ShonaTeam 1 Samuel « 9 »

Sauro anozodzwa naSamueri

9Zvino kwaiva nemurume waBhenjamini, wezita rake raiva Kishi, mwanakomana waAbhieri, mwanakomana waZerori, mwanakomana waBhekorati, mwanakomana waAfia, muBhenjamini, murume wesimba neumhare.

2 Zvino waiva nemwanakomana, wezita rake raiva Sauro, uye jaya rakanaka; kwaiva kusina munhu pakati pevana vaIsraeri wakanaka kumukunda; kubva pamafudzi ake zvichikwira waiva akareba kupfuura vanhu vose.

3 Zvino mbongoro hadzi dzaKishi baba vaSauro dzakarasika. Kishi ndokuti kuna Sauro mwanakomana wake: Tora hako pamwe newe umwe wevaranda, ugosimuka uende unotsvaka mbongoro hadzi.

4 Zvino wakagura nemugomo raEfuremu, ndokugura nemunyika yeSharisha, asi havana kudziwana. Vakagura nemunyika yeShaarimu, asi dzaiva dzisiko. Zvino wakagura nemunyika yaBhenjamini, asi havana kudziwana.

5 Ivo vasvika kunyika yeZufi, Sauro ndokuti kumuranda wake waiva naye: Uya tidzokere; zvimwe baba vangu vangasiya mbongoro hadzi vakashungurudzikira isu.

6 Iye ndokuti kwaari: Tarirai henyu, mune munhu waMwari muguta rino, uye munhu anokudzwa; zvose zvaanotaura zvinoitika zvirokwazvo. Ikozvino hendei ikoko, zvimwe angatiudza nzira yedu yatingafamba nayo.

7 Zvino Sauro wakati kumuranda wake: Asi tarira, kana tichienda, tichamuvigirei munhu uyo? Nokuti chingwa hachisisimo mumidziyo yedu; uye hapana chipo chekuunza kumunhu waMwari. Tinei?

8 Muranda ndokupindurazve kuna Sauro ndokuti: Tarirai, kwawanikwa muruoko rwangu chechina cheshekeri resirivha; zvino ndichapa munhu waMwari kuti atiudze nzira yedu.

9 (Kare kwaIsraeri kana munhu achinobvunza Mwari, waitaura seizvi: Uyai tiende kumuvoni; nokuti uyo ari muporofita nhasi kutanga waidaidzwa kuti muvoni).

10 Zvino Sauro wakati kumuranda wake: Shoko rako rakanaka, uya tiende. Naizvozvo vakaenda kuguta kwaiva nemunhu waMwari.

11 Vakakwira nepamukwidza weguta, ivo ndokuwana vasikana vachibuda kunochera mvura, ndokuti kwavari: Muvoni ari pano here?

12 Zvino vakavapindura ndokuti: Aripo, tarirai ari pamberi penyu; kurumidzai ikozvino, nokuti wasvika muguta nhasi; nokuti vanhu vane chibairo nhasi panzvimbo yakakwirira.

13 Pamunongopinda muguta, muchamuwana pakarepo asati akwira kunzvimbo yakakwirira kunodya; nokuti vanhu havangadyi kusvika asvika, nokuti ndiye anoropafadza chibairo; pashure vakakokwa vanodya. Naizvozvo kwirai zvino, nokuti muchamuwana iye nenguva inenge ino.

14 Zvino vakakwira kuguta; pakupinda kwavo muguta, tarira, Samueri wakabuda kuvachingamidza kuti akwire kunzvimbo yakakwirira.

15 Zvino Jehovha waiva aratidza munzeve yaSamueri zuva rimwe rakatangira kusvika kwaSauro, achiti:

16 Mangwana nenguva inenge ino ndichatuma kwauri munhu anobva kunyika yaBhenjamini; zvino iwe uchamuzodza kuva mutungamiriri pamusoro pevanhu vangu Israeri, kuti aponese vanhu vangu kubva muruoko rwevaFirisitia; nokuti ndakatarira vanhu vangu, nokuti kuchema kwavo kwakasvika kwandiri.

17 Samueri wakati achiona Sauro, Jehovha wakamupindura: Tarira munhu wandakataura nezvake kwauri. Uyu achatonga pamusoro pevanhu vangu.

18 Zvino Sauro wakaswedera kuna Samueri pakati pesuwo ndokuti: Ndiudzeiwo, imba yemuvoni iripi?

19 Samueri ndokupindura Sauro ndokuti: Ndini muvoni; kwira mberi kwangu uende panzvimbo yakakwirira, nokuti muchadya neni nhasi; zvino mangwana ndichakurega uende, uye ndichakuudza zvose zviri pamoyo pako.

20 Zvino kana dziri mbongoro hadzi dzako dzarasika kwauri nhasi ava mazuva matatu, usaisa moyo wako padziri, nokuti dzawanikwa. Asi zviri kuna ani zvishuvo zvose zvaIsraeri? Hazvisi kwauri nekuimba yose yababa vako here?

21 Sauro ndokupindura ndokuti: Handisi muBhenjamini werudikisa rwemarudzi aIsraeri here? Uye mhuri yangu idiki kumhuri dzose dzemarudzi aBhenjamini? Munotaurirei saizvozvo kwandiri?

22 Zvino Samueri wakatora Sauro nemuranda wake, ndokuvapinza muimba, ndokuvapa nzvimbo pamusoro pevakakokwa, ivo vainge vanhu makumi matatu.

23 Zvino Samueri wakati kumubiki: Unza mugove wandakakupa, wandakareva kwauri ndichiti: Uise kwauri.

24 Zvino mubiki wakasimudza chidzva nezvaiva pachiri ndokuisa pamberi paSauro. Samueri ndokuti: Tarira, chakasara, chiise pamberi pako, idya, nokuti chakaisirwa iwe kusvika nguva ino yakatarwa; zvandati: Ndakoka vanhu. Sauro ndokudya naSamueri nezuva iroro.

25 Vakati vaburuka panzvimbo yakakwirira kupinda muguta, iye wakataura naSauro padenga reimba.

26 Zvino vakamuka mangwanani. Zvino zvakaitika anenge mambakwedza, kuti Samueri wakadana Sauro padenga reimba achiti: Simuka kuti ndikurege uende. Sauro ndokusimuka, zvino vakabuda vari vaviri, iye naSamueri, vakabuda panze.

27 Vakati voburuka pamugumo weguta, Samueri ndokuti kuna Sauro: Udza muranda apfuurire mberi kwedu (iye ndokupfuurira); asi iwe mira nhasi, kuti ndikunzwise shoko raMwari.