ShonaTeam Judges « 13 »

Kuberekwa kwaSamusoni

13Zvino vana vaIsraeri vakaitazve zvakaipa pameso aJehovha; Jehovha ndokuvapa muruoko rwevaFirisitia makore makumi mana.

2 Zvino kwaiva kune umwe murume weZora, wemhuri yevaDhani, uye zita rake raiva Manowa. Zvino mukadzi wake waiva mhanje uye asingabereki.

3 Zvino mutumwa waJehovha wakaonekwa kumukadzi ndokuti kwaari: Tarira hako uri mhanje, haubereki; asi uchabata mimba, ugobereka mwanakomana.

4 Naizvozvo ikozvino chichenjera hako, zvino usanwa waini kana zvinwiwa zvinodhaka, uye usadya chinhu chisina kuchena;

5 nokuti tarira, uchabata mimba ndokubereka mwanakomana. Zvino chisvo hachingauyi pamusoro wake, nokuti mukomana achava muNaziri waMwari kubva muchizvaro; iye achatanga kuponesa Israeri kubva paruoko rwevaFirisitia.

6 Zvino mukadzi wakauya ndokuudza murume wake achiti: Kwandiri kwakasvika munhu waMwari, zvino kuonekwa kwake kwaiva kwakaita sekuonekwa kwemutumwa waMwari, kuchityisa kwazvo; asi handina kumubvunza kuti unobvepi, uye haana kundiudza zita rake.

7 Asi wakati kwandiri: Tarira, uchabata mimba ugobereka mwanakomana; zvino ikozvino chirega kunwa waini kana zvinwiwa zvinodhaka, uye usadya chinhu chisina kuchena, nokuti mukomana achava muNaziri waMwari kubva muchizvaro kusvika pazuva rekufa kwake.

8 Zvino Manowa wakakumbirisa Jehovha ndokuti: Haiwa Ishe wangu, munhu waMwari wamatuma ngaapinde hake zvekare kwatiri, agotidzidzisa zvatichaitira mukomana achaberekwa.

9 Mwari ndokuteerera kuinzwi raManowa; mutumwa waMwari ndokuuyazve kumukadzi agere pamunda; asi Manowa murume wake waiva asiri naye.

10 Zvino mukadzi wakakurumidza ndokumhanya, ndokuudza murume wake, ndokuti kwaari: Tarira, murume waonekwa kwandiri, iye wakauya kwandiri zuva riya.

11 Zvino Manowa wakasimuka ndokutevera mukadzi wake ndokusvika kumurume, ndokuti kwaari: Ndiwe murume wakataura nemukadzi here? Iye ndokuti: Ndini.

12 Manowa ndokuti: Zvino mashoko enyu ngaaitike. Tsika yemukomana ichavei, nebasa rake?

13 Mutumwa waJehovha ndokuti kuna Manowa: Pane zvose zvandareva kumukadzi ngaazvichenjerere.

14 Asadya pachipi nechipi chinobva pamunda wemizambiringa wewaini; uye asanwa waini nezvinwiwa zvinodhaka; uye asadya chinhu chisina kuchena; zvose zvandamuraira azvichengete.

15 Zvino Manowa wakati kumutumwa waJehovha: Tiregei henyu tikunonosei, tigokugadzirirai mbudzana yembudzi.

16 Mutumwa waJehovha ndokuti kuna Manowa: Kana ukandinonosa, handingadyi zvechingwa chako; uye kana uchigadzira chipo chinopiswa, upe kuna Jehovha. Nokuti Manowa waiva asingazivi kuti mutumwa waJehovha.

17 Manowa ndokuti kumutumwa waJehovha: Zita renyu ndiani? Kana mashoko enyu achizouya tigokukudzai?

18 Mutumwa waJehovha ndokuti kwaari: Unondibvunzirei seizvi, zita rangu, zvarinoshamisa?

19 Zvino Manowa wakatora mbudzana yembudzi pamwe nechipo chezvekudya ndokupa kuna Jehovha padombo; mutumwa akaita zvinoshamisa; uye Manowa nemukadzi wake vakatarira.

20 Nokuti zvakaitika murazvo pawakakwira wakananga kudenga kubva paaritari, kuti mutumwa waJehovha wakakwira mumurazvo wearitari, Manowa nemukadzi wake ndokutarira; ndokuwira pasi nezviso zvavo.

21 Asi mutumwa waJehovha haana kuzozviratidzazve kuna Manowa nekumukadzi wake. Ipapo Manowa wakaziva kuti waiva mutumwa waJehovha.

22 Zvino Manowa wakati kumukadzi wake: Tichafa zvirokwazvo, nokuti taona Mwari.

23 Asi mukadzi wake wakati kwaari: Dai Jehovha aida kutiuraya, angadai asina kugamuchira chipo chinopiswa nechipo chechidyiwa kubva paruoko rwedu; uye angadai asina kutiratidza zvinhu izvi zvose, uye angadai asina kutinzwisa zvakadai.

24 Zvino mukadzi wakapona mwanakomana, ndokutumidza zita rake Samusoni; mukomana ndokukura, Jehovha ndokumuropafadza.

25 Zvino Mweya waJehovha wakatanga kumumutsa pamusasa waDhani pakati peZora neEshitaori.