ShonaTeam Ruth « 1 »

Rute naNaomi

1 Zvino zvakaitika mumazuva apo vatongi vaitonga, kwakava nenzara panyika. Zvino umwe murume weBheterehemu-Judha wakaenda kunogara semweni munyika yaMoabhu, iye nemukadzi wake nevanakomana vake vaviri.

2 Zvino zita remurume raiva Erimereki, uye zita remukadzi wake Naomi, uye zita revanakomana vake vaviri raiva Mahironi naKirioni, VaEfurati veBheterehemu-Judha. Zvino vakauya panyika yekwaMoabhu, ndokuvako.

3 Zvino Erimereki murume waNaomi wakafa, iye ndokusiiwa, nevanakomana vake vaviri.

4 Zvino vakazvitorera vakadzi vaMoabhu; zita reumwe raiva Oripa uye zita reumwe Rute. Zvino vakagarako makore anenge gumi.

5 Ivo ndokufawo vari vaviri Mahironi naKirioni; mukadzi ndokusiiwa asina vanakomana vake vaviri uye asina murume wake.

6 Zvino wakasimuka iye nevaroora vake, ndokudzokera kubva kunyika yaMoabhu; nokuti waiva anzwa ari panyika yaMoabhu kuti Jehovha wakashanyira vanhu vake kuvapa zvekudya.

7 Naizvozvo wakabuda kubva panzvimbo paaiva, nevaroora vake vaviri vanaye, ivo ndokufamba munzira kudzokera kunyika yaJudha.

8 Zvino Naomi wakati kuvaroora vake vaviri: Endai, dzokerai, umwe neumwe kumba kwamai vake; Jehovha ngaakuitirei nyasha, sezvamakaita kuvakafa nekwandiri.

9 Jehovha ngaakupei muwane zororo umwe neumwe mumba memurume wake. Zvino wakavatsvoda, ivo ndokusimudza inzwi ravo ndokuchema misodzi.

10 Zvino vakati kwaari: Zvirokwazvo tichadzokera nemwi kuvanhu vekwenyu.

11 Naomi ndokuti: Dzokerai vakunda vangu, muchaenderei neni? Kwandiri kuchine vanakomana muchizvaro changu here kuti vave varume venyu?

12 Dzokerai vakunda vangu, endai, nokuti ndakwegura kwazvo kuti ndive nemurume. Kunyange ndikati ndichine tariro kuti neni usiku huno ndive nemurume, uyewo ndibereke vanakomana,

13 mungavamirira kusvika vakura here? Mungazvidzivirira kuti musava nemurume here? Kwete, vakunda vangu, nokuti zvinovava kwazvo kwandiri kupfuura kwamuri; nokuti ruoko rwaJehovha rwakabuda kundirwisa.

14 Zvino vakasimudza inzwi ravo ndokuchemazve misodzi; Oripa ndokutsvoda vamwene vake, asi Rute wakanamatira kwavari.

15 Ivo ndokuti: Tarira, vakoma vako pakuwanikwa vadzokera kuvanhu vavo nekuna vamwari vavo; dzoka, utevere vakoma vako pakuwanikwa.

16 Rute ndokuti: Musandinyengetedza kukusiyai, ndidzoke kubva pakukuteverai; nokuti pamunoenda ndinoenda, uye pamunorara ndinorara; vanhu venyu vanhu vangu, uye Mwari wenyu ndiMwari wangu;

17 pamunonofira ndichafirapo, uye ndichavigwapo; Jehovha ngaandiitire saizvozvo, awedzere kudaro, nokuti rufu chete rwuchaparadzanisa pakati pangu nemwi.

18 Wakati aona kuti wakasimbirira kuenda naye, ndokurega kutaura naye.

19 Naizvozvo vakafamba vari vaviri kusvika vasvika paBheterehemu. Zvino zvakaitika pakusvika kwavo paBheterehemu, kuti guta rose rakazungunuswa nekuda kwavo; ivo ndokuti: Uyu ndiNaomi here?

20 Iye ndokuti kwavari: Regai kundidana muchiti Naomi; mundidane muchiti Mara, nokuti Wemasimbaose wakandibata zvinovava kwazvo.

21 Ini ndakaenda ndizere, zvino Jehovha wakandidzosa ndisina chinhu; munondidanirei muchiti Naomi, Jehovha zvaakandipupurira achindipikisa, uye Wemasimbaose zvaakandiitira zvakaipa?

22 Naizvozvo Naomi wakadzoka naRute muMoabhu, muroora wake anaye, wakadzoka achibva kunyika yaMoabhu; ivo vakasvika paBheterehemu pakutanga kwekukohwa bhari.