ShonaTeam 1 Samuel « 4 »

VaFirisitia vanokunda vaIsraeri

4Zvino shoko raSamueri rakasvika kuna Israeri wose. Zvino Israeri wakabuda kunorwisana nevaFirisitia pahondo, ndokudzika matende nechepaEbheni-Ezeri. VaFirisitia ndokudzika matende paAfeki.

2 VaFirisitia vakazvirongedzera kurwisa Israeri. Hondo yakati yotandavara, Israeri wakarohwa pamberi pevaFirisitia; uye vakauraya pamudungwe musango varume vanenge zvuru zvina.

3 Vanhu vakati vasvika kumusasa, vakuru vaIsraeri vakati: Jehovha wakatiroverei nhasi pamberi pevaFirisitia? Ngatizvitorerei areka yesungano yaJehovha kubva paShiro; kana ikauya pakati pedu ichatiponesa paruoko rwevavengi vedu.

4 Naizvozvo vanhu vakatuma nhume kuShiro kuti vanotorapo areka yesungano yaJehovha wehondo, igere pamakerubhi; uye vanakomana vaviri vaEri Hofini naPinehasi vaiva varipo neareka yesungano yaMwari.

5 Zvino zvakaitika pakusvika kweareka yesungano yaJehovha pamusasa, kuti Israeri wose wakapururudza nemupururu mukuru, nyika ndokutinhira.

6 Zvino vaFirisitia vachinzwa inzwi remupururu ndokuti: Inzwi iri remupururu mukuru mumusasa wevaHebheru chii? Zvino vakaziva kuti areka yaJehovha yasvika kumusasa.

7 VaFirisitia ndokutya, nokuti vakati: Mwari wasvika kumusasa. Ndokuti: Tine nhamo! Nokuti chinhu chakadai hachina kuvapo zuro namarimwezuro.

8 Tine nhamo! Ndiani achatinunura paruoko rwevaMwari ava vane simba? Ava ndivaMwari vakarova vaEgipita nematambudziko ose murenje.

9 Simbai, muve sevarume, imwi vaFirisitia, zvimwe mungashandira vaHebheru, sezvavakakushandirai. Naizvozvo ivai sevarume, murwe.

10 Zvino vaFirisitia vakarwa, Israeri ndokurohwa; zvino vakatiza, umwe neumwe kumatende ake. Kukavapowo kuurawa kukuru kwazvo, nokuti kwakawa kwaIsraeri zvuru makumi matatu vaifamba nemakumbo.

11 Areka yaMwari ndokutorwa, uye vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakafa.

Kufa kwaEri

12 Zvino murume wekwaBhenjamini wakamhanya kubva mumudungwe ndokusvika paShiro nezuva iroro, uye nguvo dzake dzaiva dzakabvarurwa, uye maiva nevhu mumusoro wake.

13 Paakasvika, tarira, Eri wakagara pachigaro kurutivi rwenzira akatarira, nokuti moyo wake waibvundira areka yaMwari. Murume uyu wakati apinda muguta kuzvitaura, guta rose rikachema.

14 Eri paakanzwa ruzha rwekuchema, wakati: Ruzhai rwebopoto iri? Murume ndokupinda achikurumidza, ndokuudza Eri.

15 Zvino Eri waiva ava wemakore makumi mapfumbamwe nemasere, uye meso ake aiva amira, kuti waiva asingagoni kuona.

16 Murume ndokuti kuna Eri: Ndini ndabva kumudungwe, uye ini ndatiza nhasi kubva kumudungwe. Iye ndokuti: Inyaya yei, mwanakomana wangu?

17 Zvino wakauya neshoko wakati: Israeri watiza pamberi pevaFirisitia; uye kwava nekuurayiwa kukuru pavanhu; uye vanakomana venyu vaviri Hofini naPinehasi vafawo; uye areka yaMwari yatorwa.

18 Zvino zvakaitika, paakataura zveareka yaMwari, kuti wakawa pachigaro negotsi kurutivi rwesuwo ndokuvhunika mutsipa wake ndokufa; nokuti munhu uyu waiva akwegura, orema. Zvino waiva atonga Israeri makore makumi mana.

19 Zvino muroora wake mukadzi waPinehasi waiva nemimba, oda kupona; paakanzwa mashoko kuti areka yaMwari yatorwa, uye kuti vatezvara vake nemurume wake vafa, wakafugama ndokupona, nokuti wakasvikirwa nekurwadziwa nemimba.

20 Zvino panenge panguva yekufa kwake vakadzi vaiva vamire naye vakati: Usatya, nokuti wapona mwana mukomana. Asi haana kupindura uye haana kuzviisa mumoyo make.

21 Zvino wakatumidza mukomana kuti Ikabhodhi, achiti: Kubwinya kwabviswa kuna Israeri; nokuti areka yaMwari yakatorwa, uye nekuda kwavatezvara vake nemurume wake.

22 Zvino wakati: Kubwinya kwabviswa kuna Israeri; nokuti areka yaMwari yatorwa.