ShonaTeam 1 Samuel « 16 »

Samueri anozodza Dhavhidhi

16Zvino Jehovha wakati kuna Samueri: Uchachemera Sauro kusvika rinhi, zvandakamuramba ini pakuva mambo pamusoro paIsraeri? Zadza nyanga yako nemafuta uende. Ndichakutuma kuna Jese muBheterehemu; nokuti ndazvionera mambo pakati pevana vake.

2 Samueri ndokuti: Ndingaenda sei? Kana Sauro akanzwa, achandiuraya. Jehovha ndokuti: Tora tsiru remombe muruoko rwako, ugoti: Ndauya kuzobaira kuna Jehovha.

3 Zvino uchadanira Jese kuchibairo, uye ini ndichakuzivisa zvauchaita, uye uchandizodzera wandichataura kwauri.

4 Samueri ndokuita Jehovha zvaakataura, ndokusvika kuBheterehemu. Vakuru veguta ndokubvunda kusangana naye, ndokuti: Kuuya kwenyu rugare here?

5 Iye ndokuti: Rugare; ndauya kuzobaira Jehovha; zvinatsei, muuye neni kuchibairo. Zvino wakaita Jese nevanakomana vake vatsvene, akavadanira kuchibairo.

6 Zvino zvakaitika pakusvika kwavo kuti wakatarira Eriabhu, ndokuti: Zvirokwazvo, muzodzwa wake uri pamberi paJehovha.

7 Asi Jehovha wakati kuna Samueri: Usatarira pachimiro chake, kana pakureba kweurefu hwake, nokuti ndamuramba; nokuti hazvina kuita sezvinoona munhu, nokuti munhu anoona zviri pamberi pemeso, asi Jehovha anoona pamoyo.

8 Zvino Jese wakadana Abhinadhabhu ndokumupfuudza pamberi paSamueri. Asi iye wakati: Neuyu Jehovha haana kumusarudza.

9 Zvino Jese wakapfuudza Shama. Asi iye wakati: Neuyu Jehovha haana kumusarudza.

10 Jese ndokupfuudza vanomwe vevanakomana vake pamberi paSamueri. Samueri ndokuti kuna Jese: Jehovha haana kusarudza ava.

11 Zvino Samueri wakati kuna Jese: Vakomana vapera here? Iye ndokuti: Kuchakasara mudikisa; zvino tarirai, anofudza makwai. Samueri ndokuti kuna Jese: Tuma umutore, nokuti hatingagari kusvika auya pano.

12 Zvino wakatuma ndokumupinza. Zvino waiva mutsvuku, ane meso akanaka, uye kutaridzika kwakanaka. Jehovha ndokuti: Simuka, ugomuzodza, nokuti ndiye.

13 Samueri ndokutora nyanga yemafuta, ndokumuzodza pakati pehama dzake. Mweya waJehovha ndokuuya nesimba pamusoro paDhavhidhi kubva pazuva iro zvichienda mberi. Zvino Samueri wakasimuka ndokuenda kuRama.

Dhavhidhi anonyaradza mweya waSauro

14 Asi Mweya waJehovha waiva wabva kuna Sauro, uye mweya wakaipa waibva kuna Jehovha wakamushungurudza.

15 Zvino varanda vaSauro vakati kwaari: Tarirai zvino, mweya wakaipa waMwari unokushungurudzai.

16 Zvino tenzi wedu ngaaraire hake varanda vake vari pamberi penyu kuti vatsvake munhu anoziva kuridza mbira; zvino zvichaitika kuti mweya wakaipa waMwari pauchava pamusoro penyu, iye acharidza neruoko rwake kuti zvikunakirei.

17 Sauro ndokuti kuvaranda vake: Ndipei ikozvino munhu anoridza zvakanaka, mumuunze kwandiri.

18 Zvino umwe wemajaya wakapindura ndokuti: Tarirai, ndaona mwanakomana waJese muBheterehemu anoziva kuridza, uye munhu ane simba weumhare, uye murume wehondo, uye wakachenjera panyaya, uye munhu anotarisika, uye Jehovha anaye.

19 Naizvozvo Sauro wakatuma nhume kuna Jese ndokuti: Nditumire Dhavhidhi mwanakomana wako ari kumakwai.

20 Zvino Jese wakatora mbongoro, chingwa, nedende rewaini, nembudzana yembudzi, ndokutuma neruoko rwaDhavhidhi mwanakomana wake kuna Sauro.

21 Zvino Dhavhidhi wakasvika kuna Sauro ndokumira pamberi pake; iye ndokumuda kwazvo, ndokuva mutakuri wezvombo zvake.

22 Sauro ndotuma kuna Jese achiti: Dhavhidhi ngaamire hake pamberi pangu, nokuti wawana nyasha pameso angu.

23 Zvino zvakaitika mweya waMwari pawaiva pamusoro paSauro kuti Dhavhidhi wakatora mbira ndokuridza neruoko rwake; Sauro ndokuvandudzwa, akava wakanaka kwaari, mweya wakaipa ndokubva kwaari.