ShonaTeam Judges « 16 »

Samusoni anonyengerwa naDherira

16Zvino Samusoni wakaenda kuGaza ndokuonako mukadzi, chifeve, ndokupinda kwaari.

2Zvikaudzwa kuvaGaza zvichinzi: Samusoni wasvika pano. Zvino vakakomba vakamuvandira usiku hwose pasuwo reguta, ndokunyarara usiku hwose, vachiti: Kusvika kwachena mangwanani, ndipo patichamuuraya.

3 Samusoni ndokurara kusvika pakati peusiku, ndokumuka pakati peusiku, ndokubata masasa esuwo reguta, nemagwatidziro maviri, ndokuadzura pamwe nezariro, ndokuisa pamafudzi ake, ndokuakwidza panhongonya yegomo riri pamberi peHebhuroni.

4 Zvino zvakaitika pashure kuti wakada mukadzi pamupata weSoreki, wezita rake raiva Dherira.

5 Madzishe evaFirisitia ndokukwira kwaari ndokuti kwaari: Mukwezve uone kuti simba rake guru riri pai, uye kuti tingamukunda sei, kuti timusunge timurwadzise. Zvino isu tichakupa umwe neumwe zvimedu zvesirivha mazana gumi nezana rimwe.

6 Zvino Dherira wakati kuna Samusoni: Ndiudze hako kuti simba rako guru riri pai, uye kuti ungasungwa nei, kukurwadzisa.

7 Samusoni ndokuti kwaari: Kana vakandisunga netambo itsva nomwe dzisina kuoma, ndichava asina simba, uye ndive seumwe munhu.

8 Zvino madzishe evaFirisitia akamuvigira tambo nomwe itsva dzisina kuoma, iye ndokumusunga nadzo.

9 Zvino vakavandira vaiva vakagara naye muimba yemukati. Iye ndokuti kwaari: VaFirisitia vari pamusoro pako, Samusoni! Iye ndokudambura tambo sekunodambuka tambo yefirakisi kana ichinzwa moto. Naizvozvo simba rake harina kuzikanwa.

10 Zvino Dherira wakati kuna Samusoni: Tarira, watamba neni ndokundiudza nhema. Ikozvino ndiudze hako kuti ungasungwa nei?

11 Iye ndokuti kwaari: Kana vakangondisunga-sunga nemabote matsva asina kumboitwa basa nawo, ndichava asina simba, uye ndive seumwe munhu.

12 Naizvozvo Dherira wakatora mabote matsva ndokumusunga nawo, ndokuti kwaari: VaFirisitia vari pamusoro pako, Samusoni! Zvino vakavandira vaiva vakagara muimba yemukati. Asi wakaadambura pamaoko ake serushinda.

13 Zvino Dherira wakati kuna Samusoni: Kusvika ikozvino unotamba neni, uye wandiudza nhema; ndiudze kuti ungasungwa nei. Iye ndokuti kwaari: Kana ukarukira pamwe mhotsi nomwe dzevhudzi remusoro wangu netambo dzakarukwa.

14 Zvino wakasimbisa nembambo, ndokuti kwaari: VaFirisitia vari pamusoro pako, Samusoni! Zvino wakapepuka kubva pahope dzake, ndokubvisa mbambo yechirukiso netambo dzakarukwa.

15 Iye ndokuti kwaari: Unoreva sei kuti: Ndinokuda; kana moyo wako usineni? Katatu aka watamba neni. Hauna kundiudza kuti simba rako guru riri pai.

16 Zvino zvakaitika paaimumanikidza nemashoko ake mazuva ose, ndokumunetsa, moyo wake ndokurwadziwa kusvika pakufa;

17 kuti wakamuudza moyo wake wose ndokuti kwaari: Chisvo hachina kumbouya pamusoro pemusoro wangu, nokuti ndiri muNaziri waMwari kubva pachizvaro chamai vangu; kana ndikaveurwa, simba rangu richabva kwandiri, zvino ndichashaiwa simba, uye ndive semunhu wose.

18 Dherira wakati aona kuti wamuudza nemoyo wake wose ndokutuma nhume ndokudana madzishe evaFirisitia, achiti: Kwirai nguva ino, nokuti wandiudza zviri mumoyo wake wose. Madzishe evaFirisitia ndokukwira kwaari, uye vakaunza mari muruoko rwavo.

19 Iye ndokumurarisa hope pamabvi ake, ndokudana munhu ndokumuveurisa mhotsi nomwe dzevhudzi remusoro wake. Zvino wakatanga kumumanikidza; simba rake ndokubva kwaari.

20 Zvino wakati: VaFirisitia vari pamusoro pako, Samusoni! Zvino wakapepuka pahope dzake ndokuti: Ndichabuda sepane dzimwe nguva, ndigozvizuza; asi iye waiva asingazivi kuti Jehovha wabva kwaari.

21 Zvino vaFirisitia vakamubata, ndokumutumbura meso, ndokuburuka naye kuGaza, ndokumusunga nezvisungo zviviri zvendarira; uye waikuya mutirongo.

22 Asi vhudzi remusoro wake rakatanga kukura achangoveurwa.

23 Ipapo madzishe evaFirisitia akaungana kuti abaire Dhagoni mwari wavo chibairo chikuru, nekufara; nokuti vakati: Mwari wedu wakaisa muruoko rwedu muvengi wedu Samusoni.

24 Vanhu pavakamuona vakarumbidza mwari wavo, nokuti vakati: Mwari wedu wakaisa muruoko rwedu muvengi wedu uye muparadzi wenyika yedu, iye wakauraya vazhinji vedu.

25 Zvino zvakaitika, moyo yavo payakafara, kuti vakati: Danai Samusoni kuti atitambire. Zvino vakadana Samusoni kubva mutirongo, iye ndokutamba pamberi pavo. Zvino vakamuisa pakati pembiru.

26 Zvino Samusoni wakati kumukomana waiva akabata ruoko rwake: Ndirege ndibate mbiru pakamira imba padziri ndigosendamira padziri.

27 Zvino imba yaiva izere nevarume nevakadzi; nemadzishe ose evaFirisitia aivamo; uye pamusoro pedenga paiva nevarume nevakadzi vanenge zvuru zvitatu vaiva vachiona Samusoni achitamba.

28 Zvino Samusoni wakadana kuna Jehovha ndokuti: Ishe Jehovha, ndirangarirei henyu, mugondisimbisa henyu nguva ino chete, Mwari, kuti ndizvitsivire nekutsiva kumwe kuvaFirisitia nekuda kwemeso angu maviri.

29 Zvino Samusoni wakabata mbiru mbiri dzepakati, paiva pakamira imba pamusoro padzo uye payaiva yakatsigirwa, imwe neruoko rwake rwerudyi neimwe neruoko rwake rweruboshwe.

30 Samusoni ndokuti: Mweya weupenyu wangu ngaufe pamwe nevaFirisitia. Zvino wakakotama nesimba, imba ndokuwira pamusoro pemadzishe nepamusoro pevanhu vose vaivamo. Naizvozvo vakafa vaakauraya pakufa kwake vaiva vakawanda pane vaakauraya muupenyu hwake.

31 Zvino kwakaburuka hama dzake neveimba yababa vake yose, ndokumutora, ndokumusimudza, ndokumuviga pakati peZora neEshitaori, muguva raManowa baba vake. Iye wakatonga Israeri makore makumi maviri.