ShonaTeam Ruth « 4

Bhowasi anowana Rute

4Zvino Bhowasi wakakwira kusuwo, ndokugarapo pasi; zvino tarira, kunopfuura hama iri mudzikinuri iyo Bhowasi yaaitaura; iye ndokuti: Tsauka ugare pasi pano iwe nhingi-nhingi. Iye ndokutsauka ndokugara pasi.

2 Zvino wakatora varume gumi pavakuru veguta, ndokuti: Garai pasi pano. Ivo ndokugara pasi.

3 Zvino wakati kuhama iri mudzikinuri: Chikamu chemunda waiva wemunin'ina wedu Erimereki anochitengesa Naomi uyo wakadzoka kubva kunyika yaMoabhu.

4 Naizvozvo ini ndati: Ndizvidudze munzeve yako ndichiti: Chitenge pamberi pevagari nepamberi pevakuru vevanhu vekwedu; kana uchichidzikinura, chidzikinure, asi kana kusina angachidzikinura, ndiudze kuti ndizive. Nokuti hakuna angachidzikinura kunze kwako, uye ini ndinotevera iwe. Iye ndokuti: Ini ndichachidzikinura.

5 Zvino Bhowasi wakati: Zuva raunotenga munda muruoko rwaNaomi, uchatengawo nekuna Rute muMoabhu mukadzi wemushakabvu, kuti umutsire zita remushakabvu panhaka yake.

6 Zvino hama iyo iri mudzikinuri yakati: Handigoni kuzvidzikinurira iwo, zvimwe nditadzire nhaka yangu. Zvidzikinurire iwe kodzero yekudzikinura yangu, nokuti handigoni kuudzikinura.

7 Zvino izvi zvaimbovako kwaIsraeri maererano nekudzikinura nemaererano nekutsinhanha, kusimbisa chinhu chese: Munhu waibvisa shangu yake ndokupa kune umwe wake; uye uhu hwaiva uchapupu kwaIsraeri.

8 Zvino hama iri mudzikinuri yakati kuna Bhowasi: Zvitengere; ndokubvisa shangu yake.

9 Zvino Bhowasi wakati kuvakuru nekuvanhu vese: Muri zvapupu nhasi kuti ndatenga zvose zvaiva zvaErimereki nezvose zvaiva zvaKirioni naMahironi muruoko rwaNaomi.

10 Uyewo Rute muMoabhu, mukadzi waMahironi, ndazvitengera kuva mukadzi, kuti ndimutsire zita remushakabvu panhaka yake, kuti zita remushakabvu rirege kugurwa kubva pakati pehama dzake uye kubva pasuwo renzvimbo yake. Muri zvapupu nhasi.

11 Zvino vanhu vose vaiva pasuwo nevakuru vakati: Tiri zvapupu. Jehovha ngaaite mukadzi uyu wauya mumba mako saRakeri uye saRea, ivo vaviri vakavaka imba yaIsraeri; uye uite nesimba paEfurata, ugoparidza zita paBheterehemu.

12 Uye imba yako ive seimba yaPerezi, Tamari waakaberekera Judha, nembeu Jehovha yaachakupa kumukadzi uyu mudiki.

13 Zvino Bhowasi wakatora Rute, akava mukadzi wake, ndokupinda kwaari; Jehovha ndokumupa kubata mimba; ndokubereka mwanakomana.

14 Zvino vakadzi vakati kuna Naomi: Jehovha ngaarumbidzwe iye asina kukusiya usina hama iri mudzikinuri nhasi, kuti zita rake riparidzwe kwaIsraeri.

15 Zvino achava kwauri mudzoreri weupenyu, nemuriritiri weukweguri hwako; nokuti wawabereka muroora wako uyu, anokuda, uri nani pavanakomana vanomwe kwauri.

16 Zvino Naomi wakatora mwana, ndokumuisa pachipfuva chake, ndokuva mureri wake.

17 Vakadzi vavakidzani ndokumutumidza zita vachiti: Kune mwanakomana wakaberekerwa Naomi. Zvino vakatumidza zita rake Obhedhi. Ndiye baba vaJese, baba vaDhavhidhi.

18 Zvino awa marudzi aPerezi: Perezi wakabereka Hezironi;

19 Hezironi ndokubereka Rami; Rami ndokubereka Aminadhabhi;

20 Aminadhabhi ndokubereka Naashoni; Naashoni ndokubereka Sarimoni;

21 Sarimoni ndokubereka Bhowasi; Bhowasi ndokubereka Obhedhi;

22 Obhedhi ndokubereka Jese; Jese ndokubereka Dhavhidhi.