ShonaTeam 1 Samuel « 7 »

7Zvino varume veKiriati-Jearimi vakauya ndokukwidza areka yaJehovha, ndokuiunza mumba maAbhinadhabhu pachikomo. Zvino vakaita mutsvene Eriazari mwanakomana wake kuti achengete areka yaJehovha.

VaFirisitia vanokundwa paMizipa

2 Zvino zvakaitika kubva pazuva areka rayakagara paKiriati-Jearimi, kuti mazuva akawanda, nokuti akava makore makumi maviri; imba yose yaIsraeri ndokuchema ichitevera Jehovha.

3 Zvino Samueri wakataura kuimba yose yaIsraeri achiti: Kana mukadzokera kuna Jehovha nemoyo wenyu wose, bvisai vamwari vevatorwa pakati penyu uye vaAshitaroti, mururamisire moyo wenyu kuna Jehovha, mumushumire iye ega; zvino achakununurai paruoko rwevaFirisitia.

4 Zvino vana vaIsraeri vakabvisa vana Bhaari nevaAshitaroti, ndokushumira Jehovha ega.

5 Zvino Samueri wakati: Unganidzai Israeri wose paMizipa, zvino ndichakunyengetererai kuna Jehovha.

6 Zvino vakaungana paMizipa, ndokuchera mvura ndokudururira pamberi paJehovha, ndokutsanya nezuva iroro, ndokuti ipapo: Takatadzira Jehovha. Samueri ndokutonga vana vaIsraeri paMizipa.

7 VaFirisitia vakati vanzwa kuti vana vaIsraeri vaiva vaungana paMizipa, madzishe evaFirisitia akakwira kurwisa Israeri. Vana vaIsraeri pavakanzwa, vakatya vaFirisitia.

8 Zvino vana vaIsraeri vakati kuna Samueri: Musanyarara kutichemera kuna Jehovha Mwari wedu, kuti atiponese paruoko rwevaFirisitia.

9 Zvino Samueri wakatora gwayana rinoyamwa ndokuripa rose kuna Jehovha kuva chipo chinopiswa. Samueri ndokuchema kuna Jehovha pamusoro paIsraeri; Jehovha ndokumupindura.

10 Samueri wakati achapa chipo chinopiswa, vaFirisitia vakaswedera kuhondo kurwisa Israeri; asi Jehovha wakatinhira nemutinhiro mukuru pamusoro pevaFirisitia nezuva iroro, ndokuvavhiringidza; zvino vakarohwa pamberi paIsraeri.

11 Zvino varume vaIsraeri vakabuda kubva paMizipa, ndokudzingirira vaFirisitia, ndokuvarova kusvika pazasi peBhetikari.

12 Zvino Samueri wakatora ibwe ndokuisa pakati peMizipa neSheni, ndokutumidza zita raro Ebheni-Ezeri, ndokuti: Kusvika pano Jehovha wakatibatsira.

13 Naizvozvo vaFirisitia vakawisirwa pasi vakasazouyazve mumuganhu waIsraeri. Zvino ruoko rwaJehovha rwakarwisa vaFirisitia mazuva ose aSamueri.

14 Nemaguta vaFirisitia avaiva vatorera Israeri akadzoserwa kuna Israeri, kubva paEkironi kusvikawo paGati; nemiganhu yavo Israeri wakanunura kubva muruoko rwevaFirisitia. Zvino kwakava nerugare pakati pevaIsraeri nevaAmori.

15 Zvino Samueri wakatonga Israeri mazuva ose eupenyu hwake.

16 Zvino waienda gore negore kupotedza Bheteri neGirigari neMizipa, ndokutonga Israeri panzvimbo idzo dzose.

17 Nekudzokera kwake kwaiva kuRama, nokuti imba yake yaiva ipapo, uye ipapo waitonga Israeri; uye wakavakira Jehovha aritari ipapo.