ShonaTeam Ruth « 2 »

Rute anosangana naBhowasi

2Zvino Naomi waiva nehama yemurume wake, murume ane simba pakufuma, wemhuri yaErimereki, uye zita rake raiva Bhowasi.

2 Zvino Rute muMoabhu wakati kuna Naomi: Regai ndiende kumunda ndinofuhurudza hura dzezviyo shure kwewandichawana nyasha pameso ake. Iye ndokuti kwaari: Enda mukunda wangu.

3 Zvino wakaenda ndokusvika akafuhurura mumunda shure kwevakohwi; ndokuwana mukana pachikamu chemunda waBhowasi, waiva wemhuri yaErimereki.

4 Zvino tarira, Bhowasi wakasvika kubva kuBheterehemu ndokuti kuvakohwi: Jehovha ave nemwi. Ivo ndokuti kwaari: Jehovha akuropafadzei.

5 Bhowasi ndokuti kumuranda wake waiva akaiswa pamusoro pevakohwi: Musikana uyu ndewaani?

6 Muranda waiva akaiswa pamusoro pevakohwi ndokupindura ndokuti: Musikana uyu mukadzi muMoabhu wakadzoka naNaomi kubva kunyika yaMoabhu.

7 Zvino wakati: Rega hako ndifuhurudze uye ndiunganidze shure kwevakohwi pakati pezvisote. Naizvozvo wakauya ndokuenderera mberi kubva mangwanani kusvika ikozvino, wangogara zvishoma mumba.

8 Ipapo Bhowasi wakati kuna Rute: Hauna kunzwa here, mukunda wangu? Usaenda kunofuhurudza kune umwe munda, uye usapfuura kubva pano, asi unamatire pano kuvasikana vangu.

9 Meso ako ngaave mumunda wavanokohwa, uye uvatevere. Handina kuraira majaya here kuti vasakubata? Kana wava nenyota, enda kumidziyo, unwe pane majaya yaakateka.

10 Ipapo akawira pasi nechiso chake ndokukotamira pasi, ndokuti kwaari: Ndinowanirei nyasha pameso enyu, kuti mundizive zvandiri mutorwa?

11 Zvino Bhowasi wakapindura ndokuti kwaari: Zvaratidzwa zvekuratidzwa kwandiri zvose zvawakaitira vamwene vako shure kwekufa kwemurume wako, kuti wakasiya baba vako namai vako nenyika yechizvarigo chako ndokuuya kuvanhu vawaiva usina kuziva zuro namarimwezuro.

12 Jehovha ngaakuripire basa rako; dai mubairo wako wakakwana wabva kuna Jehovha Mwari waIsraeri, wawakauya kutizira pasi pemapapiro ake.

13 Iye ndokuti: Ngandiwane nyasha pameso enyu, ishe wangu, nokuti mandinyaradza, uye nokuti mataura kumoyo wemurandakadzi wenyu, kunyange ini ndisina kuita seumwe wevarandakadzi venyu.

14 Bhowasi ndokuti kwaari nenguva yekudya: Swedera pano, udye zvechingwa, useve musuva wako muvhiniga. Zvino iye wakagara parutivi rwevakohwi; iye ndokumugamuchidza zviyo zvakakangwa, zvino wakadya ndokuguta ndokusiya.

15 Zvino asimuka kufuhurudza, Bhowasi wakaraira majaya ake achiti: Regai afuhurudze nepakati pezvisote, musamunyadzisa.

16 Mumuvhomorerewo maune patsama, mugodzisiya kuti afuhurudze, musamutsiura.

17 Zvino wakafuhurudza mumunda kusvika madekwani; ndokupura zvaakafuhurudza; zvikavavarira efa yebhari.

18 Zvino wakazvisimudza ndokupinda muguta; vamwene vake ndokuona zvaaiva afuhurudza; akabudisawo akavapa zvaakasiya aguta.

19 Vamwene vake ndokuti kwaari: Wafuhurudzepi nhasi? Wabata kupi? Ngaaropafadzwe uyo wakuziva. Iye ndokuudza vamwene vake kuti wakabata kuna ani, ndokuti: Zita remurume wandakabata kwaari nhasi ndiBhowasi.

20 Naomi ndokuti kumuroora wake: Ngaaropafadzwe naJehovha iye asina kurega tsitsi dzake kuvapenyu nevakafa. Naomi ndokuti kwaari: Murume uyu ihama yepedo kwatiri, ndeumwe wevadzikinuri vedu.

21 Rute muMoabhu ndokuti: Nokuti naiye wati kwandiri: Uchanamatira kumajaya andinawo kusvika vapedza goho rose randinaro.

22 Naomi ndokuti kuna Rute muroora wake: Zvakanaka mukunda wangu, kuti ubude nevasikana vake, zvimwe vangakuchingamidza kune umwe munda.

23 Zvino wakanamatira kuvasikana vaBhowasi achifuhurudza kusvika pakupera kwekukohwehwa kwebhari nekukohwewa kwezviyo. Zvino wakagara navamwene vake.