, nezvingwa izvi gumi, umhanyire kumusasa kumadzikoma ako.

18 Asi mapundu emukaka wakafa awa gumi uvigire mukuru wechuru; uye utarise kugara zvakanaka kwevakuru vako, ugotora chibatiso chavo.

19 Zvino Sauro, navo, nevarume vose vaIsraeri vaiva pamupata weEra vachirwa nevaFirisitia.

20 Dhavhidhi ndokumuka mangwanani-ngwanani, ndokusiya makwai nemurindi, ndokutora ndokuenda Jese sezvaakamuraira. Zvino wakasvika pamudungwe wengoro, apo varwi vobuda kuenda kuhondo yakarongwa, vachidanidzira hondo.

21 Zvino Israeri nevaFirisitia vakaronga hondo, hondo yakarongwa yakatarisana nehondo yakarongwa.

22 Zvino Dhavhidhi wakasiya midziyo yake muruoko rwemurindi wemidziyo, ndokumhanyira kuhondo yakarongwa. Zvino wakasvika ndokubvunza madzikoma ake upenyu.

23 Zvino paaitaura navo, tarira, kwakakwira mhare, zita rake raiva Goriati, muFirisitia weGati, achibuda kubva kumauto evaFirisitia, ndokutaura zvinoenderana nemashoko awa; Dhavhidhi ndokunzwa.

24 Zvino varume vose vaIsraeri pavakaona murume uyu, vakamutiza, vachitya kwazvo.

25 Varume vaIsraeri ndokuti: Maona here murume uya wakwira? Nokuti wakwira kushoora Israeri; zvino zvichava kuti murume anomuuraya, mambo achamufumisa nefuma yakakura, uye achamupa mwanasikana wake, neimba yababa vake agoiita yakasununguka kwaIsraeri.

26 Zvino Dhavhidhi wakataura kuvarume vaiva vamire naye, achiti: Chii chichaitwa kumurume achauraya muFirisitia uyu, uye akabvisa kushoorwa kubva kuna Israeri? Nokuti ndiyani uyu muFirisitia asina kudzingiswa, kuti ashore hondo dzakarongwa dzaMwari mupenyu?

27 Vanhu ndokumupindura zvichienderana neshoko iri vachiti: Zvichaitwa seizvi kumurume anomuuraya.

28 Zvino Eriabhu mukoma wake mukurusa wakanzwa paakataura nevarume avo, kutsamwa kwaEriabhu ndokupfutira Dhavhidhi, ndokuti: Waburukirei pano? Makwai awo mashoma waasiya nani murenje? Ini ndinoziva manyawi ako nekuipa kwemoyo wako, nokuti waburuka kuona hondo.

29 Dhavhidhi ndokuti: Zvino ndaitei? Ranga risiri shoko haro here?

30 Zvino wakamufuratira akaenda kune umwe, ndokutaura zvinoenderana neshoko iri; zvino vanhu vakamudzosera shoko seshoko repakutanga.

31 Paakanzwikwa mashoko Dhavhidhi aakataura, vakaataura pamberi paSauro; iye ndokumutora.

32 Zvino Dhavhidhi wakati kuna Sauro: Moyo wemunhu ngaurege kupera nekuda kwake; muranda wenyu achaenda ndokurwa nemuFirisitia uyo.

33 Zvino Sauro wakati kuna Dhavhidhi: Haugoni kuenda kumuFirisitia uyu kunorwa naye, nokuti iwe uri mudiki uye iye murume wehondo kubva paudiki hwake.

34 Dhavhidhi ndokuti kuna Sauro: Muranda wenyu waifudza makwai ababa vake, zvino kwakasvika shumba nebere, ndokutora gwayana paboka.

35 Zvino ndakabuda ndikaitevera, ndokuirova, ndikanunura kubva mumuromo mayo. Payakandimukira, ndakaibata nendebvu dzayo, ndokuirova ndokuiuraya.

36 Muranda wenyu wakauraya zviviri shumba nebere. Zvino muFirisitia uyu asina kudzingiswa achava sechimwe chazvo, zvaakashoora hondo dzakarongwa dzaMwari mupenyu.

37 Dhavhidhi ndokuti: Jehovha wakandinunura kubva panzara dzeshumba nekubva panzara dzebere, iye achandinunura kubva paruoko rwemuFirisitia uyu. Sauro ndokuti kuna Dhavhidhi: Enda, uye Jehovha ngaave newe.

38 Sauro ndokupfekedza Dhavhidhi nguvo dzake, uye wakaisa ngowani yendarira pamusoro wake, ndokumupfekedza jazi reutare.

39 Zvino Dhavhidhi wakasungira muchiuno munondo wake pamusoro penguvo dzake, akada kufamba, nokuti waiva asina kuidza. Dhavhidhi ndokuti kuna Sauro: Handigoni kufamba nezvinhu izvi, nokuti handina kudziidza. Dhavhidhi ndokudzibvisa kubva kwaari.

