ShonaTeam 1 Samuel « 10 »

10Zvino Samueri wakatora chinu chemafuta, ndokudurura pamusoro wake, ndokumutsvoda, ndokuti: Hakusi nekuda kwekuti Jehovha wakakuzodza kuti uve mutungamiriri pamusoro penhaka yake here?

2 Kana wabva pandiri nhasi, zvino uchawana varume vaviri paguva raRakeri, pamuganhu waBhenjamini paZeriza; zvino vachati kwauri: Mbongoro hadzi dzawakaenda kunotsvaka dzawanikwa; zvino tarira, baba vako vasiya nyaya dzembongoro hadzi, asi votya pamusoro penyu, vachiti: Ndichaita sei nekuda kwemwanakomana wangu?

3 Kana wapfuurira mberi kubvapo, uchasvikawo pamuouki weTabhori, varume vatatu vagosanganapo newe vanokwira kuna Mwari kuBheteri; umwe akatakura mbudzana nhatu, uye umwe akatakura mapundu matatu echingwa, uye umwe akatakura dende rewaini.

4 Zvino vachakubvunza upenyu, ndokukupa zvingwa zviviri, zvauchagamuchira paruoko rwavo.

5 Shure kweizvozvo uchasvika pachikomo chaMwari, pane boka revarwi revaFirisitia. Zvino zvichaitika pauchasvikapo paguta, kuti uchasangana neboka revaporofita vachiburuka kubva kunzvimbo yakakwirira, uye mberi kwavo kune mutengeranwa, nengoma, nenyere, nembira, vachiporofita.

6 Zvino Mweya waJehovha achauya nesimba pamusoro pako, ugoporofita pamwe navo, uye uchashanduka kuva umwe munhu.

7 Zvino kuchati zviratidzo izvi pazvinokusvikira, iwe ita ruoko rwako zvarwuchawana, nokuti Mwari anewe.

8 Zvino uchaburuka mberi kwangu uende kuGirigari; zvino tarira, ndichaburukira kwauri kuti ndipe zvipo zvinopiswa, ndibaye chibairo chezvipo zvekuyananisa; ucharinda mazuva manomwe kusvika ndasvika kwauri ndigokuudza zvauchaita.

9 Zvino kwakati paakafuratira kuti abve kuna Samueri, Mwari wakamupa umwe moyo; zvino zviratidzo izvi zvose zvikauya nemusi uyo.

10 Pavakasvikapo pachikomo, tarira, boka revaporofita rakamuchingamidza; Mweya waMwari ndokuuya nesimba pamusoro pake; zvino wakaporofita pakati pavo.

11 Zvino zvakaitika, vose vaimuziva zuro namarimwezuro pavakaona kuti, tarira, anoporofita pamwe nevaporofita, vanhu vakati umwe kune umwe: Chii ichi chawira mwanakomana waKishi? Ko Saurowo uri pakati pevaporofita?

12 Zvino umwe wepo wakapindura, ndokuti: Asi ndiani baba vavo? Naizvozvo yakava tsumo kuti: Ko Saurowo uri pakati pevaporofita?

13 Zvino apedza kuporofita wakasvika panzvimbo yakakwirira.

14 Zvino babamunini vaSauro vakati kwaari nekumuranda wake: Maiva maendepi? Iye ndokuti: Kunotsvaka mbongoro hadzi; zvino taona kuti hadziko, takasvika kuna Samueri.

15 Babamunini vaSauro ndokuti: Ndiudze hako Samueri zvaakataura kwamuri.

16 Sauro ndokuti kuna babamunini vake: Wakatiudza pachena kuti mbongoro hadzi dzawanikwa. Asi nyaya yeumambo Samueri yaakataura, haana kumuudza.

17 Zvino Samueri wakadanira vanhu pamwe kuna Jehovha paMizipa.

18 Ndokuti kuvana vaIsraeri: Anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri: Ini ndakakwidza Israeri kubva paEgipita, ndikakununurai kubva muruoko rwevaEgipita, neparuoko rweumambo hwose hwaikumanikidzai.

19 Asi nhasi imwi maramba Mwari wenyu, iye amene anokuponesai panjodzi dzenyu dzose nenhamo dzenyu, uye mati kwaari: Kwete, isai mambo pamusoro pedu. Zvino ikozvino, zvimisei pamberi paJehovha maererano nemarudzi enyu uye maererano nezvuru zvenyu.

20 Zvino Samueri wakaswededza marudzi ose aIsraeri, rudzi rwaBhenjamini ndokubatwa.

21 Akaswededza rudzi rwaBhenjamini maererano nemhuri dzavo, mhuri yaMatiri ndokubatwa; zvino Sauro mwanakomana waKishi wakabatwa. Vakati vachimutsvaka haana kuwanikwa.

22 Naizvozvo vakabvunzazve kuna Jehovha kuti munhu uyu achazosvika pano here? Jehovha ndokuti: Tarirai, wakavanda panhumbi.

23 Zvino vakamhanya ndokumutorapo; wakati azvimisa pakati pevanhu, waiva akareba kupfuura vanhu vose kubva pafudzi rake zvichikwira.

24 Samueri ndokuti kuvanhu vese: Munomuona iye Jehovha waakasarudza, kuti hakuna wakaita saiye pakati pevanhu vose here? Vanhu vose ndokudanidzira ndokuti: Mambo ngaararame.

25 Zvino Samueri wakaudza vanhu nzira yeumambo, ndokunyora mubhuku, ndokuisa pamberi paJehovha. Samueri ndokuendesa vanhu vose, umwe neumwe kumba kwake.

26 NaSaurowo wakaenda kumba kwake kuGibhiya; uye kwakaenda pamwe naye mhare dzemoyo yavo Jehovha yaaiva abata.

27 Asi vana vaBheriari vakati: Uyu angatiponesa sei? Zvino vakamushora, uye havana kumuvigira chipo. Asi wakazvinyararira.