ShonaTeam Ruth « 3 »

Rute anotumwa kunokumbira kuti Bhowasi avadzikinure

3Zvino Naomi vamwene vake wakati kwaari: Mukunda wangu, handingakutsvakiri zororo here kuti zvikunakire?

2 Naizvozvowo Bhowasi haasi hama yedu here uyo ane vasikana vawanga unavo? Tarira, anopura bhari usiku huno paburiro.

3 Zvino shamba uzvizodze mafuta, upfeke nguvo dzako, ugoburukira kuburiro, usazviratidza kumurume, kusvika apedza kudya nekunwa.

4 Zvino zvichaitika paanenge orara pasi, kuti uchachenjerera nzvimbo paanonorara; ugopinda ndokufukura tsoka dzake, ugorara. Zvino iye achakuudza zvauchaita.

5 Zvino wakati kwaari: Zvose zvamunoreva kwandiri ndichazviita.

6 Ipapo akaburukira kuburiro, ndokuita zvinoenderana nezvose vamwene vake zvavakamuraira.

7 Bhowasi wakati adya nekunwa, moyo wake ndokufara, ndokuenda kunorara pasi kumacheto kwemurwi wezviyo. Rute ndokuenda chinyararire, ndokufukura tsoka dzake, ndokurara pasi.

8 Zvino zvakaitika pakati peusiku, kuti murume wakabvunda, ndokuzvishandura, zvino tarira, mukadzi arere patsoka dzake.

9 Zvino wakati: Ndiwe ani? Iye ndokuti: Ndini Rute murandakadzi wenyu; naizvozvo radanurai mucheto wenguvo yenyu pamusoro pemurandakadzi wenyu, nokuti muri mudzikinuri.

10 Iye ndokuti: Uropafadzwe naJehovha, mukunda wangu. Waita zvakanaka nyasha dzako pakupedzisira kupfuura pakutanga, sezvo usina kutevera majaya, kunyange aiva varombo kana vafumi.

11 Naizvozvo zvino mwanasikana wangu, usatya, ndichakuitira zvose zvaunotaura; nokuti guta rose revanhu vekwedu rinoziva kuti uri mukadzi wakanaka kwazvo.

12 Naizvozvo zvino, zvirokwazvo ichokwadi kuti ndiri hama iri mudzikinuri, asiwo kune hama iri mudzikinuri iri pedo kupfuura ini.

13 Rara pasi usiku huno. Zvino zvichaitika mangwanani kana akakuitira faniro yehama iri mudzikinuri, zvakanaka, ngaakudzikinure; asi kana asingadi kukudzikinura, ini ndichakudzikinura, naMwari mupenyu. Rara kusvika kwaedza.

14 Zvino wakarara patsoka dzake kusvika mangwanani, ndokumuka umwe asati aziva umwe. Iye ndokuti: Ngakusazikanwa kuti mukadzi wakasvika paburiro.

15 Akatiwo: Unza nguvo yawakapfeka ugoibata. Paakaibata wakayera zviyero zvitanhatu zvebhari, ndokumutakudza, ndokupinda muguta.

16 Wakati achisvika kuna vamwene vake, ivo ndokuti: Ndiwe ani, mukunda wangu? Iye ndokuvaudza zvose murume zvaakamuitira.

17 Iye ndokuti: Wandipa zviyero izvi zvitanhatu zvebhari; nokuti wakati kwandiri: Usaenda kuna vamwene vako usina chinhu.

18 Zvino vakati: Gara, mukunda wangu, kusvika waziva kuti nyaya ichawira papi; nokuti murume haangazorori kusvika apedza nyaya nhasi.