ShonaTeam 1 Samuel « 1 »

Kuzvarwa kwaSamueri

1 Zvino kwaiva neumwe murume weRamataimi-Zofimi wegomo raEfuremu, uye zita rake raiva Erikana, mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waErihu, mwanakomana waTohu, mwanakomana waZufi muEfurati.

2 Zvino waiva nevakadzi vaviri; zita reumwe raiva Hana, uye zita reumwe raiva Penina. Zvino Penina waiva nevana, asi Hana waiva asina vana.

3 Zvino murume uyu waikwira kubva muguta rake gore negore kunonamata nekubaira kuna Jehovha wehondo paShiro. Uye vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi vapristi vaJehovha vaivapo.

4 Zvino rakati rava zuva Erikana ndokubaira, ndokupa kuna Penina mukadzi wake nevanakomana vake nevanasikana vake vose migove.

5 Asi Hana wakamupa mugove wakapetwa kaviri, nokuti waida Hana. Asi Jehovha waiva avhara chizvaro chake.

6 Zvino muvengi wake wakamushungurudzawo nekumurwadzisa, kuti amutsamwise, nokuti Jehovha waiva avhara chizvaro chake.

7 Zvino wakaita saizvozvo gore negore kubva paanokwira kuimba yaJehovha; saka wakamutsamwisa; naizvozvo wakachema ndokusadya.

8 Zvino Erikana murume wake wakati kwaari: Hana, unochemei? Uye sei usingadyi? Zvino sei moyo wako une shungu? Handina kukunakira kupfuura vanakomana gumi here?

9 Naizvozvo Hana wakasimuka shure kwekudya paShiro, uye shure kwekunwa. Zvino Eri mupristi waiva agere pachigaro pagwatidziro remukova wetembere yaJehovha.

10 Zvino Hana waiva mukurwadziwa pamweya weupenyu, ndokunyengetera kuna Jehovha, ndokuchema misodzi kwazvo.

11 Zvino wakapika mhiko, ndokuti: Jehovha wehondo, kana mukatarira zvekutarira kutambudzika kwemurandakadzi wenyu, uye mukandirangarira, nekusakanganwa murandakadzi wenyu, asi mukapa murandakadzi wenyu mwana munhurume, zvino ndichamupa kuna Jehovha mazuva ose eupenyu hwake. Zvino chisvo hachingauyi pamusoro wake.

12 Zvino zvakaitika paaienderera mberi kunyengetera pamberi paJehovha, kuti Eri wakacherekedza muromo wake.

13 Zvino Hana waitaura mumoyo make; miromo yake yega yaifamba, asi inzwi rake raiva risinganzwikwi; naizvozvo Eri wakafunga kuti wakadhakwa.

14 Eri ndokuti kwaari: Kusvika rinhi wakadhakwa? Bvisa waini yako kwauri.

15 Hana ndokupindura ndokuti: Kwete, ishe wangu, ndiri mukadzi wemweya unoshungurudzika; handina kunwa waini kana zvinwiwa zvinodhaka, asi ndadurura mweya wangu pamberi paJehovha.

16 Musabata murandakadzi wenyu semwanasikana waBheriari, nokuti ndataura pakuwanda kwekuchema kwangu nekutambudzika kwangu kusvika ikozvino.

17 Eri ndokupindura ndokuti: Enda nerugare; uye Mwari waIsraeri ngaape chikumbiro chako chawakumbira kwaari.

18 Iye ndokuti: Murandakadzi wenyu ngaawane tsitsi pameso enyu. Naizvozvo mukadzi wakaenda nenzira yake, ndokudya; zvino chiso chake hachina kuzosuruvarazve.

19 Zvino vakamuka mangwanani-ngwanani, ndokunamata pamberi paJehovha, ndokudzokera ndokusvika kumba kwavo paRama. Erikana ndokuziva mukadzi wake Hana; Jehovha ndokumurangarira.

20 Zvino zvakaitika pakushanduka kwemazuva kuti Hana wakabata mimba, ndokubereka mwanakomana, ndokutumidza zita rake Samueri, nokuti wakati: Ndakamukumbira kuna Jehovha.

21 Zvino murume Erikana neimba yake yose vakakwira kunobaira Jehovha chibairo chegore negore, nemhiko yake.

22 Asi Hana haana kukwira, nokuti wakati kumurume wake: Handingakwiri kusvika mwana arumurwa, ipapo ndichamuunza kuti aonekwe pamberi paJehovha, agogarapo kusvika rinhi narinhi.

23 Erikana murume wake ndokuti kwaari: Ita zvakanaka pameso ako; gara kusvika wamurumura; koga Jehovha ngaasimbise shoko rake. Naizvozvo mukadzi wakagara, ndokuyamwisa mwanakomana wake kusvika amurumura.

24 Zvino wakakwira naye paainge amurumura, ane nzombe diki nhatu, neefa imwe yeupfu hwakatsetseka, nedende rewaini, ndokumuunza muimba yaJehovha paShiro. Zvino mwana waiva mudiki.

25 Zvino vakabaya nzombe diki, ndokuunza mwana kuna Eri.

26 Zvino wakati: Haiwa ishe wangu, neupenyu hwemweya weupenyu wenyu, ishe wangu, ndini mukadzi waiva amire nemwi pano kunyengetera kuna Jehovha.

27 Ndakanyengeterera mukomana uyu, zvino Jehovha wakandipa chikumbiro changu chandakakumbira kwaari.

28 Naizvozvo neni ndamupa kuna Jehovha, mazuva ose aaripo; wakakumbirwa kuna Jehovha. Zvino akanamata Jehovha ipapo.