ShonaTeam 1 Samuel « 8 »

Vana vaIsraeri vanoda mambo

8Zvino zvakaitika Samueri paaiva akwegura kuti wakaisa vanakomana vake kuti vave vatongi pamusoro paIsraeri.

2 Zvino zita remwanakomana wake wedangwe raiva Joweri, nezita rewechipiri wake Abhija; vaiva vatongi paBheeri-Shebha.

3 Asi vanakomana vake havana kufamba munzira dzake, asi vakatsaukira kumubairo wakaipa, vakagamuchira fufuro, nekutsausa mutongo.

4 Zvino vakuru vose vaIsraeri vakaungana ndokuuya kuna Samueri paRama,

5 ndokuti kwaari: Tarirai, imwi makwegura, uye vanakomana venyu havafambi munzira dzenyu; naizvozvo tiisirei mambo kuti atitonge sezvakaita ndudzi dzose.

6 Asi chinhu ichi chaiva chakaipa pameso aSamueri pavaiti: Tipei mambo kutitonga. Samueri ndokunyengetera kuna Jehovha.

7 Jehovha ndokuti kuna Samueri: Teerera kuinzwi revanhu pazvose zvavanoreva kwauri; nokuti iwe havana kukuramba, asi ini vakandiramba kuti ndirege kutonga pamusoro pavo.

8 Zvichienderana nemabasa ose avakaita kubva pazuva randakavakwidza kubva muEgipita kusvikawo pazuva rino, ravakandisiya naro ndokushumira vamwe vamwari, vakaita saizvozvowo kwauri.

9 Naizvozvo ikozvino teerera kuinzwi ravo; asi kana uchivapupurira kwazvo, uvazivise nzira yamambo achatonga pamusoro pavo.

10 Zvino Samueri wakataura mashoko ose aJehovha kuvanhu vaimukumbira mambo.

11 Iye ndokuti: Iyi ichava nzira yamambo achatonga pamusoro penyu: Achatora vanakomana venyu, agozviisira ivo pangoro yake nepavatasvi vake vemabhiza, vagomhanya pamberi pengoro yake.

12 Uye achazviisira ivo vave misoro yezvuru nemisoro yemakumi mashanu, nekurima minda yake, uye kukohwa goho rake, nekuita zvombo zvake zvehondo, nezvombo zvengoro dzake.

13 Zvino achatora vanasikana venyu vave vagadziri vezvinonhuhwira, nevabiki, uye vabiki vezvingwa.

14 Zvino achatora minda yenyu neminda yenyu yemizambiringa neminda yenyu yemiorivhi yakanakisisa, ndokupa varanda vake.

15 Achatorawo chegumi chembeu yenyu necheminda yenyu yemizambiringa ndokupa kuvatenwa vake nekuvaranda vake.

16 Zvino achatora varandarume venyu nevarandakadzi venyu nemajaya enyu akanakisisa nembongoro dzenyu, ndokuisa pabasa rake.

17 Achatora chegumi chemapoka enyu emakwai; nemwi muchava varanda vake.

18 Zvino muchachema nezuva iro nekuda kwamambo wenyu wamuchazvisarudzira; asi Jehovha haangakupindurii nezuva iro.

19 Asi vanhu vakaramba kuteerera kuinzwi raSamueri, ndokuti: Kwete, asi pachava namambo pamusoro pedu;

20 kuti nesu tive semarudzi ese; uye mambo wedu achatitonga, agobuda mberi kwedu, nekurwa hondo dzedu.

21 Samueri ndokunzwa mashoko ose evanhu, ndokuarondedzera munzeve dzaJehovha.

22 Zvino Jehovha wakati kuna Samueri: Teerera kuinzwi ravo, ugovaisira mambo. Samueri ndokuti kuvarume vaIsraeri: Endai, umwe neumwe kuguta rake.