ShonaTeam 1 Samuel « 5 »

Areka yaJehovha panyika yevaFirisitia

5Zvino vaFirisitia vakatora areka yaMwari, ndokubva nayo paEbheni-Ezeri ndokuiuisa paAshidhodhi.

2 Zvino vaFirisitia vakatora areka yaMwari ndokuipinza mumba maDhagoni, ndokuiisa pana Dhagoni.

3 VaAshidhodhi vakati vachimuka mangwanani-ngwanani, tarira, Dhagoni wawira pasi nechiso chake pamberi peareka yaJehovha. Zvino vakatora Dhagoni ndokumuisazve panzvimbo yake.

4 Mangwana vakati vachimuka mangwanani-ngwanani, tarira, Dhagoni wawira pasi nechiso chake pamberi peareka yaJehovha; nemusoro waDhagoni nezvanza zviri zviviri zvemaoko ake zvaiva zvavhuniwa pachikumbaridzo; muviri waDhagoni wega wakasara paari.

5 Naizvozvo vapristi vaDhagoni nevose vanopinda mumba maDhagoni havatsiki pachikumbaridzo chaDhagoni paAshidhodhi kusvika nhasi.

6 Asi ruoko rwaJehovha rwakarema pamusoro pevaAshidhodhi, iye ndokuvaparadza, ndokuvarova nemamota, Ashidhodhi nemuganhu wayo.

7 Vanhu veAshidhodhi vakati vachiona kuti zvakadaro vakati: Areka yaMwari waIsraeri haingagari pakati pedu; nokuti ruoko rwake rwunorema pamusoro pedu uye pamusoro paDhagoni mwari wedu.

8 Naizvozvo vakatuma nhume ndokuunganidza kwavari machinda ose evaFirisitia, ndokuti: Tichaitei kuareka yaMwari waIsraeri? Zvino vakati: Areka yaMwari waIsraeri ngaipote iende kuGati. Zvino vakapotesa areka yaMwari waIsraeri ikoko.

9 Zvino vakati vaipotesa, ruoko rwaJehovha rwakarwisa guta nechakaipa chikuru kwazvo. Zvino wakarova varume veguta, kubva kumudiki kusvikawo kumukuru, zvino kwakaputika mamota kwavari.

10 Zvino vakatumira areka yaMwari kuEkironi. Zvino zvakaitika areka yaMwari payakasvika paEkironi kuti VaEkironi vakachema vachiti: Vakapotedza kuunza areka yaMwari waIsraeri kwandiri kundiuraya ini nevanhu vangu.

11 Naizvozvo vakatuma nhume ndokuunganidza machinda ose evaFirisitia, ndokuti: Tumai areka yaMwari waIsraeri, kuti idzokere kunzvimbo yayo, kuti irege kundiuraya ini nevanhu vangu. Nokuti kwaiva nedambudziko rerufu paguta rese; ruoko rwaMwari rwairema kwazvo ipapo.

12 Zvino vanhu vasina kufa vakarohwa nemamota; kuchema kweguta ndokukwira kumatenga.