ShonaTeam 1 Samuel « 6 »

Areka inodzoswa kuvaIsraeri

6Zvino areka yaJehovha yakava munyika yevaFirisitia mwedzi minomwe.

2 VaFirisitia ndokudana vapristi nevavuki vachiti: Tichaitei kuareka yaJehovha? Tizivisei kuti tichaituma nei kunzvimbo yayo.

3 Zvino vakati: Kana muchitumira areka yaMwari waIsraeri, musaitumira isina chinhu; asi muchadzosera zvekudzosera kwaari chipo chemhosva; ipapo muchaporeswa; zvino zvichazikanwa kwamuri kuti sei ruoko rwake rwusingabvi kubva kwamuri.

4 Zvino vakati: Chii chipo chemhosva chatichadzosera kwaari? Zvino vakati: Mamota mashanu egoridhe, nemakonzo mashanu egoridhe, zvichienderana neuwandu hwemachinda evaFirisitia; nokuti kwaiva nedambudziko rimwe kwamuri mose nekumachinda enyu.

5 Naizvozvo muchaita mifananidzo yemamota enyu nemifananidzo yemakonzo enyu anotadzira nyika, zvino muchapa rumbidzo kuna Mwari waIsraeri; zvimwe ucharerusa ruoko rwake kubva pamusoro penyu, nekubva pamusoro pavamwari venyu, nekubva pamusoro penyika yenyu.

6 Naizvozvo muchanoomeserei moyo wenyu sevaEgipita naFarao vakaomesa moyo wavo? Shure kwekunge aita zvinorwadza kwavari, havana kuvarega here kuti vaende, ivo ndokuenda?

7 Zvino ikozvino, torai mugadzire ngoro itsva imwe nemhou mbiri dzinoyamwisa pasina kuuya joko pamusoro padzo, mugosunga mhou pangoro, mugodzosesa mhuru dzadzo kumba dzibve shure kwadzo.

8 Zvino torai areka yaJehovha mugoiisa pangoro; nemidziyo yegoridhe zvamadzosera kwaari zvive chipo chemhosva, mudziise mubhokisi parutivi rwayo, mugoituma iende.

9 Muone kana ichikwira nenzira yemuganhu wayo unoenda kuBheti-Shemeshi, ndiye wakatiitira njodzi huru iyi; asi kana isingadaro, tichaziva kuti harusi ruoko rwake rwakatirova; inongova njodzi yatiwira.

10 Zvino varume vakaita saizvozvo; ndokutora mhou mbiri dzaiyamwisa, ndokudzisunga pangoro, ndokupfigira mhuru dzadzo kumusha.

11 Zvino vakaisa areka yaJehovha pamusoro pengoro, nebhokisi, nemakonzo egoridhe, nemifananidzo yemamota avo.

12 Zvino mhou dzakarurama panzira, nenzira yeBheti-Shemeshi, dzikafamba nenzira huru imwe, dzikaenda dzichikuma; uye hadzina kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe; madzishe evaFirisitia ndokudzitevera kusvika kumuganhu weBheti-Shemeshi.

13 Zvino veBheti-Shemeshi vaiva vachicheka goho regorosi mumupata; pavakasimudza meso avo ndokuona areka, zvino vakafara kuiona.

14 Zvino ngoro yakasvika pamunda waJoshua muBheti-Shemeshi ndokumirapo; zvino paiva nebwe guru; zvino vakatsemura matanda engoro, vakapa mhou ndokuva chipo chinopiswa kuna Jehovha.

15 Zvino vaRevhi vakaburusa areka yaJehovha, nebhokisi raiva nayo, maiva nemidziyo yegoridhe, ndokuisa pabwe guru; varume veBheti-Shemeshi ndokupa zvipo zvinopiswa nekubaira zvibairo nezuva iroro kuna Jehovha.

16 Madzishe mashanu evaFirisitia akati aona izvozvo, akadzokera Ekironi nezuva iroro.

17 Zvino awa mamota anoputika egoridhe vaFirisitia avakadzosera kuva chipo chemhosva kuna Jehovha; reAshidhodhi rimwe, reGaza rimwe, reAshikeroni rimwe, reGati rimwe, reEkironi rimwe;

18 nemakonzo egoridhe aienderana neuwandu hwemaguta ose evaFirisitia emachinda mashanu, kubva kuguta rakashoshewa kusvika kumisha midiki yekuruwa, kusvikawo kubwe guru Abheri ravakaisa areka yaJehovha pamusoro paro, kusvika nhasi, pamunda waJoshua muBheti-Shemeshi.

19 Zvino wakarova vamwe pavarume veBheti-Shemeshi, nokuti vaiva vatarira mukati meareka yaJehovha; akarovawo varume zvuru makumi mashanu nemakumi manomwe pavanhu. Zvino vanhu vakachema nokuti Jehovha wakarova pakati pevanhu nekurova kukuru.

20 Zvino varume veBheti-Shemeshi vakati: Ndiani anogona kumira pamberi paJehovha, Mwari uyu mutsvene? Uye achakwira kuna ani achibva kwatiri?

21 Ipapo vakatuma nhume kuvagari veKiriati-Jearimi vachiti: VaFirisitia vadzosa areka yaJehovha; burukai muikwidze kwamuri.