ShonaTeam Judges « 14 »

Samusoni nemukadzi weTimuna

14Zvino Samusoni wakaburukira kuTimunati ndokuona mukadzi paTimunati pavakunda vevaFirisitia.

2 Zvino wakakwira ndokuudza baba vake namai vake, ndokuti: Ndaona mukadzi paTimunati pavakunda vevaFirisitia; naizvozvo ikozvino nditorerei iye ave mukadzi wangu.

3 Zvino baba vake namai vake vakati kwaari: Hakuna mukadzi pakati pevakunda vehama dzako kana pakati pevanhu vangu vose here kuti uende kunotora mukadzi kuvaFirisitia vasina kudzingiswa? Samusoni ndokuti kuna baba vake: Nditorerei iye, nokuti wakanaka pameso angu.

4 Asi baba vake namai vake havana kuziva kuti izvi zvaibva kuna Jehovha, kuti waitsvaka mukana wekurwa nevaFirisitia. Nokuti nenguva iyo vaFirisitia vaitonga kwaIsraeri.

5 Zvino Samusoni wakaburukira pamwe nababa vake namai vake kuenda kuTimunati ndokusvika paminda yemizambiringa paTimunati; zvino tarira, hando diki yeshumba yakamuombera.

6 Zvino Mweya waJehovha wakauya nesimba pamusoro pake, ndokuibvambura sekubvambura mbudzana, zvino maiva musina chinhu muruoko rwake; asi haana kuudza baba vake uye mai vake zvaakaita.

7 Zvino wakaburuka ndokutaura nemukadzi; zvino iye waiva akanaka pameso aSamusoni.

8 Zvino shure kwemazuva wakadzokera kunomutora; ndokutsauka kuona mutumbi weshumba, zvino tarira, bumha renyuchi neuchi mumutumbi weshumba.

9 Zvino wakahumorera mumaoko ake, ndokuenderera achienda achidya; ndokusvika kuna baba vake nekuna mai vake, ndokuvapa, vakadyawo; asi haana kuvaudza kuti wakamora uchi mumutumbi weshumba.

10 Zvino baba vake vakaburukira kumukadzi, Samusoni ndokugadzirapo mabiko, nokuti majaya aiita saizvozvo.

11 Zvino zvakaitika pavakamuona kuti wakaunza shamwari makumi matatu vaiva naye.

12 Samusoni ndokuti kwavari: Regai henyu ndikutaurirei chirabwe; kana mukandiudza zvekundiudza icho pamazuva manomwe emabiko, machiwana, ndichakupai nguvo dzemucheka wakanaka dziri makumi matatu nenguvo dzekuchinja makumi matatu.

13 Asi kana musingagoni kundizivisa icho, ipapo imwi muchandipa nguvo dzemucheka wakanaka dziri makumi matatu nenguvo dzekuchinja makumi matatu. Ivo ndokuti kwaari: Taura chirabwe chako tigochinzwa.

14 Zvino wakati kwavari: Kumudyi kwakabuda chekudya, uye kune wakasimba kwakabuda kutapira. Zvino havana kugona kududzira chirabwe mazuva matatu.

15 Zvino zvakaitika nezuva rechinomwe, kuti vakati kumukadzi waSamusoni: Nyengetedza murume wako, kuti atidudzire chirabwe, zvimwe tingapisa iwe neimba yababa vako nemoto; makatidana kuti mutitorere zvatinazvo kanhi? Handizvo here?

16 Zvino mukadzi waSamusoni wakachema misodzi pamberi pake ndokuti: Unondivenga chete, uye haundidi; wakataurira vanakomana vevanhu vangu chirabwe, asi ini hauna kundizivisa icho. Zvino iye wakati kwaari: Tarira, baba vangu namai vangu handina kuvazivisa, zvino ndichazivisa iwe here?

17 Zvino wakachema misodzi pamberi pake mazuva manomwe aiva nemabiko avo; zvino zvakaitika nezuva rechinomwe, kuti wakachiudza kwaari, nokuti waiva amushungurudza; zvino wakaudza chirabwe kuvanakomana vevanhu vekwake.

18 Zvino varume veguta vakati kwaari nezuva rechinomwe zuva risati ravira: Chii chinotapira kukunda uchi? Uye chii chine simba kukunda shumba? Iye ndokuti kwavari: Dai musina kurima netsiru rangu, hamuzaiwana chirabwe changu.

19 Zvino Mweya waJehovha akauya nesimba pamusoro pake. Zvino wakaburukira Ashikeroni, ndokurova varume makumi matatu vavo, ndokutora nguvo dzavo, ndokunopa nguvo dzavo dzekuchinja kune vakazivisa chirabwe. Kutsamwa kwake ndokupfuta, ndokukwira kumba kwababa vake.

20 Asi mukadzi waSamusoni wakava kushamwari yake yaishamwaridzana naye.