ShonaTeam 1 Samuel « 14 »

Jonatani anokunda vaFirisitia, asi Sauro anodzivisa vanhu kudya

14Zvino zvakaitika rimwe zuva kuti Jonatani mwanakomana waSauro wakati kujaya raitakura zvombo zvake: Uya tiyambukire kuboka revarwi revaFirisitia vari mhiri uko. Asi haana kuudza baba vake.

2 Zvino Sauro waiva agere pamugumo weGibhiya pasi pemupomegiranati waiva paMigironi; uye vanhu vaaiva navo vainge varume mazana matanhatu.

3 Zvino Ahiya mwanakomana waAhitubhi, mukoma waIkabhodhi, mwanakomana waPinehasi, mwanakomana waEri, mupristi waJehovha paShiro, akatakura efodhi. Zvino vanhu vaiva vasingazivi kuti Jonatani waenda.

4 Zvino pakati pemikoto Jonatani paaiedza kuyambukira kuboka revarwi revaFirisitia, paiva newere rakapinza kurutivi rwuno, uye were rakapinza rumwe rutivi; zvino zita rerimwe raiva Bhozezi, uye zita rerimwe Sene.

5 Rimwe were raiva rakadzikwa kumaodzanyemba pakatarisana neMikimashi, uye rimwe kuchamhembe pakatarisana neGebha.

6 Zvino Jonatani wakati kujaya raitakura zvombo zvake: Uya tiyambukire kuboka revarwi revasina kudzingiswa ava; zvimwe Jehovha achatibatira; nokuti hakuna chikoneso kuna Jehovha kuponesa nevazhinji kana nevashoma.

7 Zvino mutakuri wezvombo zvake wakati kwaari: Itai zvose zviri mumoyo menyu; imwi tsaukai, tarirai ndinemwi zvichienderana nemoyo wenyu.

8 Jonatani ndokuti: Tarira, tichayambukira kuvanhu avo, tigozviratidza kwavari.

9 Kana vakataura seizvi kwatiri: Mirai kusvika tasvika kwamuri; ipapo ticharamba takamira panzvimbo yedu, uye hatingakwiri kwavari.

10 Asi kana vakataura seizvi: Kwirai kwatiri; ipapo tichakwira, nokuti Jehovha wavapa muruoko rwedu; zvino ichi chichava chiratidzo kwatiri.

11 Zvino vari vaviri vakazviratidza kuboka revarwi revaFirisitia. VaFirisitia ndokuti: Tarirai, vaHebheru vobuda mumakomba mavaiva vakavanda maari.

12 Zvino varume veboka revarwi vakapindura Jonatani nemutakuri wezvombo zvake, ndokuti: Kwirai kwatiri, uye tichakuzivisai chinhu. Jonatani ndokuti kumutakuri wezvombo zvake: Kwira unditevere, nokuti Jehovha wavapa muruoko rwaIsraeri.

13 Zvino Jonatani wakakwira nemaoko ake uye nemakumbo ake, nemutakuri wezvombo zvake shure kwake; ivo ndokuwa pamberi paJonatani, nemutakuri wezvombo zvake akauraya shure kwake.

14 Zvino kuuraya kwekutanga Jonatani nemutakuri wezvombo zvake kwavakarova nako kwainge varume makumi maviri pangava pahafu yendima yemunda, iyo eka yevhu.

15 Zvino kwakava nekudedera pamusasa, pamunda, nepakati pevanhu vese; boka revarwi nevaparadzi vakabvundawo, nenyika yakadengenyeka; naizvozvo kwakava nekudedera kukuru.

16 Zvino nharirire dzaSauro paGibhiya raBhenjamini vakaona, zvino tarira, chaunga chanyunguduka chichifamba chichiroverwa pasi.

17 Zvino Sauro wakati kuvanhu vaiva naye: Verengai ikozvino, mugoona kuti ndiani wabva kwatiri. Vakati vaverenga, tarira, Jonatani nemutakuri wezvombo zvake havapo.

