ShonaTeam Judges « 9 »

Abhimereki

9Zvino Abhimereki mwanakomana waJerubhaari wakaenda kuShekemu kuhama dzamai vake, ndokutaura kwavari nekumhuri yose yeimba yababa vamai vake, achiti:

2 Taurirai henyu munzeve dzevagari vose veShekemu, muti: Chakakunakirai ndechipi, kuti vanakomana vose vaJerubhaari vari vanhu makumi manomwe vakutongei, kana kuti munhu umwe akutongei? Rangariraiwo kuti ndiri pfupa renyu nenyama yenyu.

3 Zvino hama dzamai vake dzakataura nezvake munzeve dzevagari vose veShekemu mashoko ose awa; moyo yavo ikarerekera kutevera Abhimereki, nokuti vakati: Ihama yedu.

4 Zvino vakamupa zvimedu zvesirivha makumi manomwe kubva paimba yaBhaari-Bheriti; Abhimereki akahaya* nawo varume vasina maturo uye vasina hanya vaimutevera.

5 Zvino wakaenda kumba kwababa vake paOfura ndokuuraya vana vababa vake vanakomana vaJerubhaari, varume makumi manomwe pabwe rimwe; asi Jotamu mwanakomana mudikisa waJerubhaari wakasara, nokuti wakavanda.

6 Zvino vagari vose veShekemu nevose veBheti-Miro vakaungana pamwe, vakafamba vakaita Abhimereki ave mambo pamuouki wakamiswa uri paShekemu.

7 Pavakaudza Jotamu, wakaenda ndokunomira pamusoro wegomo Gerizimi, ndokusimudza inzwi rake ndokudanidzira ndokuti kwavari: Ndinzwei, vagari veShekemu, kuti Mwari akunzwei.

8 Miti yakaenda zvekuenda kunozvizodzera mambo; ndokuti kumuorivhi: Titonge.

9 Asi muorivhi wakati kwairi: Ndichasiya mafuta angu, avanorumbidza neni Mwari nevanhu, ndokuenda kupepereka uko neuko pamusoro pemiti here?

10 Zvino miti yakati kumuonde: Uya iwe utitonge.

11 Asi muonde wakati kwairi: Ndichasiya kutapira kwangu nemuchero wangu wakanaka, ndokuenda kupepereka uko neuko pamusoro pemiti here?

12 Zvino miti ikati kumuzambiringa: Uya iwe utitonge.

13 Muzambiringa ndokuti kwairi: Ndichasiya waini yangu itsva inofadza Mwari nevanhu, ndokuenda kupepereka uko neuko pamusoro pemiti here?

14 Zvino miti yose yakati kurukato: Uya iwe utitonge.

15 Rukato ndokuti kumiti: Kana muchokwadi mukandizodza kuva mambo pamusoro penyu, uyai mutsvage uvando pamumvuri wangu; asi kana zvisina kudaro, moto uchabuda murukato ndokuparadza misidhari yeRebhanoni.

16 Naizvozvo ikozvino, kana makaita muchokwadi uye mukutendeka, kuti makaita Abhimereki mambo, uye kana makaita zvakanaka pana Jerubhaari uye paimba yake, uye kana makaita kwaari zvichienderana nezvakafanira zvemaoko ake;

17 nokuti baba vangu vakakurwirai, uye vakarasira upenyu hwavo kure, ndokukusunungurai kubva paruoko rwaMidhiani;

18 asi imwi mamukira imba yababa vangu nhasi, uye mauraya vanakomana vavo, varume makumi manomwe, pabwe rimwe, ndokuita Abhimereki mwanakomana wemurandakadzi wake mambo pamusoro pevagari veShekemu, nokuti ihama yenyu;

19 zvino kana muchokwadi uye mukutendeka makaitira Jerubhaari neimba yake zuva rino, farirai Abhimereki, naiye akufarireiwo.

20 Asi kana zvisina kudaro, moto ngaubude kubva kuna Abhimereki, zvino uparadze vagari veShekemu neBheti-Miro; uye moto ngaubude kubva kuvagari veShekemu neBheti-Miro, ugoparadza Abhimereki.

21 Jotamu ndokupukunyuka ndokutiza, ndokuenda kuBheeri, ndokugarako nekuda kwaAbhimereki mukoma wake.

22 Abhimereki ndokutonga pamusoro paIsraeri makore matatu.

23 Zvino Mwari akatuma mweya wakaipa pakati paAbhimereki nevagari veShekemu; vagari veShekemu ndokunyengera Abhimereki;

24 kuti chisimba chakaitirwa vanakomana vaJerubhaari makumi manomwe chiuye, neropa ravo riiswe pamusoro paAbhimereki munin'ina wavo wakavauraya, nepamusoro pevagari veShekemu vaiva vasimbisa maoko ake kuuraya vana vababa vake.

25 Zvino vagari veShekemu vakamuisira vavandiri pamisoro yemakomo, ndokupamba vose vaipfuura kwavari nenzira iyo; Abhimereki ndokuzviudzwa.

26 Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi wakauya nehama dzake, ndokupfuurira kuShekemu; vagari veShekemu vakavimba naye.

27 Zvino vakabudira kuminda ndokutanha minda yavo yemizambiringa ndokutsika-tsika, vakaita rumbidzo, ndokupinda muimba yamwari wavo, vakadya, vakanwa, vakatuka Abhimereki.

28 Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi wakati: Abhimereki ndiani, uye Shekemu ndiani, kuti timushumire? Haasi mwanakomana waJerubhaari here? NaZebhuri haasi munyai wake here? Shandirai varume vaHamori baba vaShekemu. Nokuti isu tichamushandirirei?

