ShonaTeam Judges « 11 »

Jefuta

11Zvino Jefuta muGiriyadhi waiva munhu ane simba neumhare, uye waiva mwanakomana wemukadzi chifeve; Giriyadhi ndiye akabereka Jefuta.

2 Zvino mukadzi waGiriyadhi wakamuberekera vanakomana; vanakomana vemukadzi vakati vakura vakadzinga Jefuta ndokuti kwaari: Haungadyi nhaka mumba mababa vedu, nokuti uri mwanakomana weumwe mukadzi.

3 Jefuta ndokutiza kubva kuvanin'ina vake, ndokugara panyika yeTobhi. Varume vasina maturo ndokuunganira Jefuta, ndokubuda naye.

4 Zvino zvakaitika shure kwemazuva kuti vana vaAmoni vakarwa naIsraeri.

5 Ndokuitika kuti vana vaAmoni vorwa naIsraeri, vakuru veGiriyadhi vakaenda kunotora Jefuta panyika yeTobhi.

6 Ndokuti kuna Jefuta: Uya uve mutungamiriri wedu, kuti tinorwa nevana vaAmoni.

7 Jefuta ndokuti kuvakuru veGiriyadhi: Imwi hamuna kundivenga ndokundidzinga mumba mababa vangu here? Zvino mauyirei kwandiri ikozvino kana muri pakushungurudzika?

8 Zvino vakuru veGiriyadhi vakati kuna Jefuta: Naizvozvo tadzokera kwauri ikozvino, kuti uende nesu uye urwe nevana vaAmoni; zvino uchava musoro wedu pamusoro pevagari vose veGiriyadhi.

9 Jefuta ndokuti kuvakuru veGiriyadhi: Kana muchindidzosera kurwa nevana vaAmoni, kana Jehovha akavaisa kwandiri, ini ndichava musoro wenyu here?

10 Vakuru veGiriyadhi ndokuti kuna Jefuta: Jehovha anonzwa pakati pedu, kana tikasaita saizvozvo zvichienderana neshoko rako.

11 Zvino Jefuta wakaenda nevakuru veGiriyadhi, vanhu ndokumuita musoro nemutungamiriri pamusoro pavo; Jefuta ndokutaura mashoko ake ose pamberi paJehovha paMizipa.

12 Zvino Jefuta wakatuma nhume kuna mambo wevana vaAmoni achiti: Ndinei newe, kuti uuye kwandiri kuzorwa munyika yangu?

13 Zvino mambo wevana vaAmoni wakati kunhume dzaJefuta: Nokuti Israeri wakatora nyika yangu pakukwira kwake kuEgipita kubva paArinoni kusvika paJabhoki uye kusvika paJoridhani; naizvozvo zvino chidzosai nyika idzo nerugare.

14 Jefuta ndokutumazve zvekare nhume kuna mambo wevana vaAmoni.

15 Zvino wakati kwaari: Anoreva seizvi Jefuta: Israeri haana kutora nyika yaMoabhu kana nyika yevana vaAmoni.

16 Asi pavakabuda kubva muEgipita, Israeri wakafamba nemurenje kusvika paGungwa Dzvuku, wakasvika paKadheshi.

17 Israeri ndokutuma nhume kuna mambo waEdhomu achiti: Regai henyu ndipfuure nepanyika yenyu; asi mambo waEdhomu haana kunzwa. Saizvozvowo wakatuma nhume kuna mambo waMoabhu, asi haana kuda. Naizvozvo Israeri wakagara paKadheshi.

18 Zvino vakafamba murenje ndokupoteredza nyika yaEdhomu nenyika yaMoabhu, ndokusvika nekunobuda nezuva kwenyika yaMoabhu, ndokudzika matende mhiri kwaArinoni; asi havana kupinda pamuganhu waMoabhu, nokuti Arinoni waiva muganhu waMoabhu.

19 Zvino Israeri wakatuma nhume kuna Sihoni mambo wevaAmori, mambo weHeshibhoni, Israeri ndokuti kwaari: Regai henyu tipfuure nepanyika yenyu kuenda panzvimbo yangu.

20 Asi Sihoni haana kuvimba Israeri kuti apfuure nepamuganhu wake; asi Sihoni wakaunganidza vanhu vake vose ndokudzika matende paJahazi, ndokurwa naIsraeri.

