ShonaTeam Judges « 21

Vana vaBhenjamini vanozvitorera vakadzi

21Zvino varume vaIsraeri vaiva vapika paMizipa vachiti: Hakuna umwe wedu achapa mukunda wake kuna Bhenjamini kuti ave mukadzi.

2 Vanhu ndokuuya paBheteri, ndokugarapo pamberi paMwari kusvika madekwani; ndokusimudza inzwi ravo ndokuchema misodzi nekuchema kukuru.

3 Ndokuti: Jehovha Mwari waIsraeri, sei izvi zvaitika kwaIsraeri, kuti kuve nerudzi rumwe rwunoshaikwa kwaIsraeri?

4 Zvino zvakaitika chifume kuti vanhu vakamuka mangwanani ndokuvakapo aritari, ndokupa zvipo zvinopiswa nezvipo zvekuyananisa.

5 Zvino vana vaIsraeri vakati: Ndiani pakati pemarudzi ose aIsraeri asina kukwira pamwe neungano kuna Jehovha? Nokuti paiva nemhiko huru maererano neanorega kukwira kuna Jehovha kuMizipa, vachiti: Zvirokwazvo achaurawa.

6 Zvino vana vaIsraeri vakazvidemba pamusoro paBhenjamini hama yavo, ndokuti: Nhasi rumwe rudzi rwagurwa kubva kwaIsraeri.

7 Tichavaitirei vakasara maererano nevakadzi? Nokuti isu takapika naJehovha kuti hatingavapi kubva pavakunda vedu kuti vave vakadzi.

8 Zvino vakati: Ndeupi pamarudzi aIsraeri asina kukwira kuna Jehovha kuMizipa? Zvino tarira, kwaiva kusina kuuya umwe kumusasa wakabva kuJabheshi-Giriyadhi kuuya kuungano.

9 Nokuti vanhu vaiva vaverengwa, zvino tarira, paiva pasina ipapo munhu wekuvagari veJabheshi-Giriyadhi.

10 Naizvozvo ungano yakatumirako varume veumhare kwazvo zvuru gumi nezviviri, ndokuvaraira vachiti: Endai munorova vagari veJabheshi-Giriyadhi nekwakapinza kwemunondo, pamwe nevakadzi nevanana.

11 Zvino ichi ndicho chinhu chamuchaita: Muchaparadza munhurume umwe neumwe nemunhukadzi umwe neumwe anoziva kurara nemurume.

12 Zvino vakawana pakati pevagari veJabheshi-Giriyadhi vasikana mhandara mazana mana, vasina kuziva murume nekurara kwemunhurume; ndokuvauisa kumusasa paShiro iri munyika yeKenani.

13 Zvino ungano yose yakatuma nhume ndokutaura kuvana vaBhenjamini vaiva padombo reRimoni, ndokuvaparidzira rugare.

14 Zvino vaBhenjamini vakadzoka nenguva iyoyo; zvino vakavapa vakadzi vavaiva vachengetedza vari vapenyu pavakadzi veJabheshi-Giriyadhi; asi zvakadaro havana kuvaringana.

15 Zvino vanhu vakazvidemba pamusoro paBhenjamini, nokuti Jehovha waiva aisa kuparadzana pamarudzi aIsraeri.

16 Zvino vakuru veungano vakati: Tichaitirei vakasara maererano nevakadzi, vakadzi zvavaparadzwa kwaBhenjamini?

17 Vakati: Kunofanira kuva nenhaka yevakapukunyuka vekwaBhenjamini, kuti kurege kutsvairwa rudzi kubva kwaIsraeri.

18 Asi isu hatigoni kuvapa vakadzi kubva pavakunda vedu, nokuti vana vaIsraeri vapika vachiti: Ngaatukwe anopa Bhenjamini mukadzi.

19 Zvino vakati: Tarirai, kune mutambo waJehovha gore negore paShiro iri kumaodzanyemba kweBheteri, kunobuda nezuva kwemugwagwa unokwira kubva Bheteri kuenda kuShekemu, uye kuchamhembe kweRebhona.

20 Naizvozvo vakaraira vana vaBhenjamini vachiti: Endai munovandira muminda yemizambiringa;

21 muone, uye tarirai, kana vakunda veShiro vachibuda kuzotamba pamitambo, zvino muchabuda paminda yemizambiringa, mugozvibatira murume umwe neumwe mukadzi wake kubva pavakunda veShiro, mugoenda kunyika yaBhenjamini.

22 Zvino kuchati kana madzibaba avo kana hama dzavo vachiuya kumhan'ara kwatiri, tichati kwavari: Tiitirei nyasha nekuda kwavo nokuti hatina kuvatorera umwe neumwe mukadzi wake pahondo, nokuti imwi hamuna kuvapa ivo nenguva ino kuti muve nemhosva.

23 Zvino vana vaBhenjamini vakaita saizvozvo, ndokutora vakadzi zvichienderana neuwandu hwavo kubva pavatambi vavaiva vatora nechisimba, ndokuenda, ndokudzokera kunhaka yavo, zvino vakavaka maguta ndokugara maari.

24 Zvino vana vaIsraeri vakapararira kubvapo nenguva iyo, umwe neumwe kuenda kurudzi rwake nekumhuri yake; ndokubuda kubvapo, umwe neumwe kuenda kunhaka yake.

25 Mumazuva iwawo kwaiva kusina mambo kwaIsraeri. Munhu umwe neumwe waiita zvaiva zvakanaka pameso ake.