ShonaTeam Judges « 18 »

VaDhani vanotorera Mika vamwari vake

18Mumazuva iwawo kwaiva kusina mambo kwaIsraeri; uye mumazuva iwawo rudzi rwaDhani rwakazvitsvakira nhaka yekugara, nokuti kusvika pazuva iro vaiva vasina kugoverwa nhaka pakati pemarudzi aIsraeri.

2 Zvino vana vaDhani vakatuma varume vashanu kubva kumhuri yavo vachibva kumicheto yavo, varume veumhare, vaibva kuZora neEshitaori, kushora nyika, nekuitarisisa. Zvino vakati kwavari: Endai munotarisisa nyika. Zvino vakasvika kugomo raEfuremu, muimba yaMika, ndokurarapo.

3 Vari mumba maMika, ivo vakaziva inzwi rejaya muRevhi, ndokutsaukirako ndokuti kwaari: Ndiani wakakuunza pano? Uye unoitei pano? Uye unei pano?

4 Iye ndokuti kwavari: Mika wakandiitira kudai nekudai, akandihaya*, ndava mupristi wake.

5 Ivo ndokuti kwaari: Bvunza hako Mwari kuti tizive kuti nzira yedu yatinofamba nayo ichabudirira here.

6 Mupristi ndokuti kwavari: Endai nerugare. Nzira yenyu yamunofamba nayo iri pamberi paJehovha.

7 Zvino varume vashanu vakaenda ndokusvika kuRaishi, ndokuona vanhu vaiva mukati maro, vagere vakatambarara zvavo nemutoo wevaSidhoni, vakanyarara uye vasingatyiri chinhu; kwaiva kusina mutongi munyika kuvamanikidza chinhu, uye vaiva kure nevaSidhoni, vasingafambidzani nemunhu.

8 Zvino vakasvika kuhama dzavo paZora nepaEshitaori. Hama dzavo ndokuti kwavari: Munorevei?

9 Ivo ndokuti: Simukai, tigokwira tinovarwisa; nokuti takaona nyika, uye tarirai, yakanaka kwazvo; zvino imwi monyarara? Musava neusimbe kuenda kunopinda kunogara nhaka yenyika.

10 Pamuchaenda, muchasvika kuvanhu vakatambarara zvavo, uye nyika yakafara mativi ose, nokuti Mwari waipa mumaoko enyu, nzvimbo musingashaikwi chinhu chimwe nechimwe chiri panyika.

11 Zvino kwakasimukapo vaibva kumhuri yekwaDhani vaibva kuZora nekuEshitaori varume mazana matanhatu vakashonga zvombo zvehondo.

12 Zvino vakakwira ndokudzika matende muKiriati-Jearimi paJudha; naizvozvo vakatumidza nzvimbo iyo Mahane-Dhani kusvika zuva rino; tarirai, riri shure kweKiriati-Jearimi.

13 Zvino vakapfuura kubvapo kuenda kugomo raEfuremu, ndokusvika kuimba yaMika.

14 Ipapo varume vashanu vakaenda kunoshora nyika yeRaishi vakapindura ndokuti kuhama dzavo: Munoziva here kuti mudzimba idzi mune efodhi neterafimi nechifananidzo chakavezwa nechifananidzo chakaumbwa nekunyungudusa? Naizvozvo zivai zvamuchaita.

15 Zvino vakatsaukirako ndokusvika muimba yejaya muRevhi, muimba yaMika, ndokumubvunza mufaro.

16 Zvino varume mazana matanhatu vaiva vakashonga zvombo zvavo zvehondo, vaiva vevana vaDhani, vakamira pamukova wesuwo.

17 Zvino varume vashanu vakaenda kunoshora nyika vakakwira, vakapindamo vakatora chifananidzo chakavezwa neefodhi neterafimi nechifananidzo chakaumbwa nekunyungudusa; zvino mupristi wakamira pamukova wesuwo nevarume mazana matanhatu vaiva vakashonga zvombo zvehondo.

18 Zvino ava vakapinda mumba maMika, vakatorawo chifananidzo chakavezwa neefodhi neterafimi nechifananidzo chakaumbwa nekunyungudusa, mupristi ndokuti kwavari: Munoitei?

19 Ivo ndokuti kwaari: Nyarara, bata muromo wako, ugoenda nesu ugova baba kwatiri uye mupristi. Zviri nani kwauri here kuva mupristi weimba yemunhu umwe kana kuti uve mupristi werudzi uye wemhuri kwaIsraeri?

20 Zvino moyo wemupristi wakafara, iye ndokutora efodhi neterafimi nechifananidzo chakavezwa, ndokupinda pakati pevanhu.

21 Zvino vakadzoka ndokuenda ndokuisa vanana nezvipfuwo nenhumbi mberi kwavo.

22 Vava kure neimba yaMika, varume vaiva padzimba dzaiva pedo neimba yaMika vakadanirwa pamwe ndokunamana nevana vaDhani.

23 Zvino vakadanidzira kuvana vaDhani. Ivo ndokutendeudza zviso zvavo ndokuti kuna Mika: Unodei zvawadanirwa pamwe?

24 Iye ndokuti: Matora vamwari vangu vandakaita, nemupristi, zvino mukaenda, zvino ndichinei? Chii ichi chamunoreva kwandiri. Unodei?

25 Zvino vana vaDhani vakati kwaari: Inzwi rako ngarirege kunzwikwa nesu, zvimwe varume vanorwadziwa pamweya vangakuwira iwe ndokurasikirwa neupenyu hwako neupenyu hweveimba yako.

26 Zvino vana vaDhani vakaenda nenzira yavo; Mika paaiona kuti vane simba kumupfuura, wakatendeuka akadzokera kumba kwake.

27 Ivo ndokutora Mika zvaaiva aita, uye mupristi waaiva naye, ndokusvika Raishi kuvanhu vaiva vakanyarara uye vasingatyiri chinhu, ndokuvarova nekwakapinza kwemunondo, ndokupisa guta nemoto.

28 Zvino kwaiva kusina mununuri, nokuti raiva kure neSidhoni; uye vaiva vasingafambidzani nemunhu; uye raiva mumupata uri paBheti-Rehobhi. Zvino vakavaka guta, ndokugaramo.

29 Zvino vakatumidza zita reguta Dhani, nezita rababa vavo Dhani wakaberekerwa Israeri; asi zita reguta raiva Raishi pakutanga.

30 Zvino vana vaDhani vakazvimisira chifananidzo icho chakavezwa; uye Jonatani, mwanakomana waGerishomu mwanakomana waManase, iye nevana vake vakava vapristi verudzi rwevaDhani kusvika pazuva rekutapwa kwenyika.

31 Zvino vakazvimisira chifananidzo chakavezwa chaMika chaaiva aita, mazuva ose apo imba yaMwari yaiva paShiro.