21 Zvino Jehovha Mwari waIsraeri wakapa Sihoni nevanhu vake vose muruoko rwaIsraeri, Israeri ndokuvauraya; naizvozvo Israeri wakagara nhaka yenyika yose yevaAmori, vagari venyika iyo.

22 Zvino vakagara nhaka yemuganhu wose wevaAmori kubva paArinoni kusvika paJabhoki, uye kubva kurenje kusvika paJoridhani.

23 Zvino ikozvino Jehovha Mwari waIsraeri wakadzinga vaAmori panhaka pamberi pevanhu vake Israeri; zvino imwi muchaigara nhaka here?

24 Hamungadyi nhaka yeuyo Kemoshi mwari wenyu waanodzinga panhaka here? Naizvozvo ani nani Jehovha Mwari wedu waanodzinga panhaka kubva pamberi pedu, iye tichagara nhaka yake.

25 Ko zvino iwe wakanaka-naka kupfuura Bharaki mwanakomana waZipori mambo waMoabhu here? Iye wakatongopokana naIsraeri kana kurwa kwazvo naye here?

26 Israeri paaiva agere paHeshibhoni nepamisha yaro, nepaAroeri nepamisha yaro, nepamaguta ose ari pamahombekombe eArinoni, makore mazana matatu, makaregerei kununura nenguva iyo?

27 Naizvozvo ini handina kukutadzira, asi ndiwe unondiitira zvakaipa nekurwa neni; Jehovha, Mutongi, ngaatonge nhasi pakati pevana vaIsraeri nevana vaAmoni.

28 Asi mambo wevana vaAmoni haana kuteerera kumashoko aJefuta aakatuma kwaari.

29 Zvino Mweya waJehovha wakauya pamusoro paJefuta, iye ndokupfuura paGiriyadhi, naManase, akapfuurawo paMizipa yeGiriyadhi, uye kubva paMizipa yeGiriyadhi wakapfuurira kuvana vaAmoni.

30 Jefuta ndokupika mhiko kuna Jehovha, ndokuti: Kana mukapa kwazvo vana vaAmoni muruoko rwangu,

31 ipapo zvichaitika kuti chipi nechipi chinobuda pamikova yeimba yangu kuzondichingamidza, pakudzoka kwangu nerugare kubva kuvana vaAmoni, chichava chaJehovha, ndichachipa chive chipo chinopiswa.

32 Naizvozvo Jefuta wakapfuurira kuvana vaAmoni kuti arwe navo; Jehovha ndokuvapa muruoko rwake.

33 Zvino wakavarova kubva paAroeri kusvika wasvika paMiniti, maguta makumi maviri, uye kusvika paAbheri-Keramimi, nekurova kukurusa. Saizvozvo vana vaAmoni vakawisirwa pasi pamberi pevana vaIsraeri.

34 Zvino Jefuta wakasvika paMizipa kuimba yake, zvino tarira, mukunda wake wakabuda kunomuchingamidza, nemakandira, nekutamba. Zvino waiva ega, iye ega; kunze kwake waiva asina mwanakomana kana mwanasikana.

35 Zvino zvakaitika paakamuona kuti wakabvarura nguvo dzake ndokuti: Haiwa, mukunda wangu! Iwe wandideredza kwazvo, uye iwe uri pakati pevanonditambudza; nokuti ini ndakashamisa muromo wangu kuna Jehovha, uye handigoni kudzokera shure.

36 Iye ndokuti kwavari: Baba vangu, makashamisa muromo wenyu kuna Jehovha; ndiitirei sezvakabuda mumuromo menyu, nokuti Jehovha wakakutsivirai kwazvo pavavengi venyu, pavana vaAmoni.

37 Zvino wakati kuna baba vake: Ndiitirei chinhu ichi: Ndiregei mwedzi miviri, ndiende, ndiburukire kumakomo, ndichemere umhandara hwangu, ini neshamwarikadzi dzangu.

38 Iye ndokuti: Enda. Akamurega achienda mwedzi miviri. Zvino wakaenda, iye neshamwarikadzi dzake, akanochema umhandara hwake kumakomo.

39 Zvino zvakaitika pakupera kwemwedzi miviri, kuti wakadzokera kuna baba vake, ivo vakamuitira mhiko yavo yavakapika; zvino iye haana kuziva murume. Zvino ikava tsika kwaIsraeri,

40 gore negore vakunda vaIsraeri vanoenda kunorangarira mukunda waJefuta muGiriyadhi mazuva mana pagore.