40 Zvino wakatora tsvimbo yake muruoko rwake, ndokuzvisarudzira hurungudo shanu kubva murukova, ndokudziisa muhombodo yemufudzi yaaiva nayo, imo munhava; chifuramabwe cherwodzi chake chaiva muruoko rwake; ndokuswedera kumuFirisitia.

41 Zvino muFirisitia wakaenda ndokuenda kuswedera kuna Dhavhidhi; nemunhu waitakura nhovo waiva mberi kwake.

42 MuFirisitia wakati achitarisisa ndokuona Dhavhidhi ndokumuzvidza, nokuti waiva ari mukomana, uye ari mutsvuku, ane kutaridzika kwakanaka.

43 Zvino muFirisitia wakati kuna Dhavhidhi: Ndiri imbwa kanhi, zvaunouya kwandiri netsvimbo? MuFirisitia ndokutuka Dhavhidhi navamwari vake.

44 MuFirisitia ndokuti kuna Dhavhidhi: Uya kwandiri, zvino ndichapa nyama yako kushiri dzekumatenga nekuzvikara zvesango.

45 Dhavhidhi ndokuti kumuFirisitia: Iwe unouya kwandiri nemunondo uye nepfumo uye nechidzitiro; asi ini ndinouya kwauri nezita raJehovha wehondo, Mwari wehondo dzakarongwa dzaIsraeri, waunoshoora.

46 Nhasi Jehovha achakupfigira muruoko rwangu; zvino ndichakurova, ndigobvisa musoro wako pauri, ndichapa zvitunha zvehondo dzevaFirisitia kushiri dzekumatenga nekuzvikara zvenyika nhasi, kuti nyika yose izive kuti Mwari ariko kwaIsraeri.

47 Uye ungano iyi yose ichaziva kuti Jehovha haaponesi nemunondo kana nepfumo, nokuti hondo ndeyaJehovha, uye achakupai muruoko rwedu.

48 Zvino zvakaitika muFirisitia paakasimuka achifamba achiswedera kunochingamidza Dhavhidhi, kuti Dhavhidhi wakakurumidza, ndokumhanyira kuhondo yakarongwa kunochingamidza muFirisitia.

49 Zvino Dhavhidhi wakaisa ruoko rwake muhombodo, ndokutoramo ibwe, ndokuripotsera, ndokurova muFirisitia pahuma yake kusvika ibwe ranyura muhuma yake, zvino akawira pasi nechiso chake.

50 Naizvozvo Dhavhidhi wakakunda muFirisitia nechifuramabwe cherwodzi uye nebwe, ndokurova muFirisitia, ndokumuuraya; asi kwaiva kusina munondo muruoko rwaDhavhidhi.

51 Naizvozvo Dhavhidhi wakamhanya, ndokumira pamusoro pemuFirisitia, ndokutora munondo wake, ndokuuvhomora kubva mumuhara wawo, ndokumuuraya, uye wakagura musoro wake nawo. VaFirisitia pavakaona kuti mhare yavo yafa, vakatiza.

52 Zvino varume vaIsraeri nevaJudha vakasimuka ndokudanidzira ndokudzingirira vaFirisitia kusvika wasvika paGati nekumasuwo eEkironi. Zvino vakakuvadzwa vevaFirisitia vakawira pasi panzira yeShaaraimi kusvikawo kuGati nekuEkironi.

53 Zvino vana vaIsraeri vakadzoka pakudzingirira vaFirisitia, vakapambara misasa yavo.

54 Zvino Dhavhidhi wakatora musoro wemuFirisitia, ndokumuunza kuJerusarema, asi wakaisa zvombo zvake mutende rake.

55 Zvino Sauro wakati achiona Dhavhidhi achibuda kunochingamidza muFirisitia, wakati kuna Abhineri musoro wehondo: Abhineri, mwanakomana waani mukomana uyu? Abhineri ndokuti: Neupenyu hwemweya weupenyu wenyu, mambo, handizivi.

56 Mambo ndokuti: Bvunza iwe kuti mwanakomana waani mukomana uyu.

57 Zvino Dhavhidhi paaiva adzoka pakuuraya muFirisitia, Abhineri wakamutora ndokumuisa pamberi paSauro, ane musoro wemuFirisitia muruoko rwake.

58 Sauro ndokuti kwaari: Uri mwanakomana waani, jaya? Dhavhidhi ndokuti: Ndiri mwanakomana wemuranda wenyu Jese muBheterehemu.