18 Zvino Sauro wakati kuna Ahija: Uisa pano areka yaMwari. Nokuti areka yaMwari nezuva iro yaiva kuvana vaIsraeri.

19 Zvino zvakaitika Sauro achataurirana nemupristi, kuti ruzha rwaiva pamusasa wevaFirisitia rwakaenderera mberi uye rwuchikura. Sauro ndokuti kumupristi: Dzosa ruoko rwako.

20 Zvino Sauro nevanhu vose vaiva naye vakaungana, vakauya pahondo, zvino tarira, munondo weumwe neumwe uchirwa newekwake, nyonga-nyonga huru kwazvo.

21 Pamusoro pazvo vaHebheru vaiva kuvaFirisitia sazuro namarimwezuro, ivo vakakwira navo kumusasa kupoteredza, naivowo vakabatana naIsraeri waiva naSauro naJonatani.

22 Zvino varume vose vaIsraeri vaiva vakavanda kugomo raEfuremu vanzwa kuti vaFirisitia votiza, naivowo vakavateverera zvakaoma pahondo.

23 Naizvozvo Jehovha akaponesa Israeri nemusi uyo; kurwa kukapfuura nepaBheti-Avheni.

24 Zvino varume vaIsraeri vakamanikidzwa nezuva iro, nokuti Sauro wakapikisa vanhu achiti: Ngaatukwe munhu anodya zvekudya kusvika madekwani, kuti ndizvitsivire vavengi vangu. Naizvozvo hakuna pavanhu wakaravira zvekudya.

25 Zvino nyika yose yakasvika padondo, uye paiva neuchi pachiso chepasi.

26 Zvino vanhu vakapinda mudondo, zvino tarira, uchi hwakayerera; asi hakuna wakaisa ruoko rwake kumuromo wake, nokuti vanhu vakatya mhiko.

27 Asi Jonatani waiva asina kunzwa baba vake vachiraira vanhu nekupika; naizvozvo akatandavadza muromo wetsvimbo yaiva iri muruoko rwake, ndokuinyika muzinga reuchi, ndokudzosera ruoko rwake kumuromo wake, meso ake azarurirwa.

28 Ipapo umwe wevanhu akapindura ndokuti: Baba vako vakaraira vanhu kwazvo nekupika vachiti: Munhu anodya zvekudya nhasi ngaatukwe. Asi vanhu vaiva vaziya.

29 Zvino Jonatani akati: Baba vangu vanetsa nyika. Chionai henyu, meso angu azarurirwa sei, nokuti ndaravira uchi uhu ushoma.

30 Ndoda kana nhasi vanhu vaiva vatenderwa kudya kwazvo zvezvakapambiwa zvevavengi vavo zvavakawana! Asi zvino kuuraya hakuna kuva kukuru pakati pevaFirisitia.

31 Nemusi uyo vakauraya pakati pevaFirisitia kubva paMikimashi kusvika paAjaroni; vanhu vakaziya kwazvo.

32 Vanhu vakavhazukira zvakapambiwa, vakatora makwai nemombe nemhuru, vakazviurayira pasi; vanhu vakazvidya pamwe neropa.

33 Zvino vakaudza Sauro vachiti: Tarirai, vanhu vanotadzira Jehovha, nokuti vanodya pamwe neropa. Iye ndokuti: Makaita nekusatendeka; ndikungurusirei ibwe guru nhasi.

34 Zvino Sauro wakati: Pararirai pakati pevanhu, muti kwavari: Umwe neumwe ngaauye kwandiri nenzombe yake, uye umwe neumwe negwai rake, azviurayire pano, adye; asi murege kutadzira Jehovha muchidya pamwe neropa. Zvino vanhu vose vakauya usiku uhwo umwe neumwe nenzombe yake muruoko rwake, vakadziurayirapo.

