ShonaTeam 1 Samuel « 15 »

Sauro anokunda Amareki

15Zvino Samueri wakati kuna Sauro: Jehovha wakatuma ini kuti ndikuzodze kuva mambo pamusoro pevanhu vake, pamusoro paIsraeri; naizvozvo ikozvino teerera kuinzwi remashoko aJehovha.

2 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Ndichacherekedza izvo zvakaita Amareki kuna Israeri, kuti wakamira sei kumurwisa naye panzira paakakwira kubva kuEgipita.

3 Zvino enda unorova Amareki, ugoparadza kwazvo zvose zvaanazvo, usamurega; asi uraya kubva kumurume kusvika kumukadzi, kubva kumucheche kusvika kune anoyamwa, kubva kumombe kusvika kugwai, kubva kukamera kusvika kumbongoro.

4 Zvino Sauro wakanzwisa vanhu, ndokuvaverenga paTeraimi, zvuru mazana maviri zvevaifamba netsoka, uye varume zvuru gumi vekwaJudha.

5 Sauro ndokusvika paguta raAmareki, ndokuvandira pamupata.

6 Sauro ndokuti kuvaKeni: Endai mubve, burukai kubva pakati pevaAmareki, zvimwe ndikubvisei pamwe navo; nokuti imwi makaita tsitsi nevana vose vaIsraeri pakukwira kwavo kubuda muEgipita. Naizvozvo VaKeni vakabva vakabuda pakati pevaAmareki.

7 Zvino Sauro wakarova Amareki kubva paHavhira kusvika wasvika paShuri riri pamberi peEgipita.

8 Zvino wakabata Agagi mambo wevaAmareki ari mupenyu, uye vanhu vose wakavaparadza kwazvo nekwakapinza kwemunondo.

9 Asi Sauro nevanhu vakarega Agagi, nezvakanakisisa zvemakwai, nezvemombe, nezvezvakakora, nemakwayana, nezvose zvakanaka, uye havana kuda kuzviparadza zvachose; asi chinhu chose chinozvidzika nechakaonda, icho vakaparadza zvachose.

10 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Samueri, richiti:

11 Ndinozvidemba kuti ndakaisa Sauro ave mambo, nokuti wadzoka kubva pakunditevera, uye haana kusimbisa mashoko angu. Zvino zvakarwadza Samueri, iye ndokuchema kuna Jehovha usiku hwose.

12 Zvino Samueri wakamuka mangwanani-ngwanani kunochingamidza Sauro. Zvino zvakaudzwa Samueri zvichinzi: Sauro wakasvika paKarimeri, tarira wakazvimisira shongwe, zvino wakatenderera, wapfuura, waburukira kuGirigari.

13 Zvino Samueri wakasvika kuna Sauro, Sauro ndokuti kwaari: Uropafadzwe iwe naJehovha; ndasimbisa shoko raJehovha.

14 Samueri ndokuti: Kuchema uku kwemakwai zvino chii munzeve dzangu, nekukuma kwemombe kwandinonzwa?

15 Sauro ndokuti: Vauya nazvo kubva kuvaAmareki, nokuti vanhu vakarega zvakanakisisa zvemakwai nezvenzombe, kuti vabaire Jehovha Mwari wenyu; asi zvakasara takaparadza zvachose.

16 Samueri ndokuti kuna Sauro: Rega, zvino ndichakuzivisa izvi Jehovha zvaataura kwandiri usiku hwuno. Iye ndokuti kwaari: Taurai.

17 Samueri ndokuti: Handiti, pawaiva mudiki pameso ako, wakava musoro wemarudzi aIsraeri? Uye Jehovha wakakuzodza kuva mambo pamusoro paIsraeri.

18 Jehovha ndokukutuma parwendo, ndokuti: Enda, ugonoparadza chose vatadzi, muAmareki, urwe navo kusvika ivo vapera.

19 Zvino sei usina kuteerera kuinzwi raJehovha, ndokubhururukira kuzvakapambiwa, ndokuita chakaipa pameso aJehovha?

20 Sauro ndokuti kuna Samueri: Zvirokwazvo ndakateerera inzwi raJehovha, uye ndakaenda nenzira Jehovha yaakandituma, uye ndakauya naAgagi mambo waAmareki, uye ndakaparadza vaAmareki zvachose.

21 Asi vanhu vakatora pane zvakapambiwa, makwai nenzombe, zvakanaka pane zvaifanira kuparadzwa zvachose, kuti vabaire kuna Jehovha Mwari wenyu paGirigari.

22 Samueri ndokuti: Ko Jehovha angafarira zvipo zvinopiswa nezvibairo, sezvaanoita pakuteerera inzwi raJehovha here? Tarira, kuteerera kuri nani pane chibairo; kunzwa pane mafuta emakondohwe.

23 Nokuti upanduki hwakafanana nechivi cheuroyi, uye kusindimara nechakaipa neterafimi. Nokuti wakaramba shoko raJehovha, iyewo wakakuramba pakuva mambo.

24 Zvino Sauro wakati kuna Samueri: Ndakatadza, nokuti ndakadarika murairo waJehovha nemashoko enyu, nokuti ndakatya vanhu, ndikateererawo kuinzwi ravo.

25 Naizvozvo zvino, kanganwirai henyu chivi changu, mugodzoka neni, kuti ndinamate Jehovha.

26 Samueri ndokuti kuna Sauro: Handidzoki newe, nokuti wakaramba shoko raJehovha, naJehovha wakuramba pakuva mambo pamusoro paIsraeri.

27 Samueri wakati achitendeuka kuti aende, iye ndokubata mupendero wenguvo yake, iyo ndokubvaruka.

28 Samueri ndokuti kwaari: Jehovha wabvarura umambo hwaIsraeri kubva kwauri nhasi, ndokuhupa umwe wekwako ari nani panewe.

29 Uyewo Simba raIsraeri haritauri nhema kana kuzvidemba; nokuti haasi munhu kuti azvidembe.

30 Zvino akati: Ndakatadza, ndikudzei henyu ikozvino pamberi pevakuru vevanhu vangu nepamberi paIsraeri, mudzoke neni, kuti ndinamate Jehovha Mwari wenyu.

31 Naizvozvo Samueri wakadzoka kutevera Sauro; Sauro ndokunamata kuna Jehovha.

32 Zvino Samueri wakati: Swededzai kwandiri Agagi mambo waAmareki. Agagi ndokuenda kwaari akafara. Agagi ndokuti: Zvirokwazvo kuvava kwerufu kwabva.

33 Samueri ndokuti: Munondo wako sezvawakashaisa vakadzi vana, saizvozvo mai vako vachashaiwa vana pakati pevakadzi. Samueri ndokuguranya Agagi pamberi paJehovha paGirigari.

34 Zvino Samueri wakaenda kuRama; naSauro wakakwira kumba kwake kuGibhiya raSauro.

35 Zvino Samueri haana kuzouyazve kuona Sauro kusvika pazuva rekufa kwake; asi Samueri wakachemera Sauro; naJehovha wakazvidemba kuti waiva aisa Sauro ave mambo pamusoro paIsraeri.