ShonaTeam Judges « 19 »

Zvinonyangadza zvakaitwa nevanhu veGibhiya

19Zvino zvakaitika mumazuva iwawo pakwaiva kusina mambo pakati paIsraeri kuti kwaiva neumwe muRevhi waigara semutorwa kumacheto egomo raEfuremu; uyo wakazvitorera mukadzi murongo kubva kuBheterehemu-Judha.

2 Zvino murongo wake wakamuitira ufeve, ndokubva kwaari kuenda kumba kwababa vake kuBheterehemu-Judha, ndokuvako kwemazuva, mwedzi mina.

3 Zvino murume wake wakasimuka ndokumutevera kunotaura kumoyo wake kuti amudzose; nejaya rake rinaye vane mbongoro mbiri. Iye ndokumupinza mumba mababa vake; baba vemusikana pavakamuona vakafara kusangana naye.

4 Mukarahwa wake, baba vemusikana, vakamurivadza; iye ndokugara naye mazuva matatu; zvino vakadya, vakanwa, ndokurarapo.

5 Zvino zvakaitika nezuva rechina kuti vakamuka mangwanani-ngwanani, iye ndokusimuka kuti aende; baba vemusikana ndokuti kumukwasha wavo: Simbisa moyo wako nechimedu chechingwa, uye shure kweizvi muchaenda.

6 Naizvozvo vakagara ndokudya ndokunwa vari vaviri pamwe; baba vemusikana ndokuti kumurume: Ida hako urare usiku uye moyo wako ngaufare.

7 Zvino murume wakasimuka kuti aende; asi mukarahwa wake wakamumanikidza; ndokurarapo zvekare.

8 Zvino wakamuka mangwanani-ngwanani nezuva reshanu kuti aende; baba vemusikana ndokuti: Simbisa hako moyo wako; zvino vakarivara kusvika zuva rorereka; zvino vakadya vari vaviri.

9 Murume paakasimuka kuti aende, iye nemurongo wake nejaya rake, mukarahwa wake baba vemusikana ndokuti kwaari: Tarira hako, zuva rovira, ava madekwani, rara hako usiku; tarira, zuva rarereka, rara pano, kuti moyo wako ufare, mugofumira mangwana parwendo rwenyu, uende kutende rako.

10 Asi murume haana kuda kurara usiku ihwo, asi wakasimuka ndokuenda, ndokusvika pakatarisana neJebhusi rinova Jerusarema. Zvino waiva nembongoro mbiri dzakaiswa zvigaro; nemurongo wake waiva naye.

11Zvino vava pedo neJebhusi, zuva raiva rovira kwazvo; jaya ndokuti kuna tenzi waro: Uyai henyu titsaukire kuguta iri revaJebhusi, tirareko.

12 Tenzi waro ndokuti kwariri: Handingatsaukiri kuguta revatorwa risiri revana vaIsraeri; asi tichapfuurira kuGibhiya.

13 Zvino wakati kujaya rake: Uya tigoswedera kune imwe yenzvimbo idzi, tigonorara paGibhiya kana paRama.

14 Zvino vakapfuura vakaenda, zuva ndokuvavirira pedo neGibhiya, raiva rekwaBhenjamini.

15 Zvino vakatsaukirako kuti vapinde varare paGibhiya. Zvino apinda wakagara pasi mumugwagwa weguta; nokuti kwaiva kusina munhu wakavagamuchira mumba kuzorara.

16 Zvino tarira, kwakasvika umwe mutana achibva kubasa rake kumunda madekwani. Murume uyu waibvawo pagomo raEfuremu, ndokugara semweni paGibhiya; asi vanhu venzvimbo iyo vaiva VaBhenjamini.

17 Wakati asimudza meso ake ndokuona munhu uyo, mufambi, mumugwagwa weguta; zvino mutana wakati: Unoendepi? Uye unobvepi?

18 Zvino wakati kwaari: Tinopfuura tichibva Bheterehemu-Judha, takananga kumacheto egomo raEfuremu; ndiko kwandinobva. Ndanga ndakaenda kuBheterehemu-Judha, zvino ndinoenda kuimba yaJehovha; asi hakuna munhu wandigamuchira mumba.

19 Zvakadaro pane majanga nezvekudya zvembongoro dzedu, uye pane chingwa newaini zvangu nezvemurandakadzi wenyu nezvejaya rine varanda venyu; hakuna chinhu chinoshaikwa.

20 Zvino mutana wakati: Rugare ruve newe; koga kushaiwa kwako kose ngakuve pamusoro pangu; koga usarara mumugwagwa.

21 Zvino wakamuunza mumba make, ndokupa mbongoro zvekudya. Zvino vakashambidza tsoka dzavo, ndokudya ndokunwa.

22 Vachiri kufadza moyo yavo, zvino tarira, varume veguta, vamwe vana vaBheriari, vakakomba imba vachirova pasasa; ndokutaura kumutana mwene weimba vachiti: Budisa murume uyo wapinda mumba mako, kuti timuzive.

23 Zvino murume mwene weimba wakabuda kwavari ndokuti kwavari: Kwete, hama dzangu, musaita henyu chakaipa, murume uyu zvaapinda mumba mangu; musaita upenzi uhu.

24 Tarirai, mukunda wangu mhandara, nemurongo wake; regai ndivabudise, muvanyadzise, mugovaitira zvakanaka pameso enyu; asi kumurume uyu musaita chinhu ichi cheupenzi.

25 Asi varume havana kuda kumuteerera. Naizvozvo murume wakabata murongo wake ndokumubudisira kwavari. Zvino vakamuziva ndokumubhinya usiku hwose kusvika kwaedza. Zvino vakamurega aende mambakwedza.

26 Zvino mukadzi wakauya pakuedza, ndokuwira pasi pamukova weimba yemunhu maiva naishe wake, kusvika kwachena.

27 Zvino ishe wake wakamuka mangwanani, ndokuzarura masasa eimba, ndokubuda kuti aende nenzira yake; zvino tarira, mukadzi, murongo wake, wakawira pasi pamukova weimba, uye maoko ake ari pachikumbaridzo.

28 Zvino wakati kwaari: Simuka, tiende; asi hakuna wakapindura; zvino wakamukwidza pambongoro, murume ndokusimuka ndokuenda kunzvimbo yake.

29 Paakasvika mumba make, wakatora banga, akambundikira murongo wake, ndokumutsemura pamwe nemapfupa ake kuita nhindi gumi nembiri, ndokumutumira kumiganhu yose yaIsraeri.

30 Zvino zvakaitika kuti vose vakaona vakati: Hakuna kumboitika, hakuna kumboonekwa zvakadai, kubva pazuva rakakwira vana vaIsraeri kubva panyika yeEgipita kusvika zuva rino; imwi rangarirai izvozvo, panganai, mutaure.