ShonaTeam 1 Samuel « 2 »

Rwiyo rwaHana

2Zvino Hana wakanyengetera ndokuti: Moyo wangu unofara muna Jehovha; runyanga rwangu rwakasimudzwa muna Jehovha; muromo wangu wakapamhamiswa pamusoro pevavengi vangu, nokuti ndinofara muruponeso rwenyu.

2 Hakuna mutsvene saJehovha, nokuti hakuna umwe kunze kwenyu; uye hakuna dombo rakaita saMwari wedu.

3 Musaramba muchitaura muchizvikudza-kudza, muchibudisa kuzvitutumadza pamuromo wenyu; nokuti Jehovha ndiMwari ane ruzivo rwakawanda, uye zviito zvinoyerwa naye.

4 Uta hwevane simba hwakavhunika; uye vaigumburwa vakasunga zviuno nesimba.

5 Vaiva vakaguta vakazviitisa vabati nekuda kwechingwa, uye vaiva nenzara havachakadaro, kusvika vaiva mhanje vabereka vanomwe, neane vana vazhinji apera simba.

6 Jehovha anouraya uye anoraramisa; anoburusira kubwiro, uye anokwidza.

7 Jehovha anopa urombo, uye anofumisa; anoderedza, anokwiridzirawo.

8 Anosimudza murombo paguruva, anosimudza anoshaiwa kubva mudurunhuru, kuti avagarise pamwe nemachinda, uye anovagarisa nhaka yechigaro chekutonga cherukudzo. Nokuti mbiru dzenyika ndedzaJehovha, uye wakaisa nyika pamusoro padzo.

9 Achachengeta tsoka dzevatsvene vake, asi vakaipa vachanyaradzwa murima; nokuti munhu anokunda kwete nesimba rake.

10 Vanorwa naJehovha vachapwanyiwa; achatinhira pamusoro pavo ari kumatenga; Jehovha achatonga migumo yenyika; uye achapa simba kuna mambo wake, nekusimudzira runyanga rwemuzodzwa wake.

11 Zvino Erikana wakaenda kuRama kumba kwake. Asi mukomana waishumira Jehovha pamberi pemupristi Eri.

Kutadza kwevana vaEri

12 Zvino vanakomana vaEri vaiva vana vaBheriari; havana kuziva Jehovha.

13 Zvino tsika yevapristi pavanhu yaiva iyi: Kana ani nani akapa chibairo, muranda wemupristi waiuya nyama ichiri kubikwa ane chibayiso chenyama chemeno matatu muruoko rwake;

14 ndokukanda mugango kana muhadyana kana mugate resimbi kana muhari; chose chibayiso chenyama chachabudisa mupristi waizvitorera. Vakaita saizvozvo kuna Israeri wose waisvikapo paShiro.

15 Zvino vasati vapisa mafuta, muranda wemupristi waiuya, ndokuti kumunhu anobaira: Ndipe nyama yekugochera mupristi; nokuti haangatori kwauri nyama yakabikwa, asi mbishi.

16 Kana munhu uyo akati kwaari: Ngavapise zvekupisa mafuta ikozvino, ugozozvitorera moyo wako sezvaunoda; iye ndokuti kwaari: Haiwa, ndipe ikozvino; kana zvisina kudaro ndichatora nechisimba.

17 Naizvozvo chivi chemajaya chakava chikuru kwazvo pamberi paJehovha, nokuti vanhu vakazvidza chipo chaJehovha.

18 Asi Samueri waishumira pamberi paJehovha, ari mukomana akasunga chiuno neefodhi* yemucheka.

19 Uye mai vake vakamuitira nguvo diki, ndokuiunza kwaari gore negore pakukwira kwavo nemurume wavo kuzobaira chibairo chegore.

20 Zvino Eri wakaropafadza Erikana nemukadzi wake, ndokuti: Jehovha ngaakupe mbeu nemukadzi uyu panzvimbo yechikumbiro chakakumbirwa kuna Jehovha. Zvino vakaenda kunzvimbo yake.

21 Zvino Jehovha wakashanyira Hana, iye ndokubata mimba, ndokubereka vanakomana vatatu nevanasikana vaviri. Mukomana Samueri ndokukura muna Jehovha.

22 Zvino Eri waiva akwegura kwazvo, ndokunzwa zvose vanakomana vake zvavaiitira Israeri wose, uye kuti vairara nevakadzi vaiungana pamukova wetende rekusangana.

23 Ndokuti kwavari: Munoitirei zvinhu zvakadai? Nokuti ndinonzwa nevanhu ava vose zviito zvenyu zvakaipa.

24 Kwete, vanakomana vangu; nokuti harwusi runyerekupe rwakanaka rwandinonzwa; moita vanhu vaJehovha kuti vatsauke.

25 Kana munhu akatadzira umwe, vatongi vachamutonga; asi kana munhu akatadzira Jehovha, ndiani achamunyengeterera? Asi havana kuteerera inzwi rababa vavo, nokuti Jehovha waida kuvauraya.

26 Zvino mukomana Samueri wakaenderera mberi achikura, ndokudikanwa zvose kuna Jehovha nekuvanhu.

27 Zvino kwakasvika munhu waMwari kuna Eri, ndokuti kwaari: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Handina kuzviratidza kwazvo here kuimba yababa vako vachiri muEgipita muimba yaFarao?

28 Ndakamusarudza kubva pamarudzi ose aIsraeri kuva mupristi kwandiri, akwire kuaritari yangu kupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira, kupfeka efodhi pamberi pangu. Ndakapa imba yababa vako zvipo zvemoto zvose zvevana vaIsraeri here.

29 Sei muchikava chibairo changu nechipo changu, zvandakaraira mumba mangu, uye munoremekedza vanakomana vako kukunda ini, muchizvikodza nezvakanakisisa zvezvipo zvose zvaIsraeri, vanhu vangu?

30 Naizvozvo Jehovha Mwari waIsraeri anoti: Ndakati zvirokwazvo: Imba yako neimba yababa vako dzichafamba pamberi pangu nekusingaperi; asi ikozvino anoti Jehovha: Ngazvive kure neni, nokuti vanondikudza ndichavakudza, uye vanondizvidza ndichavashoora.

31 Tarira, mazuva anouya, andichagura ruoko rwako, neruoko rweveimba yababa vako, kusava nemutana paimba yako.

32 Zvino uchaona kutambudzika kweimba yangu, pane zvose zvaanenge aita zvakanakira Israeri; uye hapangavi nemutana paimba yako mazuva ose.

33 Zvino uyo wekwako wandisingazoguri abve paaritari yangu, achava wekupedza meso ako, nekurwadzisa moyo wako; nekuwanda kose kweimba yako kuchafa kuchiri pakuva varume.

34 Zvino ichi chichava chiratidzo kwauri chezvichauya kuvanakomana vako vaviri kuna Hofini naPinehasi: Vachafa vari vaviri nezuva rimwe.

35 Zvino ndichazvimutsira mupristi wakatendeka; achaita sezviri pamoyo wangu nepamweya wangu; uye ndichamuvakira imba yakasimba, uye achafamba pamberi pemuzodzwa wangu mazuva ose.

36 Zvino zvichaitika, umwe neumwe achasara paimba yako achauya agofugama kwaari nekuda kwemuripo wesirivha nechimedu chechingwa, uye achati: Ndibatisei henyu pane rimwe remabasa eupristi kuti ndidye chimedu chechingwa.