ShonaTeam 1 Samuel « 3 »

Jehovha anozviratidza kuna Samueri

3Zvino mukomana Samueri waishumira Jehovha pamberi paEri.

Uye shoko raJehovha raikosha pamazuva iwawo; kwaiva kusina chiratidzo chaibuda pachena.

2 Zvino zvakaitika panguva iyo Eri paaiva arara panzvimbo yake, uye meso ake otanga kuonera madzedzerere, asingagoni kuona,

3 uye mwenje waMwari usati wadzimwa, naSamueri waiva arere patembere yaJehovha, paiva neareka yaMwari;

4 Jehovha ndokudana Samueri. Iye ndokuti: Tarirai, ndiri pano.

5 Zvino wakamhanyira kuna Eri ndokuti: Tarirai, ndiri pano, nokuti mandidana. Iye ndokuti: Handina kudana, dzokera unorara. Zvino wakaenda ndokurara.

6 Zvino Jehovha wakapamha kudanazve Samueri. Samueri ndokusimuka ndokuenda kuna Eri, ndokuti: Tarirai, ndiri pano, nokuti mandidana. Asi wakati: Handina kudana, mwanakomana wangu; dzokera unorara.

7 Asi Samueri waiva asati oziva Jehovha, uye shoko raJehovha raiva risati raratidzwa kwaari.

8 Zvino Jehovha wakapamha kudana Samueri rwechitatu. Iye ndokusimuka ndokuenda kuna Eri ndokuti: Tarirai, ndiri pano, nokuti mandidana. Eri ndokuziva kuti Jehovha anodana mukomana.

9 Naizvozvo Eri wakati kuna Samueri: Enda unorara, zvino kuchati kana achikudana, uchati: Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu anonzwa. Naizvozvo Samueri wakaenda akanorara panzvimbo yake.

10 Zvino Jehovha wakauya ndokuzvimisa, ndokudana sepane dzimwe nguva: Samueri, Samueri! Samueri ndokuti: Taurai, nokuti muranda wenyu anonzwa.

11 Jehovha ndokuti kuna Samueri: Tarira, ndinoita chinhu kwaIsraeri chichaungisa nzeve mbiri dzeumwe neumwe achachinzwa.

12 Nezuva iro ndichasimudza kuna Eri zvose zvandakataura pamusoro peimba yake; nditangise ndipedze.

13 Nokuti ndakamuudza kuti ndichatonga imba yake kusvika rinhi narinhi, pamusoro pechitadzo chaanoziva; nokuti vanakomana vake vakazviita chakatukwa, asi iye haana kuvadzivisa.

14 Zvino naizvozvo ndakapika kuimba yaEri, kuti kuipa kweimba yaEri hakungayananiswi nechibairo kana nechipo nekusingaperi.

15 Zvino Samueri wakarara kusvika mangwanani, ndokuzarura mikova yeimba yaJehovha. Asi Samueri wakatya kuzivisa Eri chiratidzo.

16 Zvino Eri wakadana Samueri ndokuti: Samueri, mwanakomana wangu. Iye ndokuti: Tarirai, ndiri pano.

17 Iye ndokuti: Chinyiko chaakareva kwauri? Usandivanzira hako; Mwari ngaakuitire saizvozvo, arambe achidaro, kana uchindivanzira chinhu pazvinhu zvose zvaakataura kwauri.

18 Zvino Samueri akamuudza zvinhu zvose, uye haana kumuvanzira chinhu. Iye ndokuti: NdiJehovha, ngaaite zvakanaka pameso ake.

19 Samueri ndokukura; Jehovha ndokuva naye, uye haana kuregera rimwe remashoko ake richiwira pasi.

20 Zvino Israeri wose kubva paDani kusvika paBheeri-Shebha wakaziva kuti Samueri waiva asimbiswa kuva muporofita waJehovha.

21 Zvino Jehovha wakaonekwazve paShiro, nokuti Jehovha wakazviratidza kuna Samueri paShiro neshoko raJehovha.