35 Sauro akavakira Jehovha aritari; iyi yaiva aritari yekutanga yaakavakira Jehovha.

36 Zvino Sauro wakati: Ngatiburuke titevere vaFirisitia usiku, tigovapambara kusvika pachiedza chemangwanani. Uye ngatirege kusiya munhu kwavari. Ivo ndokuti: Itai chipi nechipi chakanaka pameso enyu. Mupristi ndokuti: Ngatiswedere kuna Mwari pano.

37 Sauro ndokubvunza Mwari: Ndoburuka nditevere vaFirisitia here? Muchavapa muruoko rwaIsraeri here? Asi haana kumupindura nezuva iroro.

38 Sauro ndokuti: Swederai pano, vose vakuru vevanhu, kuti muzive uye muone kuti chivi ichi chiri papi nhasi?

39 Nokuti Jehovha mupenyu, iye anoponesa Israeri, kunyange chiri kuna Jonatani mwanakomana wangu, achafa zvirokwazvo. Asi hakuna wakamupindura pakati pevanhu vose.

40 Zvino wakati kuna Israeri wese: Imwi ivai kurutivi rwumwe, neni naJonatani mwanakomana wangu tichava kune rumwe rutivi. Vanhu ndokuti kuna Sauro: Itai zvakanaka pameso enyu.

41 Zvino Sauro wakati kuna Jehovha, Mwari waIsraeri: Ipai wakakwana. Zvino Jonatani naSauro vakabatwa, asi vanhu vakabuda.

42 Zvino Sauro wakati: Kandai mujenya pakati pangu naJonatani mwanakomana wangu. Jonatani ndokubatwa.

43 Zvino Sauro wakati kuna Jonatani: Ndiudze chawaita. Jonatani ndokumuudza ndokuti: Pachokwadi ndakaravira uchi ushoma nemucheto wetsvimbo yaiva muruoko rwangu; tarirai ndinofanira kufa.

44 Sauro ndokuti: Mwari ngaaite saizvozvo uye ngaawedzere saizvozvo, nokuti uchafa zvekufa, Jonatani.

45 Zvino vanhu vakati kuna Sauro: Jonatani achafa here, iye wakaita ruponeso rukuru urwu kwaIsraeri? Ngazvive kure! Neupenyu hwaJehovha, hakungawiri pasi ruvhudzi rumwe rwemusoro wake; nokuti wabata pamwe naMwari nhasi. Naizvozvo vanhu vakadzikinura Jonatani kuti asafa.

46 Zvino Sauro wakakwira kubva pakutevera vaFirisitia; vaFirisitia ndokuenda kunzvimbo yavo.

47 Zvino Sauro wakatora umambo paIsraeri; ndokurwa nevavengi vake vose kunhivi dzose, kurwisa Moabhu, uye kurwisa vana vaAmoni, uye kurwisa Edhomu, uye kurwisa madzimambo aZoba, nekurwisa vaFirisitia; nepose paakatendeukira, wairanga.

48 Zvino wakaita neugamba ndokurova vaAmareki, ndokununura Israeri paruoko rwemupambi wake.

49 Zvino vanakomana vaSauro vaiva Jonatani, naIshivi, naMariki-Shua; nemazita evanasikana vake vaviri: Zita redangwe raiva Merabhi, nezita remudiki Mikari.

50 Zvino zita remukadzi waSauro raiva Ahinowamu mwanasikana waAhimaazi; nezita remusoro wehondo yake raiva Abhineri mwanakomana waNeri, babamunini vaSauro.

51 Zvino Kishi waiva baba vaSauro; naNeri baba vaAbhineri waiva mwanakomana waAbhieri.

52 Zvino paiva nehondo yakasimba kurwisa vaFirisitia mazuva ose aSauro. Zvino Sauro waiti akaona murume upi neupi ane simba kana murume upi neupi ane umhare, wakamuunganidza kwaari.