ShonaTeam 1 Samuel « 11 »

Sauro anokunda vaAmoni

11Zvino Nahashi muAmoni wakakwira ndokuvaka musasa pakatarisana neJabheshi-Giriyadhi. Zvino varume vose veJabheshi vakati kuna Nahashi: Ita sungano nesu, zvino tichakushumira.

2 Nahashi muAmoni ndokuti kwavari: Ndichaita sungano nemwi apa chete, kuti nditumbure ziso renyu rose rerudyi, uye ndokuchiisa kuva chinyadzo pana Israeri wose.

3 Zvino vakuru veJabheshi vakati kwaari: Tiregei mazuva manomwe kuti titume nhume kumuganhu wose waIsraeri; zvino kana pasina angatiponesa, tichabuda kuuya kwauri.

4 Zvino nhume dzikasvika paGibhiya raSauro, ndokutaura mashoko munzeve dzevanhu. Vanhu vose ndokusimudza inzwi ravo ndokuchema misodzi.

5 Zvino tarira, Sauro wakauya shure kwenzombe kubva kumunda; Sauro ndokuti: Chii kuvanhu kuti vacheme? Zvino vakamuudza mashoko evarume veJabheshi.

6 Zvino Mweya waMwari wakauya nesimba pamusoro paSauro paakanzwa mashoko awa; hasha dzake ndokupfuta zvikuru.

7 Zvino wakatora nzombe mbiri, ndokudzigura kuita nhindi, ndokutumira kumuganhu wose waIsraeri neruoko rwenhume achiti: Ani nani asingabudi kutevera Sauro nekutevera Samueri, zvichaitwa saizvozvo kunzombe dzake. Zvino kutya Jehovha kwakawira pavanhu, zvino vakabuda semunhu umwe.

8 Paaivaverenga paBhezeki, vana vaIsraeri vakava zvuru mazana matatu, uye varume vaJudha zvuru makumi matatu.

9 Zvino vakati kunhume dzakauya: Muchaudza varume veJabheshi-Giriyadhi seizvi: Mangwana zuva ropisa muchava neruponeso. Pakasvika nhume ndokuudza varume veJabheshi, ivo vakafara.

10 Naizvozvo varume veJabheshi vakati: Mangwana tichabuda kwamuri, mutiitire zvinoenderana nezvose zvakanaka pameso enyu.

11 Zvino zvakaitika chifume kuti Sauro wakaisa vanhu mumapoka matatu; ivo ndokupinda pakati pemusasa pamurindiro wemangwanani, ndokuuraya vaAmoni kusvika pakupisa kwezuva. Zvino zvakaitika kuti avo vakasara vakapararira, uye hakuna kusiiwa kwavari vaviri vari pamwe.

12 Zvino vanhu vakati kuna Samueri: Ndiani wakati: Sauro achatonga here pamusoro pedu? Ipai varume avo, tivauraye.

13 Sauro ndokuti: Hakungaurawi munhu nezuva rino, nokuti nhasi Jehovha waita ruponeso kwaIsraeri.

14 Zvino Samueri wakati kuvanhu: Uyai tiende kuGirigari, tinovandudza umambo ipapo.

15 Vanhu vose ndokuenda kuGirigari, vakaita Sauro ave mambo pamberi paJehovha paGirigari. Zvino ipapo vakabaira zvibairo zvezvipo zvekuyananisa pamberi paJehovha; ipapo Sauro nevarume vose vaIsraeri vakafara zvikuru kwazvo.