ShonaTeam Judges « 20 »

VaBhenjamini vanorwa nevamwe vaIsraeri

20Zvino vana vaIsraeri vose vakabuda, ungano yose ndokuungana semunhu umwe kubva paDhani kusvika paBheeri-Shebha pamwe nenyika yeGiriyadhi, kuna Jehovha paMizipa.

2 Zvino madzishe evanhu vose, vemarudzi ose aIsraeri, vakazvimisa paungano yevanhu vaMwari, zvuru mazana mana zvevarume vaifamba netsoka, vaivhomora munondo.

3 Zvino vana vaBhenjamini vakanzwa kuti vana vaIsraeri vakwira kuMizipa. Vana vaIsraeri ndokuti: Revai, zvakaipa izvi zvakavapo sei?

4 Zvino murume muRevhi, murume wemukadzi waiva aurawa, wakapindura ndokuti: Ndakasvika paGibhiya riri raBhenjamini, ini nemurongo wangu, kuti tirarepo.

5 Zvino vagari veGibhiya vakandimukira, ndokukomba pandiri imba usiku kundirwisa, vachida kundiuraya, uye murongo wangu vakamubhinya kusvika afa.

6 Zvino ndakabata murongo wangu, ndikamudimura kuita nhindi, ndokumutumira kunyika yose yenhaka yaIsraeri, nokuti vakaita chinyangadzo neupenzi kwaIsraeri.

7 Tarirai, imwi mose muri vana vaIsraeri, ipai shoko nezano renyu pano.

8 Zvino vanhu vose vakasimuka semunhu umwe vachiti: Hatingaendi umwe neumwe kutende rake, uye hakuna umwe neumwe wedu achatsaukira kumba kwake.

9 Asi ikozvino hechi chinhu chatichaitira Gibhiya: Tichamurwisa nemujenya.

10 Zvino tichatora varume gumi pazana remarudzi ose aIsraeri, nezana pachuru, nechuru pazvuru gumi, kuti vatorere vanhu mbuva, kuti kana vasvika paGebha raBhenjamini vavaitire zvinoenderana neupenzi hwavakaita kwaIsraeri.

11 Naizvozvo varume vose vaIsraeri vakaunganira guta semunhu umwe vakabatana.

12 Zvino marudzi aIsraeri akatuma varume kurudzi rwose rwaBhenjamini vachiti: Ndechakaipa rudzii ichi chakaitika pakati penyu?

13 Naizvozvo zvino ipai varume avo, vana vaBheriari vari paGibhiya, kuti tivauraye, tigobvisa zvakaipa kwaIsraeri. Asi vana vaBhenjamini havana kuda kuteerera kuinzwi rehama dzavo, vana vaIsraeri.

14 Asi vana vaBhenjamini vakaungana kubva kumaguta kuenda kuGibhiya, kuti vabude kuende kuhondo nevana vaIsraeri.

15 Zvino vana vaBhenjamini vakaverengwa nezuva iro vachibva mumaguta vaiva varume zvuru makumi maviri nezvitanhatu vaivhomora munondo, kunze kwevagari veGibhiya ivo vakaverengwa vakava varume mazana manomwe vakasanangurwa.

16 Pakati pevanhu ava vose paiva nevarume mazana manomwe vakasanangurwa veruboshwe; vose ava vaifura nerwonzi dombo paruvhudzi vasingapotsi.

17 Zvino varume vaIsraeri kunze kwevaBhenjamini vakaverengwa: Varume zvuru mazana mana vaivhomora munondo, vose ava vaiva varume vehondo.

18 Zvino vana vaIsraeri vakasimuka ndokukwira kuBheteri, ndokubvunza Mwari, ndokuti: Ndiani kwatiri achatanga kukwira kuhondo nevana vaBhenjamini? Jehovha ndokuti: Judha pakutanga.

19 Zvino vana vaIsraeri vakamuka mangwanani, ndokudzika matende pakatarisana neGibhiya.

20 Zvino varume vaIsraeri vakabuda kuhondo naBhenjamini; varume vaIsraeri vakarongedza hondo kurwa navo paGibhiya.

21 Zvino vana vaBhenjamini vakabuda paGibhiya, vakaparadzira pasi pakati paIsraeri nezuva iro varume zvuru makumi maviri nezviviri.

22 Zvino vanhu, varume vaIsraeri, vakazvisimbisa ndokurongazve hondo kunzvimbo iyo pavakarongedza nezuva rekutanga.

23 Vana vaIsraeri ndokukwira, ndokuchema misodzi pamberi paJehovha kusvika madekwani. Zvino vakabvunza Jehovha vachiti: Ndiswederezve kurwa nevana vaBhenjamini hama yangu here? Jehovha ndokuti: Kwirai munomurwisa.

24 Zvino vana vaIsraeri vakaswedera kurwisa vana vaBhenjamini nezuva repiri.

25 Zvino Bhenjamini wakabuda kuvarwisa kubva paGibhiya nezuva repiri, ndokuparadzirazve pasi pavana vaIsraeri varume zvuru gumi nezvisere; ava vose vaivhomora munondo.

