ShonaTeam Judges « 10 »

Tora naJairi

10Shure kwaAbhimereki kwakamuka Tora mwanakomana waPua mwanakomana waDhodho murume waIsasikari kuponesa Israeri; iye waigara paShamiri panyika yemakomo yaEfuremu.

2 Zvino iye wakatonga Israeri makore makumi maviri nematatu, ndokufa; ndokuvigwa paShamiri.

3 Zvino shure kwake kwakamuka Jairi muGiriyadhi ndokutonga Israeri makore makumi maviri nemaviri.

4 Zvino waiva nevanakomana makumi matatu vaitasva makumi matatu evana vembongoro, uye vaiva nemaguta makumi matatu anonzi Havhori-Jairi kusvika nhasi, ari munyika yeGiriyadhi.

5 Jairi ndokufa, ndokuvigwa paKamoni.

VaIsraeri vanotambudzwa nevaFirisitia nevaAmori

6 Zvino vana vaIsraeri vakaitazve chakaipa pameso aJehovha, ndokushumira vana Bhaari nevaAshitaroti nevamwari vaSiriya nevamwari vaSidhoni nevamwari vaMoabhu nevamwari vevana vaAmoni nevamwari vevaFirisitia; ndokusiya Jehovha, uye havana kumushumira.

7 Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakapfutira Israeri, iye ndokuvatengesa muruoko rwevaFirisitia nemuruoko rwevana vaAmoni.

8 Zvino negore iro ivo vakanetsa nekupwanya vana vaIsraeri, makore gumi nemasere, vose vana vaIsraeri vaiva mhiri kwaJoridhani munyika yevaAmori, yaiva muGiriyadhi.

9 Uye vana vaAmoni vakayambuka Joridhani kuti varwe kunyange naJudha uye naBhenjamini uye neimba yaEfuremu; naizvozvo Israeri wakamanikidzika kwazvo.

10 Zvino vana vaIsraeri vakachema kuna Jehovha vachiti: Takatadza kwamuri, uye nokuti takasiya Mwari wedu ndokushumira vana Bhaari.

11 Jehovha ndokuti kuvana vaIsraeri: Handina kukuponesai here pavaEgipita nepavaAmori nepavana vaAmoni nepavaFirisitia?

12 VaSidhoniwo nevaAmareki nevaMaoni vakakumanikidzai. Zvino mukachema kwandiri; ini ndokukusunungurai paruoko rwavo.

13 Zvakadaro imwi makandisiya ndokushumira vamwe vamwari; naizvozvo handina kukuponesaizve.

14 Endai munochema kuna vamwari vamakasarudza; ivo ngavakuponesei panguva yedambudziko renyu.

15 Zvino vana vaIsraeri vakati kuna Jehovha: Takatadza; imwi tiitirei zvichienderana nezvose zvakanaka pameso enyu; koga tisunungurei henyu nhasi.

16 Zvino vakabvisa vamwari vevatorwa kubva pakati pavo ndokushumira Jehovha; mweya weupenyu wake ndokushungurudzika nedambudziko raIsraeri.

17 Zvino kwakadanirwa pamwe vana vaAmoni, ndokudzika matende paGiriyadhi. Vana vaIsraeri vakaunganawo pamwe, ndokudzika matende paMizipa.

18 Zvino vanhu, machinda aGiriyadhi vakati umwe kune umwe: Ndiani munhu achatanga kurwa nevana vaAmoni? Achava musoro pavagari vose veGiriyadhi.