29 Haiwa, dai vanhu ava vaiva muruoko rwangu, ndaibvisa Abhimereki. Zvino wakati kuna Abhimereki: Wedzera hondo yako, ubude.

30 Zvino Zebhuri mubati weguta, wakati achinzwa mashoko aGaari mwanakomana waEbhedhi, kutsamwa kwake kwakapfuta.

31 Zvino wakatuma nhume kuna Abhimereki nekunyengera achiti: Tarira, Gaari mwanakomana waEbhedhi nehama dzake vasvika paShekemu; zvino tarira, vanosimbisa guta kurwa newe.

32 Zvino ikozvino simuka usiku, iwe nevanhu vanewe, muvandire musango.

33 Zvino zvichaitika mangwanani, pakubuda kwezuva, uchamuka mangwanani ugonovamba guta; zvino tarira iye nevanhu vanaye pavachabuda kukurwisa, iwe uchaita kwaari ruoko rwako sezvarwuchawana.

34 Zvino Abhimereki wakasimuka nevanhu vose vaiva naye, usiku, ndokuvandira Shekemu nemapoka mana.

35 Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi wakabuda ndokumira pamukova wesuwo reguta; Abhimereki ndokusimuka, nevanhu vaiva vanaye pakuvandira.

36 Zvino Gaari wakati achiona vanhu, wakati kuna Zebhuri: Tarira, vanhu vanoburuka kubva kunhongonya yemakomo. Zebhuri ndokuti kwaari: Unoona mumvuri wemakomo kuita sevanhu.

37 Gaari ndokubva achitaurazve akati: Tarira, kunoburuka vanhu kubva pakati penyika, nerimwe boka rinouya richibva nenzira yemuouki weMeonenimi.

38 Zebhuri ndokuti kwaari: Zvino muromo wako wavepi zvawakati: Abhimereki ndiani kuti timushandire? Ava havasi vanhu avo vawakazvidza here? Buda hako ikozvino unorwa navo.

39 Gaari ndokubuda pamberi pevagari veShekemu, ndokurwa naAbhimereki.

40 Zvino Abhimereki wakamudzingirira, iye ndokutiza pachiso chake; vazhinji vakawa vakakuvara kusvika pamukova wesuwo.

41 Abhimereki ndokugara paAruma; Zebhuri ndokudzinga Gaari nehama dzake, kuti vasagara paShekemu.

42 Zvino zvakaitika kuchinoedza kuti vanhu vakabuda kuenda kusango; ndokuudza Abhimereki.

43 Iye ndokutora vanhu ndokuvakamura kuva mapoka matatu, ndokuvandira musango; ndokuona, zvino tarira, vanhu vachibuda muguta, akavasimukira, akavarova.

44 Zvino Abhimereki nemapoka aiva naye vakamhanya vakanomira pamukova wesuwo reguta; nemapoka maviri akamhanyira kune vose vaiva musango, ndokuvauraya.

45 Zvino Abhimereki wakarwa neguta zuva iro rose, ndokutapa guta, ndokuuraya vanhu vaivamo; ndokuputsira guta pasi, ndokurikusha munyu.

46 Zvino vagari vose veshongwe yeShekemu pavakazvinzwa, vakapinda munhare yeimba yaEri-Bheriti.

47 Zvino zvakaziviswa Abhimereki kuti vagari vose veshongwe yeShekemu vaungana pamwe.

48 Abhimereki ndokukwira kugomo reZarimoni, iye nevanhu vose vaiva naye; Abhimereki ndokutora sanhu muruoko rwake, ndokutema davi remiti, akarisimudza ndokuriisa pafudzi rake; ndokuti kuvanhu vaiva naye: Zvamaona ndichiita, kurumidzai, muite seni.

49 Naizvozvo vanhu vose vakatemawo umwe neumwe davi rake, ndokutevera Abhimereki, ndokuisa munhare; zvino vakatungidza nhare nemoto pamusoro pavo, kusvika vanhu vose vaiva mushongwe yeShekemu vafawo, vanenge varume nevakadzi churu.

50 Zvino Abhimereki wakaenda kuTebhezi, ndokumisa musasa pakatarisana neTebhezi, akaritapa.

51 Asi kwaiva neshongwe yakasimba mukati meguta, uye varume nevakadzi vose vakatizirako, uye vose vagari veguta, vakazvipfigiramo, ndokukwira kudenga reshongwe.

52 Zvino Abhimereki wakasvika pashongwe, ndokurwa nayo, akaswedera pedo nemukova weshongwe, kuti aipise nemoto.

53 Zvino umwe mukadzi wakakanda bandi reguyo pamusoro waAbhimereki ndokuputsa dehenya rake.

54 Zvino wakakurumidza kudana jaya raitakura zvombo zvake, ndokuti kwariri: Vhomora munondo wako ugondiuraya, zvimwe vangati pamusoro pangu: Mukadzi wakamuuraya. Jaya rake ndokumubaya, ndokufa.

55 Varume vaIsraeri vakati vaona kuti Abhimereki wafa, vakaenda umwe neumwe kunzvimbo yake.

56 Saizvozvo Mwari wakatsiva kuipa kwaAbhimereki kwaakaitira baba vake, pakuuraya vana vababa vake makumi manomwe.

57 Nekuipa kose kwevagari veShekemu Mwari wakatsiva pamusoro wavo; uye kutuka kwaJotamu mwanakomana waJerubhaari kwakauya pavari.