26 Naizvozvo vana vaIsraeri vose nevanhu vose vakakwira ndokusvika paBheteri, ndokuchema misodzi, ndokugarapo pamberi paJehovha. Zvino vakatsanya zuva iro kusvika madekwani, ndokupa zvipo zvinopiswa nezvipo zvekuyananisa pamberi paJehovha.

27 Zvino vana vaIsraeri vakabvunza Jehovha (nokuti areka yesungano yaMwari yaiva ipapo mumazuva iwawo;

28 naPinehasi mwanakomana waEriazari mwanakomana waAroni wakamira pamberi payo mumazuva iwawo), vachiti: Ndidzokororezve kubudira kunorwa nevana vaBhenjamini hama yangu here, kana ndichimira? Jehovha ndokuti: Kwirai, nokuti mangwana ndichavapa muruoko rwako.

29 Zvino Israeri wakaisira Gibhiya vavandiri kunhivi dzose.

30 Zvino vana vaIsraeri vakakwira kurwisa vana vaBhenjamini nezuva retatu, vakaronga kurwa neGibhiya sepane dzimwe nguva.

31 Zvino vana vaBhenjamini vakabuda kurwa nevanhu, vakakweverwa kubuda muguta; vakatanga kurova pavanhu, kuuraya, sepane dzimwe nguva mumigwagwa yeumwe wayo waikwira kuenda kuBheteri, neumwe kuGibhiya musango, varume vanenge makumi matatu pakati paIsraeri.

32 Zvino vana vaBhenjamini vakati: Varohwa pamberi pedu sepakutanga. Asi vana vaIsraeri vakati: Ngatitize tigovakwevera kubuda muguta vaende kumigwagwa.

33 Zvino varume vose vaIsraeri vakasimuka panzvimbo dzavo, ndokuzvirongedza paBhaari-Tamari; uye vavandiri vaIsraeri vakavhomoka panzvimbo yavo pamafuro eGebha.

34 Zvino kwakauya kubva pakatarisana neGibhiya varume zvuru gumi vakasanangurwa kubva pana Israeri wese; hondo ndokurema; asi ivo vaiva vasingazivi kuti chakaipa chicharova pamusoro pavo.

35 Zvino Jehovha wakarova Bhenjamini pamberi paIsraeri; vana vaIsraeri ndokuparadza paBhenjamini varume zvuru makumi maviri nezvishanu nezana rimwe nezuva iro; ava vose vaivhomora munondo.

36 Vana vaBhenjamini ndokuona kuti varohwa; nokuti varume vaIsraeri vakasuduruka kuna Bhenjamini, nokuti vaiva vachivimba vavandiri vavaiva vakaisa pakatarisana neGibhiya.

37 Zvino vavandiri vakakurumidza ndokumhanya kuGibhiya; vavandiri ndokupfuurira ndokurova guta rose nekwakapinza kwemunondo.

38 Zvino kwakava nechiratidzo chakamiswa kuvarume vaIsraeri nevavandiri, kupfungaidza shongwe huru yeutsi kubva muguta.

39 Varume vaIsraeri ndokudzoka pahondo; Bhenjamini ndokutanga kurova, kuuraya varume vevaIsraeri vanenge varume makumi matatu; nokuti vakati: Zvirokwazvo varohwa zvekurohwa pamberi pedu sepahondo yekutanga.

40 Asi gore rakati rotanga kupfungaira richibva muguta, shongwe yeutsi, vaBhenjamini vakacheuka shure kwavo, zvino tarira, guta rose richipfungairira kumatenga.

41 Varume vaIsraeri vakatendeuka; varume vaBhenjamini vakavhunduswa, nokuti vakaona kuti chakaipa chavawira.

42 Naizvozvo vakafuratira pamberi pevarume vaIsraeri, vachienda kunzira yerenje; asi hondo yakavatevera; uye vaibva mumaguta vakavauraya pakati pavo.

43 Vakakomba vaBhenjamini, vakavadzingirira vakavatsikira pasi zvakareruka kusvika pakatarisana neGibhiya kunobuda nezuva.

44 Zvino kwakawa kwaBhenjamini varume zvuru gumi nezvisere; vose ava vaiva varume veumhare.

45 Zvino vakatendeuka ndokutizira kurenje kudombo reRimoni. Zvino vakafuhurura kwavari mumigwagwa varume zvuru zvishanu; vakavadzingirira kwazvo shure kwavo kusvika paGidhomi, ndokuuraya kwavari varume zvuru zviviri.

46 Naizvozvo vose vakawa kwaBhenjamini nezuva iro vaiva varume zvuru makumi maviri nezvishanu vaivhomora munondo; ava vose vaiva varume veumhare.

47 Asi varume mazana matanhatu vakatendeuka ndokutizira kurenje kudombo reRimoni, ndokugara padombo reRimoni mwedzi mina.

48 Zvino varume vaIsraeri vakatendeukira kuvana vaBhenjamini ndokuvarova nekwakapinza kwemunondo, kubva muguta rose kusvika kumhuka kusvika kune chose chakawanikwa; nemaguta ose avakawana vakatungidza nemoto.